RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/08 p. 1
  • Paridza Usingaregi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paridza Usingaregi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Hapana Kurega Kuzivisa Mashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Vachanzwa Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Rambai Muchiparidzira Umambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 6/08 p. 1

Paridza Usingaregi

1 Dzimwe nguva tinganzwa sokuti ndima yedu yadzokororwa kasingaperi zvokuti hapana pasara, asi pasina zviri kunyatsobuda. Kunyange zvakadaro, pane zvikonzero zvakasimba zvinoita kuti tirambe tichiparidza.—Mat. 28:19, 20.

2 Kuti Ave Uchapupu: Jesu akagara ataura kuti kuparidzwa kwoUmambo kwaizova chikamu chinokosha pazviratidzo zvo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” uye akati zvaizoitirwa kuti zvive “uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:3, 14) Vanhu pavanotiona tichiparidza mashoko akanaka oUmambo, izvozvo uchapupu hwakasimba. Taenda, vamwe vangasara vachitaura nezvekushanya kwedu, kwemaawa kana kwemazuva, kunyange zvazvo vasina kuteerera mharidzo yedu. Kunzwisisa zvatinoitira ushumiri hwedu kunotibatsira kutsungirira. Tiri kufadza Jehovha nokuita zvinhu zvinozadzisa uprofita huri muBhaibheri patinoita uchapupu uye patinonyevera vanhu.—2 VaT. 1:6-9.

3 Zvinoda Kutsungirira: Nokuti vanhu vane zvinhu zvakawanda zviri kutora pfungwa dzavo uye zviri kuvadyira nguva, zvinoda kutsungirira patinoedza kuita kuti munhu arambe achifarira. Mumwe mudzimai aishanyirwa vhiki yoga yoga zvakamutorera gore rose kuti azobvuma kuti Zvapupu zvipinde mumba make zvikurukure naye nezveBhaibheri. Akafarira zvaakanzwa zvokuti akabvuma kudzidza Bhaibheri, akatanga kupinda misangano, uye pasina nguva akataura kuti aida kubhabhatidzwa.

4 Zvinhu zviri kuramba zvichichinja munyika uye vanhu vari kuchinjawo. Vakawanda vaimboramba kuparidzirwa iye zvino vangabvuma kunzwa nezvetariro inozorodza. Kana munhu mumwe chete akabvuma kuteerera mashoko oUmambo, zvinoreva kuti pane chabuda pakutsungirira kwedu.

5 Pasi pose, vanhu vari “kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa” vari kuramba vachiwedzera. (Ezek. 9:4) Zviri kubuda zvinoratidza kuti vanhu vane mafungiro akanaka vari kuteerera mashoko oUmambo. (Isa. 2:2, 3) Saka ngatirambei tichiparidza tisingaregi tichitsungirira norudo pakuendesa “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.”—Isa. 52:7; Mab. 5:42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe