Kuparidzira Kunoda Kutsungirira
1 Kwemakore anopfuura 30, muapostora Pauro akagutswa nokuita basa rokuzivisa mashoko akanaka. Sezvinongoitawo rimwe basa rinogutsa, basa rake rokuparidzira raivawo nezvinetso zvaro. (2 VaK. 11:23-29) Asi, Pauro haana kuora mwoyo. (2 VaK. 4:1) Aiziva kuti simba rokutsungirira achinyatsoita basa rake zvizere raibva kuna Jehovha. (VaF. 4:13) Achitaura nezvomuenzaniso wake wokutsungirira akatendeka, Pauro akatoti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.”—1 VaK. 11:1.
2 Kutsungirira Miedzo Mazuva Ano: Zuva nezuva, hama dzedu dzakawanda dzinosekwa uye dzinoshorwa nevomumhuri, vokubasa, kana vokuchikoro. (Mat. 10:35; Joh. 15:20) Zvimwe iwe uri kutarisana nezvakadai. Ukuwo unogona kunge uchinetseka nourwere, kana kuti unofanira kugara uchirwisana nezvinokuvhiringidza uye nemiedzo yokutenda uye yokutsungirira kwako. Tinogona kusimbiswa kana tikafunga mienzaniso yevashumiri vakavimbika vekare uyewo yevaKristu vatinonamata navo mazuva ano vakatarisana nezvinetso ndokuzvikurira.—1 Pet. 5:9.
3 Tinogona kuwana simba rokuramba takasimba muushumiri nokuva nechokwadi chokuti ‘takashonga nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.’ (VaEf. 6:10-13, 15) Zvinokoshawo kuti tinyengeterere kutsungirira. Mwari anotipa mudzimu mutsvene wake kuti titsungirire miedzo. (2 VaK. 6:4-7) Kuti tikunde muhondo yokurwisana naSatani nenyika yake, tinofanira kuteerera zvatinoyeuchidzwa naMwari kuti tishingaire. (Pis. 119:24, 85-88) Sezvinongoita mwana angaverenga kasingaperi tsamba yaanenge anyorerwa nababa vane rudo, kuverenga kwatinoita Bhaibheri zuva nezuva kunosimbisa ukama hwedu naJehovha. Tinowana uchenjeri hwokuti titsungirire miedzo patinogara tichidzidza tiri toga, tichiita kuti zvatinosarudza zvitungamirirwe nemafungiro aMwari uye tisimbise kuvimbika kwedu.—Zvir. 2:10, 11.
4 Kutsungirira Kunounza Zvikomborero: Kungofanana nezvakaitika kuna Pauro, kutsungirira kwedu takavimbika uye tichinyatsoita ushumiri hwedu kunoita kuti mwoyo waJehovha ufare uye kunounza zvikomborero kwatiri nevamwe. (Zvir. 27:11) Ngative nechokwadi chokuti tatsungirira muushumiri, tichiratidza kuti kutenda kwedu kwakasimba uye “kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inoparara pasinei nokuedzwa kwayo nomoto.”—1 Pet. 1:6, 7.