Tsungiriro Inowana Rukundo
“Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.”—VAHEBHERU 10:36.
1. Neiko tsungiriro iri madikanwa nokuda kwomunhu ari wose anobatira Jehovha Mwari nhasi?
NYIKA ino yose iri musimba ramwari anopandukira. Mutongi wayo asingaoneki, Satani Dhiabhorosi, ari kunangidzira nhamburiko dzake dzose pakushora Jehovha napakurwisana nokurevererwa kwouchangamire hwapose pose hwaJehovha hunodzorwa noUmambo hwoUmesia. Ikoku kunokuita kuti kuve kusingadzivisiki kuti munhu upi noupi anozvitsaurira amene kuna Mwari ndokutora rutivi Rwake rwenhau youchangamire achashorwa nguva dzose nenyika ino. (Johane 15:18-20; 1 Johane 5:19) Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvisimbaradza amene kutsungirira kusvikira nyika ino yakundwa chose chose paArmagedhoni. Kuti tive pakati pavanhu vanokunda vaMwari avo vanokurira nyika kupfurikidza nokutenda kwavo neperero, tinofanira kupfuurira tisingaregi kusvikira kumugumo. (1 Johane 5:4) Tinogona sei kuita ikoko?
2, 3. Jehovha Mwari naJesu Kristu mienzaniso mikurusa sei yetsungiriro?
2 Kutanga, tinogona kutsvaka kurudziro kumienzaniso miviri yakatanhamara yetsungiriro. Ndivanaani ivava? Mumwe ndiJesu Kristu, “dangwe rezvisikwa zvose,” uyo akatsungirira nenzira yokutendeka mubasa raMwari chifo chaapo akapinzwa mukuvapo panguva isingazivikanwi munguva yekare. Mukupfuurira kwake kubatira Mwari nenzira yokutendeka, Jesu akava muenzaniso kuzvisikwa zvose zvakangwara izvo pashure zvakapinzwa mukuvapo mudenga napasi pano. (VaKorose 1:15, 16) Zvisinei, muenzaniso mukurusa wetsungiriro ndiJehovha Mwari, uyo akatsungirira rupandukiro kwenguva refu mukurwisana nouchangamire hwake hwapose pose uye achapfuurira kuita kudaro kusvikira aita chiito chokupedzisira chokugadzikisa nhau youchangamire.
3 Jehovha akatsungirira nenzira yomuenzaniso munhau umo chiremera chake nemifungo yake yomunhu oga mikurusa zvinobatanidzwa. Iye akazvidzora amene mukutarisana nokunyombwa kukuru uye akazviganhurira amene pakuita chiito mukurwisana naavo vakamushora—kubatanidza Satani Dhiabhorosi. Tinoonga nokuda kwetsungiriro yaMwari uye nokuda kwengoni dzake. Pasina izvozvi, taizodai tisina kufarikanya kunyange kuvapo kupfupi zvikurusa. Zvamazvirokwazvo, Jehovha Mwari akazvisianisa amene zvisingaenzaniswi kupfurikidza netsungiriro yake.
4, 5. (a) Muenzanisiro waPauro womuumbi unoratidza sei tsungiriro yaMwari nengoni dzake? (b) Ngoni dzaMwari dzichabvumikisa sei kuva dzisina kupambadzwa?
4 Muapostora Pauro anonongedzera kuzvose zviri zviviri tsungiriro nengoni zvaMwari paanoti: “Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa? Zvino tichatiiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya, iyesu vakadanwawo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo?”—VaRoma 9:21-24.
5 Sokuratidza kunoita aya mashoko, mukati meiyi nhambo yazvino yetsungiriro yake, Jehovha anopfuurira nedonzo rake rine mbiri uye anoratidza ngoni pamidziyo yakati yohunhu. Iye anogadzirira iyi midziyo nokuda kwembiri isingaperi uye nokudaro anokurira madonzo akaipa omushori wake mukuru, Satani Dhiabhorosi, uye ose amapoka aSatani. Havasati vari vose vorudzi rwomunhu vakava midziyo yokutsamwirwa, vanofanirwa noruparadziko. Ikoko kunotaura zvakanaka nezvetsungiriro yokushivirira yaMwari Wamasimba Ose. Ngoni dzake hadzisati dzichizova pasina. Dzichaguma ne (1) mhuri yoUmambo ine mbiri mumatenga pasi poMwanakomana anodiwa waJehovha, Jesu Kristu, uye (2) dzinza rakaponeswa nerakakwaniswa rezvisikwa zvohunhu paparadhiso yapasi, vose vagari venhaka voupenyu husingaperi.
Kutsungirira Kusvikira Kumugumo
6. (a) Neiko maKristu asingagoni kudzivisa muedzo wetsungiriro? (b) Shoko rechiGiriki nokuda kwo“kutsungirira” rinoratidzirei kazhinji kazhinji?
6 Netariro inoshamisa zvakadaro iri mberi, mashoko anosimbaradza aJesu anofanira nguva dzose kurira munzeve dzedu, ndiko kuti: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Kunokosha kufamba zvakanakisisa munzira youdzidzi hwechiKristu. Asi chinokosha pakupedzisira inzira yatinotsungirira nayo, kusanopedza kwatinoita nzira yacho. Muapostora Pauro akasimbisa ikoku paakati: “Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.” (VaHebheru 10:36) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kutsungirira” ndihy·po·mo·neʹ. Irori kazhinji kazhinji rinoratidzira tsungiriro yokushinga, yokutsiga, kana kuti yokushivirira iyo isingarasikirwi netariro mukunangana nemhinganidzo, zvitambudzo, miedzo, uye zviedzo. Kana tichikarira kuwana ruponeso pakupedzisira, tinofanira kuzviisa kumuedzo wetsungiriro sorutivi rwegadziriro iri madikanwa yoruponeso irworwo.
7. Inyengedzoi yatinofanira kudzivisa, uye muenzaniso waani uchatibetsera kutsungirira?
7 Hatifaniri kuzvitsausa timene nepfungwa yokuzvifadza yokuti tinogona kukurumidza kupedza muedzo. Kuti nhau dzouchangamire hwapose pose nedzeperero yomunhu dzigogona kupindurwa chose chose, Jehovha haana kusazvishandisa amene. Iye akatsungirira zvinhu zvisingafadzi kunyange zvazvo aigona kuve akazviparadza pakarepo. Jesu Kristu akanga ariwo muenzaniso wetsungiriro. (1 Petro 2:21; enzanisa naVaRoma 15:3-5.) Neiyi mienzaniso yakaisvonaka iri pamberi pedu, zvirokwazvo isuwo tinodisa kutsungirira kusvikira kumugumo.—VaHebheru 12:2, 3.
Chikwaniriso Chinodikanwa
8. Ivarai iro tose zvedu tinoda iro muapostora Pauro akaratidzira?
8 Hakuna mubatiri waMwari, kunyange kuvambira munguva dzapakuvamba zvikurusa, akahesvurwa mukudikanwa kwokubvumikisa perero yake kupfurikidza nokutsungirira. Vanhu vakatanhamara zvikuru munhau yeBhaibheri avo vakaramba vakatendeka kusvikira kurufu uye vakakwaniriswa nokuda kwoupenyu husingaperi mumatenga vaifanira kubvumikisa kutsiga kwavo. Somuenzaniso, aichimbova muFarise, Sauro weTarso, akati kuvaKorinte: “Handizi muduku napaduku kuvaapostora vanopfuura vose, kunyange ndisi chinhu. Zvirokwazvo, zviratidzo zvomuapostora zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.” (2 VaKorinte 12:11, 12) Pasinei hapo nemitwaro yebasa, Pauro akakoshesa ushumiri hwake zvikuru kwazvo zvokuti iye akatsungirira zvakawanda uye akaedza zvapachokwadi kusaunza ruzvidzo rupi norupi pahuri.—2 VaKorinte 6:3, 4, 9.
9. (a) Vakasarira vakazodzwa vakaratidza sei tsungiriro, uye nomuuyoi? (b) Chii chinobatira sekurudziro yokuti tipfuurire nokutendeka mubasa roumwari?
9 Munguva dzazvino uno zvikuru, maKristu akazodzwa ayo akanga achibatira Mwari pamberi pehondo yenyika yokutanga aiziva kuti 1914 aizoratidza mugumo weNguva dzaVamarudzi, uye vazhinji vavo vaikarira kugamuchira tuso yavo yokudenga gore iroro rinokosha. Asi ikoku hakuna kuitika. Sokuratidza kunoita maidi zvino, vakava namakumi amakore akawedzerwa kwavari. Mukati meiyi wedzero yaisakarirwa yenzira yavo youpenyu yapasi, vakanatswa pasimba raJehovha Mwari. (Zekaria 13:9; Maraki 3:2, 3) Tsungiriro yakapfuuridzirwa yakashanda nokuda kwenakirwo yavo. Savabatiri vaJehovha, vakafara kudanwa savanhu vezita rake. (Isaya 43:10-12; Mabasa 15:14) Nhasi, vapfuudzwa muhondo mbiri dzenyika nerwisano duku zvikuru dzakawanda, vanofara kuyamurwa mukuparadzirwa kwamashoko akanaka neboka guru riri kukura ramamwe makwai, zvino riri muchiverengero chinopfuura mamirioni mana. Paradhiso yomudzimu yavanofarikanya yapararira mupasi rose, kunyange kusvikira kuzvitsuwa zviri kuresa zvegungwa. Uku kubatwa kwomutsa, uko tinonzwisisa tikararama nguva refu zvikuru, kwakabatira sekurudziro yokupfuurira nokutendeka mubasa roumwari kusvikira kuda kwaJehovha nedonzo zvaitwa zvizere.
10. Kutyira kuti pangava nokuneta kupi nokupi kunoitwa nesu, chii chinodikanwa nguva dzose?
10 Sezvo tuso yedu ichitsamira pakutsiga kwedu, nguva dzose tinoda pangiro paiyi nhau inokosha. (1 VaKorinte 15:58; VaKorose 1:23) Kuti pasave nokuneta pakati pavanhu vaJehovha, nguva dzose tinofanira kukurudzirwa kuomerera kuzvokwadi nokuropafadzo inokosha yokuparadzira zvokwadi, kungofanana nezvakanga zvakaita ungano dzakanga dzichangobva kuumbwa muzana ramakore rokutanga neshanyo dzedzokerero dzaPauro naBharnabhasi. (Mabasa 14:21, 22) Ngakuve chisarudzo chedu nokutsunga kuti, sokutaura kwakaita muapostora Johane, zvokwadi icharamba iri matiri, “uye ichava nesu nokusingaperi.”—2 Johane 2, NW.
Kumirira Netsungiriro Isingazununguki
11. Chii chinoratidzika kuva muitiro waMwari navabatiri vake, uye iwoyu wakaratidzirwa sei muchinoitika chaJosefa?
11 Kunoda nguva kuti muedzo pamusoro pedu upedzwe. (Jakobho 1:2-4) Mirira! Mirira! Mirira! unoratidzika kuva waiva muitiro waMwari navabatiri vake vekare pavakaedzwa pamusoro pokutsunga kwavo kupfuurira mukutenda. Asi mirira wacho, pakupedzisira, akabvumikisa nguva dzose kuva anotusa nokuda kwavabatiri ivavo vakatendeka. Josefa, somuenzaniso, aifanira kumirira makore 13 somuranda nomusungwa, asi chinoitika chacho chakanatsa hunhu hwake.—Pisarema 105:17-19.
12, 13. (a) Abrahama aiva sei muenzaniso wetsungiriro yokutendeka? (b) Kutenda kwaAbrahama netsungiriro zvakaratidzwa sei somuenzaniso nokuda kwedu?
12 Abrahama akanga atova namakore 75 okukura apo Mwari akamudana kuti abude muUri yavaKardhea kuti aende kuNyika Yakapikirwa. Akanga ava naanenge makore 125 okukura apo iye akagamuchira simbiso yakasungwa nemhiko yechipikirwa chaMwari—icho chakaitika nokukurumidza pashure pokunge Abrahama aratidzira simba rokutenda kwake kupfurikidza nokusvika kupfundo rokupa mwanakomana wake anodiwa, Isaka, achimira bedzi apo ngirozi yaJehovha yakadzora ruoko rwake ndokudzivisa chibairo chacho. (Genesi 22:1-18) Makore ana makumi mashanu yakanga iri nguva refu yokuti Abrahama amirire somugari wechinguvana munyika yechienzi, asi iye akamirira mamwezve makore 50 kusvikira afa pamakore 175 ezera. Munguva iyoyo yose, Abrahama akanga ari chapupu chakatendeka nomuporofita waJehovha Mwari.—Pisarema 105:9-15.
13 Kutenda kwaAbrahama netsungiriro zvinopiwa somuenzaniso kuvabatiri vose vaMwari avo vanoda kugamuchira zvikomborero zvakapikirwa kupfurikidza naJesu Kristu, Mbeu yaAbrahama. (VaHebheru 11:8-10, 17-19) Pamusoro pake, tinorava pana VaHebheru 6:11-15, kuti: “Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma. Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira. Nokuti Mwari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asina mukuru kwaari waangapika naye, akati: ‘Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.’ Nokudaro, wakati atsungirira, akawana chipikirwa.”
14. Neiko tisingafaniri kufunga kuti muedzo wetsungiriro haugumi uye tuso yacho inonyengera?
14 Nechekare vakasarira vakazodzwa vaona makore 77 achipfuura chifo chomugumo weNguva dzaVamarudzi muna 1914, apo vamwe vavo vakakarira kupiwa mbiri kweungano yechokwadi yechiKristu kudenga. Kuti vakasarira vanofanira kumirira kwenguva yakareba zvikuru sei hatizivi. Ipapoka tinofanira kuzununguka ndokufunga kuti kumirira kwacho hakugumi uye tuso yacho inharidzano inonyengera here? Aiwa! Ikoko kwaisazotongoreverera uchangamire hwaMwari kana kuti kukudza zita rake. Iye aisazoruramiswa pamberi penyika pakutipa rukundo nomubairo unovapo woupenyu husingaperi. Pasinei hapo nourefu hwenguva, vakasarira, pamwe chete neshamwari dzavo dzakatendeka dzakafanana namakwai, vakatsunga kumirira kuti Jehovha aite chiito munguva yake amene. Mukuratidza tsungiriro yakadaro yomuenzaniso, vanotevera nzira yaAbrahama.—VaRoma 8:23-25.
15. (a) Ndeipi iri ziviso yedu, uye Mwari akatitsigira nenzira yorukundo kupfuura nomuzvinoitikai? (b) Ipangiroi yakapiwa naPauro inoramba yakakodzera nokuda kwezuva redu?
15 Ziviso, ipapoka, ichiri tsungiriro isingazununguki mukuita kuda kwaMwari. (VaRoma 2:6, 7) Munguva yakapfuura iye akatitsigira kupfuura nomunhamo dzakakomba, kubatanidza kupinzwa mutorongo nemisasa yechibharo, uye iye akatipfuudza nenzira yorukundo nembiri muzita rake nedonzo.a Munguva ichiripo yokupedzwa kwomuedzo wedu, Jehovha achapfuurira kuita zvimwe chetezvo. Pangiro yaPauro inoramba yakakodzera nokuda kwezuva redu, inoti: “Nokuti munoda shiviriro yokutsiga netsungiriro, kuti mugoita ndokupedza zvizere kuda kwaMwari, uye nokudaro kugamuchira ndokuenda ndokufarikanya zvakazara chinopikirwa.”—VaHebheru 10:36, The Amplified Bible; VaRoma 8:37.
16. Neiko tisingafaniri kurangarira tsauriro yedu kuna Jehovha nenzira yakaganhurirwa chete kana kuti neganhuriro?
16 Chero bedzi Jehovha ane basa rokuti tiite pakati peino nyika yakaipa, ipapoka, tichitevera muenzaniso waJesu, tinoda kupinda mubasa iroro kusvikira rapedzwa. (Johane 17:4) Tsauriro yedu kuna Jehovha yakanga isiri panzwisiso yokuti taizomubatira nokuda kwenguva pfupi bedzi uye ipapo Armagedhoni yaizouya. Tsauriro yedu yakanga iri yokusingaperi. Basa raMwari nokuda kwedu harisati richizoguma nehondo yeArmagedhoni. Zvisinei, kuri bedzi pashure pokunge tapedza basa racho iro rinofanira kuitwa pamberi peArmagedhoni apo tichaona zvinhu zvikuru zvichauya pashure pehondo huru iyoyo. Ipapo, mukuwedzera kuropafadzo inofadza yokupfuurira kuita basa rake, tichatuswa nezvikomborero zvakakarirwa kwenguva refu izvo iye akapikira.—VaRoma 8:32.
Rudo Nokuda kwaMwari Runotibetsera Kutsungirira
17, 18. (a) Munguva dzenhamo, chii chichatibetsera kutsungirira netendero yaMwari? (b) Chii chichatibetsera kuwana rukundo, uye chii chatisingatauri pamusoro penguva yasara?
17 Zvichida, apo nguva dzinotambudza, tingabvunza, kuti: ‘Tinogona sei kutsungirirazve kwenguva yakareba?’ Mhinduro yacho? Kupfurikidza nokuda Mwari nomwoyo wedu wose, ndangariro, mweya, uye simba. “Rudo rune mwoyo murefu, rune mwoyo munyoro, rudo haruna godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:4, 7, 8) Kutoti tikatsungirira nokuda kworudo rwaMwari, tsungiriro yedu haikoshi. Asi kana tikatsungirira mumitwaro nemhaka yokuzvipira kwedu kuna Jehovha, ipapo tsungiriro yedu ine muuyo wokukudza rudo rwedu nokuda kwake. Rudo nokuda kwaMwari, Baba vake, rwakagonesa Jesu kutsungirira. (Johane 14:30, 31; VaHebheru 12:2) Kana vavariro yedu yechokwadi iri rudo nokuda kwaMwari, Baba vedu, chii chiripo chatisingagoni kutsungirira?
18 Rudo rwedu rusingazununguki nokuda kwaJehovha Mwari rwakatigonesa kuramba tichikunda nyika mukati meino nguva yakaoma zvikurusa yokuedza. Uye Jehovha, kupfurikidza naJesu Kristu, achapfuurira kutipa betsero yatinoda pasinei hapo nokuti tsika ino yezvinhu yekare ichabvumidzwa kuvapo kwenguva yakareba sei. (1 Petro 5:10) Chokwadika, hatideyi kutaura pamusoro pokuti inguva yakawanda zvakadini ichiripo, uye hatisi kugadza musi upi noupi wakananga. Tinosiira ikoko kuMuchengeti Mukuru weNguva, Jehovha Mwari.—Pisarema 31:15.
19, 20. (a) Tinofanira kurangarira sei zuva rimwe nerimwe rinopfuura ratinotsungirira? (b) Ufuzai hwatinoda kudzivisa, uye nei?
19 Zvisinei, chizvarwa chakadeya kutaurwa kupupurira nokuwana “mhedziso yetsika yezvinhu” chakura zvikuru zvino mumakore. (Mateo 24:3, 32-35, NW) Naizvozvo ngatiregei kutongokanganwa kuti zuva rimwe nerimwe rinopfuura ratinotsungirira kubvisira Satani namadhemoni ake zuva rimwe rokushatsa chisiko chapose pose nokuvapo kwavo kumene uye zuva rimwe pedyo zvikuru nenguva apo Jehovha asati achizotsungirirazve kuvapo kwe“midziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa.” (VaRoma 9:22) Nokukurumidza, apo mwoyo murefu waJehovha unoguma, acharatidzira kutsamwa kwake pavarume navakadzi vasina umwari. Nokudaro, iye achazivisa kusatendera kwake kwoumwari nzira yavo yechiito, kunyange zvazvo iye akavabvumira kupfuurira kwenhambo yose iyi yenguva.
20 Kwaizova ufuza zvikurusa kuti tigumise nhamburiko dzedu dzorudo dzokuwana mubairo une mbiri uyo unopiwa kwatiri kupfurikidza naJesu Kristu. Panzvimbo pezvo, takatsunga kupfuurira nenzira yokutendeka seZvapupu zvaJehovha muino nguva inokosha zvikurusa apo Jehovha odokuzvireverera amene saChangamire Wapose pose.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, Christine Elizabeth King akanyora, kuti: “Hurumende ye[Nazi] haina kubudirira bedzi mukurwisana neZvapupu, nokuti kunyange zvazvo vakanga vauraya zviuru, basa rakapfuurira uye muna May 1945 sangano reZvapupu zvaJehovha rakanga richiri benyu, nepo National Socialism yakanga isiri. Zviverengero zveZvapupu zvakanga zvawedzera uye hapana kubvumirana pane zvisina kufanira kwakanga kwaitwa. Sangano racho rakanga rawana vafiri kutendeka uye rakanga rarwa norubudiriro imwezve rwisano muhondo yaJehovha Mwari.”—The Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity, peji 193.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko tisingagoni kudzivisa kuita kuti tsungiriro yedu iedzwe?
◻ Inyengedzoi yatinoda kudzivisa?
◻ Kudzivisa kuneta kupi nokupi kunoitwa nesu, chii chinodikanwa?
◻ Chii chiri ziviso yedu?
◻ Munguva dzenhamo, chii chichatibetsera kutsungirira?
[Mufananidzo uri papeji 11]
Vanhu vaMwari, kufanana neizvi Zvapupu zvomuPort of Spain, Trinidad, nguva dzose vave vachida kumirira Jehovha