Zuva Rinokosha Rokutsvaka Vokudzidza Navo Bhaibheri
1 Kutanga muna January, ungano imwe neimwe ichasarudza zuva roMugovera kana kuti reSvondo kamwe chete pamwedzi, zvimwe mwedzi wacho uchangotanga, nechinangwa chokutsvaka vanhu vokudzidza navo Bhaibheri. Zuva racho richange richienderana nezvakanakira ungano. Musi iwoyo, vanenge vachiparidzirwa vakaramba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vanogona kuvapa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei kana magazini achangobuda. Vakuru vose uye vashumiri vanoshumira vanofanira kuronga kuti vaite basa iri nepavanogona napo uye kubatsira vaparidzi kuti vawane vanhu vokudzidza navo Bhaibheri.
2 Dare reBasa reUngano richaronga musi wokupera kwevhiki uchaitwa basa rokutsvaka vokudzidza navo Bhaibheri. Nguva nenguva vaparidzi vanofanira kuyeuchidzwa kuti vagadzirire uye vaedze chaizvo kutsvaka vokudzidza navo Bhaibheri pavanoparidzira paimba neimba uye pavanodzokera kune vaya vakambofarira.
3 Mungagadzirira Sei? Tinogona kuwana mazano angatibatsira kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2006 uye pamapeji 10-11 ebhuku rinonzi Kurangarira. Vamwe vangasarudza kushandisa turakiti seriya rinoti, Ungada Here Kuziva Chokwadi? Uye, papeji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2007 pane mazano okuti ungatanga sei kudzidza nevanhu Bhaibheri paunoshanyira vaya vakatora magazini. Vakuru uye vashumiri vanoshumira vacharongwa kuti vaitise musangano webasa romumunda kwemaminitsi 10 kusvika 15, zano rinobatsira kutanga chidzidzo cheBhaibheri rimwe chete kana kuti maviri anogona kukurukurwa kana kuti kuenzanisirwa.
4 Ichokwadi kuti haasi munhu wose achabvuma kudzidza Bhaibheri kana achada kuramba achidzidza kwenguva yakareba. Izvi hazvifaniri kutiodza mwoyo, nokuti Jehovha ndiye anounza vakaita semakwai kusangano rake. (Joh. 6:44) Basa redu harisi rokungodyara mbeu dzechokwadi chete asi nderokusakura uye kudiridza zvava nemidzi, uye izvi zvinosanganisira kudzidza Bhaibheri nevanoda kudzidza nezvaJehovha. Kana tikadaro, tinenge tichishumira tichiita sevashandi pamwe chete naMwari.—1 VaK. 3:9.