RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/08 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 8
  • Vhiki Inotanga naDecember 15
  • Vhiki Inotanga naDecember 22
  • Vhiki Inotanga naDecember 29
  • Vhiki Inotanga naJanuary 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 12/08 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naDecember 8

Rwiyo 19

10 min: Zviziviso zveungano. Dzokorora muchidimbu mharidzo dzokuenzanisira dzeNharireyomurindi yaDecember 1 uye Awake! yaDecember dziri papeji 8. Kumbira vari muvateereri vakabudirira pakugovera magazini aya kuti varondedzere kuti vakaagovera sei. Inyaya ipi uye mubvunzo upi norugwaro zvavakashandisa?

15 min: Chikoro chaMwari Choushumiri cha2009. Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Kurukura pfungwa dzinoda kuyeuchidzwa vaparidzi vomuungano dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2008. Kurukura basa romupi zano wechipiri. Kurudzira vose kuti vaite nomwoyo wose pakupa hurukuro dzavo, pakupindura papfungwa huru dzeBhaibheri, uye pakushandisa mazano anopiwa vhiki nevhiki anobva mubhuku rinonzi, Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.

20 min: “Uri Kushandisa Bhuku Rinonzi Kurangarira Here?”a Pakukurukura ndima 4, ita kuti piyona kana kuti mumwe muparidzi anokwanisa aenzanisire muchidimbu kuti angashandisa sei Kurangarira kana achiparidza pasuo nesuo kupindura mubvunzo unoti, ‘Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Krisimasi?’

Rwiyo 6

Vhiki Inotanga naDecember 15

Rwiyo 178

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

10 min: Dzokorora Kuti Usimbise Kana Uri Muushumiri. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri papeji 207. Enzanisira muchidimbu pfungwa imwe chete kana kuti mbiri pane dzirimo.

25 min: “‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’—Nokuparidzira Mumafurati.”b Ichapiwa nomutariri webasa kana kuti mumwe mukuru. Ratidza kuti mazano aripo anoshanda sei mundima yenyu. Kana izvi zvisingashandi mundima yenyu, tapota itai kuti mukuru akurukure neungano mashoko ari pamapeji 92-6 ebhuku rinonzi, Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

Rwiyo 157

Vhiki Inotanga naDecember 22

Rwiyo 75

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Taura mabhuku achagoverwa muna January, uye ita kuti mukuru aenzanisire kuti angagoverwa sei.

15 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye Awake! yaJanuary. Kukurukurirana nevateereri. Wataura muchidimbu zviri mumagazini acho, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa mundima yenyu uye nei. Uchishandisa dzimwe dzacho, kumbira vateereri kuti vataure mibvunzo yavangazoshandisa kuti vatange kukurukura nomunhu, uye rugwaro ruri munyaya yacho rwavangazoverenga vasati vamupa magazini yacho. Gumisa nokuenzanisira kuti magazini acho angagoverwa sei pachishandiswa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzakakodzera mundima yenyu.

20 min: “Zuva Rinokosha Rokutsvaka Vokudzidza Navo Bhaibheri.”c Taura kuti musi upi wokupera kwevhiki muna January apo ungano ichatsvaka vanhu vokudzidza navo Bhaibheri. Kurukura mazano ari mundima 3 uye enzanisira nzira imwe chete kana kuti mbiri dzinoratidza kuti kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu kungatangwa sei.

Rwiyo 133

Vhiki Inotanga naDecember 29

Rwiyo 60

Chidzidzo cheBhaibheri cheUngano:

jd-CA chits. 12 ¶1-10

Chikoro chaMwari Choushumiri:

Kuverenga Bhaibheri: Zvakazarurwa 15-22

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Musangano Webasa:

Rwiyo 153

5 min: Zviziviso zveungano.

10 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Kuparidzira Kunoda Kutsungirira.”d Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure nezvemagwaro aripo.

Rwiyo 155

Vhiki Inotanga naJanuary 5

Rwiyo 35

Chidzidzo cheBhaibheri cheUngano:

jd-CA chits. 12 ¶11-22

Chikoro chaMwari Choushumiri:

Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 1-5

Nha. 1: Genesisi 3:1-15

Nha. 2: Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru (lr-CA chits. 1)

Nha. 3: Mabasa Api Asinganzi Kushandira Pasina? (1 VaK. 15:58)

Musangano Webasa:

Rwiyo 98

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Tevedzera Maonero Aiita Jesu Ushumiri Hwake. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku rinonzi,“Uya Uve Muteveri Wangu,” mapeji 84-86, ndima 16-21.

10 min: “Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2009”e Ichakurukurwa nomunyori weungano. Tapota taura kuti ungano yenyu ichapinda gungano ripi. Kurudzira vaparidzi kuti vapinde gungano ravakanzi vapinde.

Rwiyo 114

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe