RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/08 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2009

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2009
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • MIRAYIRIDZO
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 10/08 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri Ya2009

MIRAYIRIDZO

Muna 2009 zvinotevera ndizvo zvichatevedzerwa pakuitisa Chikoro chaMwari Cheushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene [bi12-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], Dzidza Kumudzidzisi Mukuru [lr-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA].

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA nemashoko ekugamuchira vateereri, chobva chaenderera mberi sezvakarongwa pasi apa. Hurukuro imwe neimwe yapera, mutariri wechikoro achasuma hurukuro inotevera.

PFUNGWA HURU DZATAKAWANA PAKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi mana ekutanga, mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kukurukura pfungwa dzemuMagwaro dzinobva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki. Izvi zvinosiyana kana kuverenga Bhaibheri kwevhiki iyoyo kuchitanga nechitsauko chekutanga cheBhuku reBhaibheri. Pazvinenge zvakadaro, zvinokurukurwa mumaminitsi mana ekutanga zvinofanira kutorwa mu“Rugwaro Rwose.” Semuenzaniso, zvitsauko zvishanu zvekutanga zvebhuku raGenesisi zvichakurukurwa muvhiki yaJanuary 5, saka mukurukuri anofanira kusarudza pfungwa shoma dzinokosha mundima dzinosuma bhuku racho sezviri mu“Rugwaro Rwose.” Anofanira kuita kuti mashoko acho abatsire ungano. Angave achikurukura kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki kana kuti pfungwa dziri mu“Rugwaro Rwose,” chinangwa chikuru ndechekubatsira vateereri kunzwisisa nei uye sei mashoko acho achikosha. Mukurukuri anofanira kuona kuti haapfuudze maminitsi mana echikamu chekutanga. Anofanira kuva nechokwadi chekuti asiyira vateereri maminitsi matanhatu ekuti vataure muchidimbu zvavakafarira mumasekonzi asingapfuuri 30. Zvadaro mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi kuti vaende kune mamwe makirasi.

NHAMBA 1: Maminitsi 4 kana kuti asingasviki. Hama ndiyo inofanira kuverenga. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga asingapi sumo kana mhedziso. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kuti vanzwisise zvavari kuverenga, vachitsetsenura, vachisimbisa pfungwa zvakakodzera, vachisiyanisa inzwi, vachimbomira zvakakodzera, uye sematauriro avo.

NHAMBA 2: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachapiwa marongero avangaita kana kuti vachasarudza pane ari papeji 82 yebhuku reChikoro chaMwari Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro waakapiwa oratidza kushanda kwaunoita muushumiri uye zviri zvinhu zvinowanika mundima yenyu. Kana zvisina kuratidzwa kuti hurukuro yacho iri kubva papi, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nekutsvakurudza mumabhuku edu. Mutariri wechikoro achanyanyofarira kukurukura kunoita mudzidzi mashoko acho uye kubatsira kwaanoita saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.

NHAMBA 3: Maminitsi 5. Ingapiwa hama kana kuti hanzvadzi. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro waakapiwa. Kana pari kubva hurukuro pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko nekutsvakurudza mumabhuku edu. Painopiwa hama, inofanira kukurukurirwa vateereri vari muImba yeUmambo. Kana hanzvadzi ikapiwa hurukuro iyi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvinoitwa Hurukuro nhamba 2. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi nguva dzose inofanira kupiwa hama kuti dziite zvekukurukura, uye pese pazvinoita, inofanira kupiwa mukuru kana mushumiri anoshumira.

ZANO: Miniti imwe kusvika kumaviri. Mutariri wechikoro haafanozivisi ungano nezveunyanzvi hwekutaura huri kushandirwa nemudzidzi. Pashure peHurukuro nhamba 1, 2, ne3, mutariri wechikoro achataura zvakanaka zvaanorumbidza muhurukuro yacho, nokutaura zvikonzero chaizvo nei makurukuriro acho anga achibatsira, kakawanda achiratidza pazviri mubhuku reChikoro chaMwari Choushumiri. Maererano nezvinodiwa nemudzidzi mumwe nemumwe, zano rekuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.

NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, uye mashoko emupi wezano haafaniri kupfuudza nguva. Hurukuro nhamba 1 kusvika ku3 dzinofanira kumiswa zvisinganyadzise mukurukuri kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa pfungwa huru dzinowanika pakuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kuona kuti havapfuudze nguva. Progiramu yese: Maminitsi 30.

FOMU REUNYANZVI HWEKUTAURA: Riri mubhuku reChikoro chaMwari Choushumiri.

ANOPA ZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi kana aripo, asiri mutariri wechikoro, kuti ave ndiye anopa zano wechipiri. Kana muungano muine vakuru vakawanda, ipapo vakuru vane unyanzvi vakasiyana vangachinjana kuita basa iri gore rimwe nerimwe. Basa reanopa zano wechipiri richava rekupa zano pasiri paruzhinji hama dzinotaura pfungwa huru dzinowanika pakuverenga Bhaibheri, kana zvakakodzera. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pose pavanopa hurukuro dzakadaro.

KUDZOKORORA CHIKORO CHAMWARI CHEUSHUMIRI: Maminitsi 20. Mwedzi miviri yega yega, mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora. Pachatanga pakurukurwa pfungwa huru dzinowanika pakuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro apa. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvinenge zvakadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo. Kana ungano yenyu iine gungano redunhu kana mutariri wedunhu vhiki yekudzokorora, torai Hurukuro nhamba 1 kusvika ku3 zvevhiki inotevera, kudzokorora mozokuita vhiki yamatora hurukuro dzacho. Hamufaniri kuchinja purogiramu yekuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki kana kuti kutaurwa kwepfungwa huru.

PUROGIRAMU

Jan. 5 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 1-5

Nha. 1: Genesisi 3:1-15

Nha. 2: Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru (lr-CA chits. 1)

Nha. 3: Mabasa Api Asinganzi Kushandira Pasina? (1 VaK. 15:58)

Jan. 12 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 6-10

Nha. 1: Genesisi 9:1-17

Nha. 2: Kupindura Vanhu Vasingadaviri Mwari (rs-CA p. 264¶4–​p. 265¶3)

Nha. 3: Tsamba Inobva kuna Mwari Ane Rudo (lr-CA chits. 2)

Jan. 19 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 11-16

Nha. 1: Genesisi 14:1-16

Nha. 2: Uyo Akasika Zvinhu Zvose (lr-CA chits. 3)

Nha. 3: Jehovha Anotiumba Sei? (Isa. 64:8)

Jan. 26 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 17-20

Nha. 1: Genesisi 17:1-17

Nha. 2: Chinoita Kuti Vanhu Vatadze Kuva Nehurumende Yakarurama (rs-CA map. 83-84 ¶3)

Nha. 3: Mwari Ane Zita (lr-CA chits. 4)

Feb. 2 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 21-24

Nha. 1: Genesisi 22:1-18

Nha. 2: “Uyu Ndiye Mwanakomana Wangu” (lr-CA chits. 5)

Nha. 3: a Nzira Dzatingawedzera Nadzo Kuda Vamwe (2 VaK. 6:11-13)

Feb. 9 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 25-28

Nha. 1: Genesisi 25:1-18

Nha. 2: Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka (lr-CA chits. 6)

Nha. 3: Chinoita Kuti Vanhu Vatadze Kuunza Rusununguko (rs-CA p. 84 ¶4–​p. 85 ¶4)

Feb. 16 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 29-31

Nha. 1: Genesisi 29:1-20

Nha. 2: Chikonzero ‘Chekurega Kuzvidya Mwoyo’ (Mat. 6:25)

Nha. 3: Kuteerera Kunokudzivirira (lr-CA chits. 7)

Feb. 23 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 32-35

Kudzokorora

Mar. 2 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 36-39

Nha. 1: Genesisi 39:1-16

Nha. 2: Vamwe Vakuru Kwatiri (lr-CA chits. 8)

Nha. 3: Umambo hwaMwari Ndihwo Chete Huchazadzisa Zvido Zvevanhu (rs-CA p. 85 ¶5–​p. 86 ¶2)

Mar. 9 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 40-42

Nha. 1: Genesisi 40:1-15

Nha. 2: Tinofanira Kukurira Miedzo (lr-CA chits. 9)

Nha. 3: b Ngwarira Umbimbindoga!

Mar. 16 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 43-46

Nha. 1: Genesisi 44:1-17

Nha. 2: Simba raJesu Pamadhimoni (lr-CA chits. 10)

Nha. 3: Uprofita hweBhaibheri Hwakaratidza Kuvimbika Zvikuru (rs-CA p. 86 ¶3-p. 87 ¶3)

Mar. 23 Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 47-50

Nha. 1: Genesisi 48:1-16

Nha. 2: Tinofanira Kutya Dhiyabhorosi Here?

Nha. 3: Kubatsira Kunobva Kungirozi dzaMwari (lr-CA chits. 11)

Mar. 30 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 1-6

Nha. 1: Eksodho 1:1-19

Nha. 2: Jesu Anotidzidzisa Kunyengetera (lr-CA chits. 12)

Nha. 3: Kuporesa Kwemazuva Ano Kunoitwa Nemudzimu waMwari Here? (rs-CA map. 129-130 ¶3)

Apr. 6 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 7-10

Nha. 1: Eksodho 9:1-19

Nha. 2: Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu (lr-CA chits. 13)

Nha. 3: c Tingatsanangura sei VaGaratiya 6:2 kuti ipindirane nendima 6:5?

Apr. 13 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 11-14

Nha. 1: Eksodho 12:21-36

Nha. 2: Chikonzero Nei Tichifanira Kukanganwira (lr-CA chits. 14)

Nha. 3: Kusiyana Kwekurapa Kwaiitwa naJesu Nevaapostora Vake Nekunoitwa Mazuva Ano (rs-CA p. 130 ¶4–​p. 131 ¶2)

Apr. 20 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 15-18

Nha. 1: Eksodho 15:1-19

Nha. 2: Kusabatanidzwa Mukunamata Kwenhema Kunorevei?

Nha. 3: Chidzidzo Chokuva Nemutsa (lr-CA chits. 15)

Apr. 27 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 19-22

Kudzokorora

May 4 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 23-26

Nha. 1: Eksodho 24:1-18

Nha. 2: Chii Chinokosha Zvechokwadi? (lr-CA chits. 16)

Nha. 3: Kuzivikanwa Kunoitwa vaKristu Vechokwadi Nhasi (rs-CA p. 131 ¶3–​p. 132 ¶2)

May 11 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 27-29

Nha. 1: Eksodho 29:1-18

Nha. 2: Nzira Yokuwana Nayo Mufaro (lr-CA chits. 17)

Nha. 3: d Kurasika Pazvinhu Zvekuvimba Nazvo uye Ngozi Dzacho

May 18 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 30-33

Nha. 1: Eksodho 31:1-18

Nha. 2: Nei Zvipo Zvekuporesa Zvakapiwa Muzana Rekutanga Remakore (rs-CA p. 132 ¶3–​p. 133 ¶3)

Nha. 3: Unoyeuka Kuti Mazvita Here? (lr-CA chits. 18)

May 25 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 34-37

Nha. 1: Eksodho 37:1-24

Nha. 2: Kurwa Kwakanaka Here? (lr-CA chits. 19)

Nha. 3: e Kuita Madiro Kudii, uye Nei Tisingafanira Kuaita?

June 1 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 38-40

Nha. 1: Eksodho 40:1-19

Nha. 2: Unoda Kuva Wokutanga Nguva Dzose Here? (lr-CA chits. 20)

Nha. 3: Itariro Ipi Iripo Yekuporeswa Chaikoiko Kwevanhu Vose? (rs-CA p. 133 ¶4-6)

June 8 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 1-5

Nha. 1: Revhitiko 4:1-15

Nha. 2: Pane Chimwe Chinhu Chatinofanira Kuzvikudza Nacho Here? (lr-CA chits. 21)

Nha. 3: f VaKristu Vanofanira Kushandisa Sei Masimba Avo?

June 15 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 6-9

Nha. 1: Revhitiko 8:1-17

Nha. 2: ‘Unodavira Kuporesa Here?’ (rs-CA p. 134 ¶1–2)

Nha. 3: Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema (lr-CA chits. 22)

June 22 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 10-13

Nha. 1: Revhitiko 11:29-45

Nha. 2: Chinoita Kuti Vanhu Varware (lr-CA chits. 23)

Nha. 3: Zvikomborero Zvinowanika Nevadzidzi Vakabhabhatidzwa

June 29 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 14-16

Kudzokorora

July 6 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 17-20

Nha. 1: Revhitiko 19:1-18

Nha. 2: Tose Taimbova Kunyikadzimu Tisati Taberekwa Here? (rs-CA p. 68 ¶4–​p. 69 ¶4)

Nha. 3: Usambofa Wakava Mbavha! (lr-CA chits. 24)

July 13 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 21-24

Nha. 1: Revhitiko 22:17-33

Nha. 2: Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here? (lr-CA chits. 25)

Nha. 3: VaKristu Vechokwadi Vanoratidza Sei Kuti Vane Hanya Nevarombo?

July 20 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 25-27

Nha. 1: Revhitiko 25:39-54

Nha. 2: Chikonzero Nei Zvakaoma Kuita Zvakanaka (lr-CA chits. 26)

Nha. 3: Kudai Adhamu Asina Kuita Chivi, Angadai Akaenda Kudenga Here? (rs-CA p. 69 ¶5-6)

July 27 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 1-3

Nha. 1: Numeri 3:1-20

Nha. 2: Nei Kuva Munyoro Kuchida Kuzvidzora

Nha. 3: Mwari Wako Ndiani? (lr-CA chits. 27)

Aug. 3 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 4-6

Nha. 1: Numeri 4:1-16

Nha. 2: Nzira Yokuziva Nayo Wokuteerera (lr-CA chits. 28)

Nha. 3: Munhu Anofanira Kuenda Kudenga Here Kuti Anyatsofara? (rs-CA p. 70 ¶1-3)

Aug. 10 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 7-9

Nha. 1: Numeri 9:1-14

Nha. 2: Mapati Ose Anofadza Mwari Here? (lr-CA chits. 29)

Nha. 3: Kuratidza Kwatingaita Kuti Takavimbika Kuna Jehovha

Aug. 17 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 10-13

Nha. 1: Numeri 13:17-33

Nha. 2: Chinotibatsira Kukurira Kutya (lr-CA chits. 30)

Nha. 3: Pana 1 Petro 3:19, 20 Panorevei? (rs-CA p. 70 ¶4)

Aug. 24 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 14-16

Nha. 1: Numeri 14:26-43

Nha. 2: Zvinorevei Kuda Mutemo waMwari? (Pis. 119:97)

Nha. 3: Kwokuwana Nyaradzo (lr-CA chits. 31)

Aug. 31 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 17-21

Kudzokorora

Sept. 7 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 22-25

Nha. 1: Numeri 22:20-35

Nha. 2: Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo (lr-CA chits. 32)

Nha. 3: Pana 1 Petro 4:6 Panorevei? (rs-CA p. 71 ¶1)

Sept. 14 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 26-29

Nha. 1: Numeri 27:1-14

Nha. 2: Kutungamirira Pfungwa Kudii, uye Nei Kuchikosha? (VaEf. 6:4)

Nha. 3: Jesu Anogona Kutidzivirira (lr-CA chits. 33)

Sept. 21 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 30-32

Nha. 1: Numeri 32:1-15

Nha. 2: Chii Chichaitika Kana Tikafa? (lr-CA chits. 34)

Nha. 3: Upenyu Hwokudenga Itariro yevaKristu Vese Here? (rs-CA p. 71 ¶2-p. 72 ¶1)

Sept. 28 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 33-36

Nha. 1: Numeri 33:1-23

Nha. 2: Tinogona Kumuka Kubva Murufu! (lr-CA chits. 35)

Nha. 3: Zvinoita Kuti Umambo hwaMwari Hupfuure Hurumende Dzose Dzevanhu

Oct. 5 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 1-3

Nha. 1: Dheuteronomio 2:1-15

Nha. 2: “Testamende Itsva” Inotii Nezveupenyu Husingaperi Pasi Pano? (rs-CA p. 72 ¶2–​p. 73 ¶3)

Nha. 3: Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi? (lr-CA chits. 36)

Oct. 12 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 4-6

Nha. 1: Dheuteronomio 4:15-28

Nha. 2: Kuyeuka Jehovha neMwanakomana Wake (lr-CA chits. 37)

Nha. 3: Ndepapi Pazvingataurwa Kuti Zviri Nani Kuva Nezvishoma? (Zvir. 15:16)

Oct. 19 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 7-10

Nha. 1: Dheuteronomio 9:1-14

Nha. 2: Chikonzero Nei Tichifanira Kuda Jesu (lr-CA chits. 38)

Nha. 3: Bhaibheri Rinoti Vanhu Vangani Vanoenda Kudenga? (rs-CA p. 73 ¶4-5)

Oct. 26 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 11-13

Kudzokorora

Nov. 2 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 14-18

Nha. 1: Dheuteronomio 15:1-15

Nha. 2: Kutya Mwari Kunosanganisirei?

Nha. 3: Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake (lr-CA chits. 39)

Nov. 9 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 19-22

Nha. 1: Dheuteronomio 22:1-19

Nha. 2: Nzira Yokufadza Nayo Mwari (lr-CA chits. 40)

Nha. 3: Vanhu 144 000 vaJudha Bedzi Here? (rs-CA p. 73 ¶6–​p. 74 ¶3)

Nov. 16 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 23-27

Nha. 1: Dheuteronomio 25:1-16

Nha. 2: Vana Vanofadza Mwari (lr-CA chits. 41)

Nha. 3: g Zvii Zvatinofanira Kuona Sezvitsvene?

Nov. 23 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 28-31

Nha. 1: Dheuteronomio 30:1-14

Nha. 2: Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda (lr-CA chits. 42)

Nha. 3: Magwaro Anoti “Boka Guru” Rine Tariro Yei? (rs-CA p. 74 ¶4–​p. 75 ¶1)

Nov. 30 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 32-34

Nha. 1: Dheuteronomio 32:1-21

Nha. 2: “Zuva guru raJehovha” Chii? (Zef. 1:14)

Nha. 3: Hama Nehanzvadzi Dzedu Ndivanaani? (lr-CA chits. 43)

Dec. 7 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 1-5

Nha. 1: Joshua 5:1-15

Nha. 2: Shamwari Dzedu Dzinofanira Kuda Mwari (lr-CA chits. 44)

Nha. 3: Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda (lr-CA chits. 45)

Dec. 14 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 6-8

Nha. 1: Joshua 8:1-17

Nha. 2: Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here? (lr-CA chits. 46)

Nha. 3: Nei Zano Riri Pana Muparidzi 7:21, 22 Richibatsira?

Dec. 21 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 9-11

Nha. 1: Joshua 9:1-15

Nha. 2: Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo (lr-CA chits. 47)

Nha. 3: Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi (lr-CA chits. 48)

Dec. 28 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 12-15

Kudzokorora

[Mashoko Omuzasi]

a Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

b Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

c Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

d Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

e Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

f Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

g Ipai hama chete, kunyanya vakuru kana vashumiri vanoshumira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe