RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/08 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 10/08 p. 7

Zviziviso

Mabhuku achagoverwa muna October: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kana munhu akafarira, mupe turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda nezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza naye Bhaibheri. November 2008: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. December: Govera bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana vanhu vakati vane vana, vape bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. January 2009: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochenuruka kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1992 asati asvika.

◼ Kumutariri anotungamirira uye mutariri weChikoro chaMwari Choushumiri: Purogiramu itsva yomusangano weungano inotangira pavhiki yaDecember 29, 2008, uye purogiramu iyi inenge yakagadziriswa ichange yakarongwa saizvozvo muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 2008. Pamunenge muchiitisa Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri vhiki iyoyo, ivai nechokwadi chokutevedzera mirayiridzo iri paPurogiramu yoKudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri cha2009. Unyanzvi hwokutaura hahuzokurukurwi manheru iwayo.

◼ Vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge ichakurukurwa paMusangano Webasa muna January. Kana muchiida, munogona kubva mangoiodha kuungano.

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu evaya vanoda kukumbira kuita basa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi mazuva anenge 30 musi uri kuda kutanga ari kunyorera wacho usati wasvika. Munyori weungano anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti zvose zvinodiwa zvakanyorwa. Kana vanhu vari kukumbira kuita basa racho vasingachayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kuita zvokufungidzira musi wacho vounyora pasi. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano (S-21).

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe