RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/08 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 5/08 p. 3

Zviziviso

May: Nharireyomurindi neAwake! Tinofanira kuedza kushanyira vanhu vatsva vanofarira vanenge vauya kuChirangaridzo uye kuhurukuro inokosha asi vanenge vasingapindi misangano yeungano. Chinangwa chokuvashanyira chinofanira kunge chiri chokutanga kudzidza Bhaibheri nevaya vanenge vasati vava kudzidza. June: Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu kana kuti Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Ungano dzisina mabhuku aya dzingagovera bhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Matare evakuru anofanira kudzokorora tsamba yomusi waJuly 24, 2006 ine chokuita nokugadzirira njodzi uye kuva nechokwadi chokuti vane kero nenhamba dzerunhare zvomuparidzi mumwe nomumwe zviri kushanda panguva yacho. Munzvimbo dzinowanzoitika njodzi, vanofanira kuwanawo dzimwe kero nenhamba dzenhare zvokushandisa munguva yenjodzi. Chokwadi, kuwedzera panguva yenjodzi, zvinobatsira kuti vaparidzi vaudze mutariri wavo weChidzidzo Chebhuku Cheungano kana kuti mumwe mukuru kana vachizenge vasipo kwenguva yakareba, zvakadai sepaya pavanoenda kumazororo kana kufambira bhizimisi, pavanenge vapiwa mubhedha kuchipatara, zvichingodaro.

◼ Vatarisiri Vemabhuku: Tinoda kujekesa zvinoreva shoko rokuti “Pending” rinenge riri pamapepa emabhuku anenge atumirwa. Kana chimwe chinhu chisiri kuwanika panguva iyoyo, chinouya chiri pakanzi “Pending.” Hamufaniri henyu kuodhazve chinhu chacho. Kana chava kuwanika chete, odha yezvinhu zvamunenge makamirira inobva yatumirwa. Onai kuti zvingatora nguva yakati kuti pakutumira zvinhu zvinowanikwa kubva kumapazi ari mhiri kwemakungwa, zvakadai semaCD-ROM, maDVD, uye zvinhu zvomutauro wekune dzimwe nyika.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Watch Tower Publications Index 2007 (dx07)—Chirungu

Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha—Mabhii Makuru—Chirungu, Zulu

◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:

Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri (cdfy)—Chirungu

Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa (cdwe)—Chirungu

◼ MaCompact Disc eMP3 Matsva Aripo:

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? (mpbh)—Chirungu

Swedera Pedyo naJehovha (mpcl)—Chirungu

Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri (mpfy)—Chirungu

Munhu Mukurusa Ati Amborarama (mpgt)—Chirungu

Dzidza Kumudzidzisi Mukuru (mplr)—Chirungu

Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri (mpmy)—Chirungu

Mwari Anodei Kwatiri? (mprq)—Chirungu

Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa (mpwe)—Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe