Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
1. Jehovha anotarisira sei zvinodiwa nevashumiri vake mune zvokunamata?
1 Jehovha anotarisira norudo zvinodiwa nevashumiri vake pakunamata. Kunyange zvazvo nyika iri kuziya mune zvokunamata, isu tiri kudya tichiguta. (Isa. 65:13) Magungano edu eruwa anoitwa gore negore ndeimwe nzira inoshandiswa naJehovha pakutidyisa mune zvokunamata. Uri kugadzirira here kupinda zvikamu zvose zveGungano Reruwa rine musoro unoti, “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari”? Pakarongwa machikichori, mutakunanzva chaiwo unovaka mune zvokunamata.
2. Kufanoronga kupinda gungano reruwa kunosanganisirei?
2 Fanoronga: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.” (Zvir. 21:5) Nokudaro, paunenge uchipedzisa zvawakaronga kuti upinde mazuva ose matatu egungano, usarega kutaura newaunoshandira kana uchida kutora mazuva okusava kubasa. Kana uchida kuzowana pokurara, izvi zvakatorongwa here? Uchadawo kuronga zvokudya zvako zvemasikati kuitira kuti uzodya uine hama dzako panzvimbo inoitirwa magungano. Zuva roga roga ronga kuti usvike pagungano nokukurumidza kuitira kuti uwane pokugara uye uimbewo rwiyo rwokutanga wonzwa munyengetero wokutanga.
3. Tinofanira kuronga kuzopfeka zvipfeko zvakaita sei?
3 Tinoda kuva nechokwadi chokuti zvatichapfeka zvine mwero uye zvakagadzirwa zvakanaka. (1 Tim. 2:9, 10) Magungano eruwa anotipa mukana wakanaka kwazvo wokupupurira vanhu vomunzvimbo yacho. Nokupfeka zvinoremekedzeka patinenge tiri muguta rinoitirwa gungano uye kupfeka mabheji egungano, tinooneka kuti takasiyana nevanhu vasingatendi uye tinoonekwa zvakanaka nevanhu vanocherechedza.
4. Chii chichatibatsira nemhuri dzedu kuti tibatsirwe zvikuru nepurogiramu?
4 Nyatsoteerera: Zvechokwadi hatimbodi kurasikirwa kana nekachimedu zvako kezvichapiwa pamabiko aya ezvokunamata! (Zvir. 22:17, 18) Kutarisawo muBhaibheri redu panoverengwa magwaro uye kunyora manotsi mapfupi kuchatibatsira kuisa pfungwa dzedu papurogiramu todzivisa kuvhiringidzwa. Zvadaro, manheru tinogona kushandisa manotsi edu patinenge tichikurukura nevamwe pfungwa huru dzepurogiramu. Mumakore achangopfuura zvakacherechedzwa kuti vamwe vechiduku vanogara pamwe chete vachitaura panguva yepurogiramu kana kutumirana tsamba nenhare dzeserura. Kana tiine vana, kusanganisira vachiri kuyaruka, zvingatibatsira kuti tigare navo toteerera purogiramu semhuri pane kurega vechiduku vedu vachigara kwavo voga vaine vamwe vechiduku.
5. Tingaita sei kuti tinakidzwe zvikuru negungano?
5 Nakidzwa Nokushamwaridzana Nevamwe: Machikichori anonyanya kunaka kana ukaadya neshamwari. (Zvir. 15:17) Saizvozvowo, kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzedu kunoita kuti kunakidzwa kwatinoitwa negungano kuwedzere. Nokudaro, panguva dzisiri dzepurogiramu, zvakanaka zvikuru kuti utange kuzvisuma kune vamwe vanenge vauya kugungano wonakidzwa nokushamwaridzana navo! (Pis. 133:1) Sachigaro paanotikumbira kuti tigare mimhanzi isati yatanga, tinofanira kurega hurukuro dzedu togara pasi kuti purogiramu itange.
6. Rondedzera zvakaitika kwauri zvinoratidza kuti tingapupurira sei vanhu vomuguta rinoitirwa gungano.
6 Shandisa Mukana Wose Kuti Upupure: Magungano anowanzopa mikana yakanaka yokupupura. Vazhinji vanopinda magungano vanoenda kumaresitorendi panopera purogiramu vanobvunzwa nemahweta nevamwewo nezvomusoro unenge uri pamabheji egungano. Izvi zvinoita kuti pave nokukurukurirana uye kupupurira chokwadi zvakanaka. Vamwe vakabvunza nezvegungano racho vakabva vakokwa uye vakauya.
7. Nei tichifanira kupinda gungano reruwa riri kuuya?
7 Zviuru zvemaawa zvakapedzwa pakugadzirira purogiramu yacho, kutsvaka zvivako zvokushandisa, kuronga madhipatimendi egungano, uye kugadzirira hurukuro dzacho. Basa rose rakaitwa norudo pakugadzirira mabiko aya ezvokunamata rinoratidza kuti Jehovha anotarisira vanhu vake norudo. Tose ngativepo kuti tidye zvakawanda sezvatinogona! Patinodaro ‘tichashevedzera tichifara nokuda kwokufara kwomwoyo.’—Isa. 65:14.
[Bhokisi riri papeji 4]
Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa
◼ Nguva Yepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:20 mangwanani musi weChishanu noMugovera uye na8:20 mangwanani musi weSvondo. Panotanga kurira nziyo, tose tinofanira kugara pasi kuitira kuti purogiramu itange nenzira inoremekedzeka. Purogiramu ichaguma na4:55 manheru musi weChishanu noMugovera uye musi weSvondo na3:00 masikati.
◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano patinenge tawana nzvimbo dzokupaka motokari, nzvimbo dzacho dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Mabheji egungano ndiwo achashandiswa kuti muzivikanwe pamunouya kuzopaka. Vaya chete vanenge vaine vakaremara mumotokari dzavo ndivo vachabvumirwa kupaka munzvimbo dzakachengeterwa vakaremara.
◼ Kuchengeta Zvigaro: Zvigaro zvingachengeterwa chete vaya vamunenge muchifamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamuri kugara navo kumba.
◼ Kudya Kwemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano kuti munotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, midziyo yemagirazi uye doro hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira kubasa romunyika yose paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower Society.”
◼ Tsaona uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: VeFirst Aid vakatsutsumwa kuti vanogamuchira nhare dzakawanda dzine chokuita nokurwara kusingadi kukurumidzirwa. Kana munhu akarwara zvinoda kukurumidzirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uyo achazivisa veDhipatimendi reFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vanenge varipo vakanyatsodzidziswa kubatsira vaone kukomba kwemamiriro acho ezvinhu vobatsira.
◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu iri rimwe chete kana maviri kugungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yokwenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaFebruary 2005 p. 6.
◼ Maresitorendi: Munzvimbo dzakawanda, zvakajairika kusiya mari yokutenda yakakodzera zvichienderana nezvaunenge waitirwa.
◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kuzogara pamba pehama here? Kufunga zviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisira kuti munhu akugamuchira akupe zvokudya mahara, kunyange iri hama yaunonamata nayo. (2) Shivirira uye remekedza vakugamuchira sezvavanoedza kukupa pokugara. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vasingatarisirwi, vangatamba kana kumhanya-mhanya mubindu vachiparadza zvirimwa, uye vangapinda mumakamuri kana kuenda kune dzimwe nzvimbo dzavasingafaniri kuenda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanya, zvobva zvavhiringidza mhuri yacho nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira vachiona kuti zvavanoita nguva dzose zvinoita kuti Jehovha arumbidzwe.—Zvir. 29:15.