RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/07 p. 4
  • Tevera Kristu Nokuzvibata Zvinoremekedzeka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevera Kristu Nokuzvibata Zvinoremekedzeka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Ramba Wakamirira Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Rumbidzai Jehovha Muungano Huru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 4/07 p. 4

Tevera Kristu Nokuzvibata Zvinoremekedzeka

1. Musoro wegungano reruwa regore rino unoenderana sei nokuzvibata zvinoremekedzeka?

1 Bhaibheri rinorondedzera Changamire Wezvose Zvakasikwa, Jehovha, richiti akapfeka kukudzwa. (Pis. 104:1) Jesu aigara achitaura uye kuita zvinhu nenzira inokudza Baba vake uye urongwa hwavo. (Joh. 17:4) Mumwe nomumwe wedu achava nemikana yokutevedzera Jesu uye kuita kuti Jehovha akudzwe paMagungano edu eRuwa ari kuuya anoti “Tevera Kristu!”

2. Nei kuvapo kwedu pachikamu chimwe nechimwe chepurogiramu kuchikudza Jehovha?

2 Kunamata Kunokudzwa: Tingakudza Jehovha nokuronga kuti tive pamutambo wezvokudya zvokunamata waakatigadzirira. Wakatotaura here nowaunoshandira uye kuronga zvinhu zvako kuti upinde mazuva ose egungano racho, kusanganisira musi weChishanu? Wati waronga here kuti usvike nenguva wowana pokugara ndokuvapo parwiyo nomunyengetero zvokutanga? Wati waronga here zvokudya zvemasikati kuitira kuti uzodyira panzvimbo yegungano nevaunonamata navo? Panotanga chikamu chimwe nechimwe chepurogiramu, nziyo padzinotanga kurira uye sachigaro paanotikumbira nomutsa kuti tigare pasi, tinofanira kukurumidza kugumisa kukurukurirana kwedu tobva tagara kuitira kuti purogiramu itange.

3. Kunyatsoteerera purogiramu kunokudza sei kunamata kwedu?

3 Kunyatsoteerera purogiramu kunokudzawo Baba vedu vokudenga. Pashure pokuona rimwe gungano reruwa romunharaunda yake, mumwe mutori wenhau akanyora kuti kudai paiva nevaiona, vaizofadzwa “nokuzvibata zvakanaka kwevaivapo, sezvavaiteerera zvainge zvichitaurwa vakanyarara, noruremekedzo, uye vachiratidza kuti vanoda zvokunamata.” Akataurawo pamusoro “pevana vanoverengeka . . . , vaizvibata zvakanaka zvisingawanzoitwi nevakawanda kana kuti vakanga vakabatikana kuvhura ndima muBhaibheri Dzvene.” Purogiramu yacho painenge ichifambira mberi, haisi nguva yokutaura zvisina basa, kutumira mashoko neserura, kudya, kana kuti kufamba-famba. Pwere dzinofanira kunge dzakagara nevabereki vadzo kuitira kuti vabereki vakwanise kuita kuti dzibatsirwe nepurogiramu. (Dheut. 31:12; Zvir. 29:15) Kuita izvozvo kunoratidza kuremekedza vamwe uye kuonga zvokudya zvinokosha zvokunamata zvinenge zvichipiwa.

4. Nei tichifanira kuratidzika zvinoremekedzeka patinenge tiri pagungano?

4 Kuratidzika Zvinoremekedzeka: Vakawanda vakaonga zviyeuchidzo zvaiva mune imwe hurukuro yepagungano reruwa yaiti “Nguva Dzose Zvibate Zvinoremekedzeka somuKristu,” yakasimbisa kuti vashumiri vaMwari vanofanira kuedza kuzvibata zvinoremekedzeka sevaKristu pakupfeka uye kushambidzika kwavo. Gore rino tichafanira kufungisisazve nezvenyaya iyi. Chitarisiko chedu chinoratidza manzwiro edu nezvaJehovha uye ropafadzo yokuva Zvapupu zvake. Tinofanira kugara tichipfeka sevaya vanoti “vanotya Mwari.”—1 Tim. 2:9, 10.

5. Tingaramba sei tiine chitarisiko chinoremekedzeka panguva yokumbosharanganya muguta rinenge richiitirwa gungano?

5 Tinofanira kuratidzika zvinoremekedzeka patinenge tichiteerera purogiramu chete here? Yeuka kuti vakawanda vachationa takapfeka mabheji edu egungano patinenge tiri muguta riri kuitirwa gungano. Chitarisiko chedu chinofanira kutiita kuti tiratidzike zvakasiyana nevamwe vanhuwo zvavo. Saka kunyange panguva yokumbosharanganya, yakadai sepatinenge taenda kunodya pashure pepurogiramu, tinofanira kupfeka sevashumiri vari muguta racho nechinangwa chokupinda gungano rechiKristu uye hatifaniri kupfeka mbatya dzakadai semajini, zvikabudura, kana kuti maT-shirt. Izvi zvichapa uchapupu munharaunda yacho! Jehovha anofara chitarisiko chedu pachinoratidza kuti tiri vashumiri.

6. Kuzvibata zvinoremekedzeka sevaKristu kunobatsirei?

6 Migumisiro Inogutsa: Kuzvibata zvinoremekedzeka pamagungano edu eruwa kunoita kuti pave nemikana yokupupurira zvisina kurongwa uye kunoita kuti vacherechedzi vatione zvakanaka. Rimwe gungano rapera, mumwe mukuru mukuru akati: “Hatisati tamboona vanhu vanozvibata semi. Muri chaizvo zvatinotarisirwa naMwari kuti tive.” Kuzvibata zvinoremekedzeka kunoratidza kuti tinokudzana, tinodanana uye kunokudza Jehovha. (1 Pet. 2:12) Kunoratidza kuti tinotya Mwari uye tinoonga ropafadzo yokudzidziswa naBaba vedu. (VaH. 12:28) Ngativavarirei kuzvibata zvinoremekedzeka sezvatinotarisira mberi kuGungano Reruwa rinoti “Tevera Kristu!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe