“Nyatsotevera Tsoka Dzake”
1. Tingava sei vashumiri vanobudirira?
1 Jesu haana kudzidziswa muzvikoro zvavanarabhi, asi ndiye akanga ari Mushumiri mukuru zvikuru munhoroondo. Tinoonga kuti nhoroondo yakanyorwa youshumiri hwaJesu yakachengetedzwa kuti tibatsirwe. Kuti tive vashumiri vanobudirira tinofanira ku“nyatsotevera tsoka dzake.”—1 Pet. 2:21.
2. Chii chichatibatsira kuti tide vanhu sezvaiita Kristu?
2 Ida Vanhu: Jesu aikurudzirwa nokuda kwaaiita vanhu. (Mako 6:30-34) Vakawanda vari mundima yedu vari ‘kurwadziwa’ uye vanoda zvikuru kuudzwa chokwadi. (VaR. 8:22) Kufungisisa mamiriro avo anosiririsa uye kudiwa kwavanoitwa naJehovha kuchatikurudzira kuti tirambe tichiparidzira. (2 Pet. 3:9) Uyezve vanhu vachanyanya kuda kuteerera shoko redu kana vakaona kuti tine hanya navo zvechokwadi.
3. Jesu aiparidzira vamwe papi?
3 Taura Pose Panomuka Mukana: Jesu akashandisa mukana wose kuti audze vamwe mashoko akanaka. (Mat. 4:23; 9:9; Joh. 4:7-10) Saizvozvowo, tinoda kugara takagadzirira kuudza vamwe chokwadi patinoita mabasa edu ezuva nezuva. Vamwe vanogara vaine Bhaibheri uye mabhuku kuitira kuti vapupurire kubasa, kuchikoro, pavanenge vari parwendo uye vachitenga, nepamwewo.
4. Tingaita sei kuti Umambo huve musoro wezvatinoparidza?
4 Funga nezvoUmambo: Mashoko akanaka oUmambo ndiwo waiva musoro wokuparidzira kwaJesu. (Ruka 4:43) Kunyange zvazvo mharidzo yedu ingasataura pakarepo kana kuti zvakananga nezvoUmambo, tinoramba tichifunga kuti tinoda kubatsira saimba kuti aone kuti hunodiwa. Kunyange patinotaura zvinhu zvakaipa zviri munyika zvinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, tinonyanya ku“zivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!”—VaR. 10:15.
5. Kuti ushumiri hwedu hubudirire, tinofanira kushandisa Bhaibheri sei?
5 Vimba neShoko raMwari: Muushumiri hwake hwose Jesu aigara achishandisa Magwaro kutsigira zvaaidzidzisa. Haana kudzidzisa zvake oga. (Joh. 7:16, 18) Aidya zviri muShoko raMwari uye airishandisa paairwiswa naSatani. (Mat. 4:1-4) Kuti tidzidzise vamwe zvinobudirira, tinofanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva toshandisa zvatinodzidza. (VaR. 2:21) Patinopindura mibvunzo muushumiri, tinofanira kutsanangura kuti Magwaro anotsigira sei zvatinotaura uye toverenga zvakananga muBhaibheri pose pazvinoita. Tinoda kuti saimba aone kuti hatisi kutaura zvatinofunga asi kuti tiri kuvakira mashoko edu papfungwa dzaMwari.
6. Jesu akaitei kuti abaye mwoyo yevateereri vake?
6 Dzidzisa Zvinobaya Mwoyo: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.” (Joh. 7:46) Izvi ndizvo zvakataurwa nevakuru vakuru vachireva Jesu apo vapristi vakuru nevaFarisi vakabvunza kuti nei vasina kumusunga. Pane kungotaura chokwadi, Jesu akadzidzisa nenzira yaibaya mwoyo yevaaidzidzisa. (Ruka 24:32) Aishandisa mienzaniso yezvinhu zvinoitika muupenyu kuti vanhu vanzwisise mashoko ake. (Mat. 13:34) Jesu haana kuremedza vateereri vake nemashoko akawandisa. (Joh. 16:12) Akaita kuti vanhu vafunge nezvaJehovha pane kuti vafunge nezvake. Kufanana naJesu, tinogona kuva vadzidzisi vakanaka kana chete tikaramba ‘tichichenjerera kudzidzisa kwedu.’—1 Tim. 4:16.
7. Nei Jesu akaramba achiita ushumiri?
7 Enderera Mberi Pasinei Nokusakendenga Uye Kusafarira: Kunyange zvazvo Jesu akaita mabasa esimba mazhinji, vakawanda havana kumuteerera. (Ruka 10:13) Kunyange vomumhuri yaJesu vakafunga kuti akanga “ava kupenga.” (Mako 3:21) Pasinei naizvozvo Jesu akaenderera mberi nezvaaiita. Akaramba aine mafungiro akanaka nokuti ainyatsoziva kuti ndiye aiva nechokwadi chaigona kusunungura vanhu. (Joh. 8:32) Tichibatsirwa naJehovha, isuwo takatsunga kusakanda mapfumo pasi.—2 VaK. 4:1.
8, 9. Tingatevedzera sei Jesu pakurega zvimwe zvinhu tichiitira kuparidza mashoko akanaka?
8 Rega Zvimwe Zvinhu Kuti Uparidzire Zvizere: Jesu akarega zvimwe zvinhu zvomutambarakede kuti aite ushumiri. (Mat. 8:20) Akaparidza asingaregi, dzimwe nguva achitoparidza kusvika manheru chaiwo. (Mako 6:35, 36) Jesu aiziva kuti aiva nenguva shoma yokuti apedze basa rake. Sezvo ‘nguva yasara iri pfupi,’ isuwo tinofanira kushandisa nguva yedu, simba uye pfuma yedu tichitevedzera Jesu.—1 VaK. 7:29-31.
9 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakabudirira muushumiri hwavo nokuti vakadzidza kuna Jesu. (Mab. 4:13) Isuwo tinogona kuita zvizere ushumiri hwedu kana tikatevedzera zvaiitwa noMushumiri mukuru kupfuura tose, Jesu Kristu.—2 Tim. 4:5.