RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 pp. 4-5
  • Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Paridza uye Pupurira Kwazvo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 pp. 4-5

Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva

1. Chinangwa chipi chatingafunga nezvacho mugore rebasa idzva?

1 Tinofanira kuva nezvinangwa kana tichida kubudirira mune zvokunamata. Wakaronga zvinangwa zvipi zvegore rebasa idzva? Chinangwa chakanakisisa ndechokuita upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe kana kudarika. Sezvo iri basa rinofadza richiwanzoda kufanoronga, iye zvino ndiyo nguva yakanaka yokutanga kuronga. Nei tichifanira kufunga nezvechinangwa chokuita upiyona hwebetsero?

2. Nei tichifanira kufunga nezvechinangwa chokuita upiyona hwebetsero?

2 Zvikonzero Zvokuita Upiyona Hwebetsero: Kuita upiyona hwebetsero kunoita kuti tifadze Baba vedu vokudenga “zvizere” nokupedza nguva yakawanda tiri muushumiri. (1 VaT. 4:1) Sezvatinofunga zvose zvatakaitirwa naJehovha, mwoyo yedu inotikurudzira kuudza vamwe nezvake. (Pis. 34:1, 2) Jehovha anoona uye anokoshesa kuzvipira kwatinoita somunhu mumwe nomumwe kuti tiite zvakawanda muushumiri. (VaH. 6:10) Kuziva kuti tiri kufadza Jehovha nokushanda nesimba kunotifadza kwazvo.—1 Mak. 29:9.

3, 4. Tinobatsirwa sei nokuita upiyona hwebetsero?

3 Kazhinji, paunoita chimwe chinhu kakawanda chinotanga kuva nyore uye chinotanga kukunakidza zvikuru. Kupedzera nguva yakawanda muushumiri kunowedzera chivimbo chako paunoparidza pasuo nesuo. Uchava nyanzvi pakutanga kukurukura uye pakushandisa Bhaibheri. Kana ukanyanya kukurukura nezvokutenda kwako, kuchava kwakasimba zvikuru. Vakawanda vakanga vasina munhu wavaidzidza naye Bhaibheri vakakwanisa kutanga kudzidza nomumwe munhu pavaiita upiyona hwebetsero.

4 Kana munhu anga ava kuneta mune zvokunamata, kuita upiyona hwebetsero kungamumutsa kuti atangezve kushingaira. Imwe hama yaimbova piyona wenguva dzose yakaona kuti yaipedza nguva yakawandisa pabasa rokunyika, yakasarudza kuita upiyona hwebetsero mwedzi mumwe chete. Yakati: “Ndakashamisika kuti mwedzi mumwe chete iwoyo wakaita kuti ndisimbe mune zvokunamata! Ndakaronga kuti ndirambe ndiri piyona webetsero, zvakazoita kuti ndizovazve piyona wenguva dzose.”

5. Tingakurira sei pfungwa dzokuti hatikwanisi?

5 Kukurira Zvipingamupinyi: Vamwe vangazeza kunyoresa semapiyona ebetsero nokuti vanofunga kuti havana unyanzvi hwokuparidza. Kana uchifunga kuti haukwanisi nemhaka yeizvi, Jehovha anogona kukubatsira sezvaakaita Jeremiya. (Jer. 1:6-10) Kunyange zvazvo Mosesi ‘aindandamira uye aine chirimi,’ Jehovha akamushandisa kuita kuda kwake. (Eks. 4:10-12) Kana uchifunga kuti haukwanisi, teterera kuna Jehovha kuti akushingise.

6. Ungakwanisa sei kuita upiyona hwebetsero pasinei nezvinetso zvoutano kana kuti kubatikana?

6 Unozeza kutora upiyona hwebetsero nemhaka yezvinetso zvoutano kana kuti kubatikana here? Kana uri ndonda, kuita maererano nezvaunokwanisa kungaita kuti ugone kuita upiyona hwebetsero. Kana uine zvizhinji zvokuita papurogiramu yako, ungazoita zvisingakoshi zvacho mwedzi unotevera. Vamwe vanoshanda muswere wose wezuva vakakwanisa kutenga nguva yokuita upiyona hwebetsero nokutora zuva rimwe kana maviri ezororo.—VaK. 4:5.

7. Nei zvichibatsira kunyengeterera kuva piyona webetsero?

7 Zvaungaita: Nyengeterera chido chako chokuva piyona webetsero. Kumbira Jehovha kuti akomborere kuedza kwaunoita kuwedzera ushumiri hwako. (VaR. 12:11, 12) Anogona kukubatsira kusarudza nokuchenjera kuti ungagadzirisa sei purogiramu yako. (Jak. 1:5) Kana usina chido, kumbira Jehovha akubatsire kuwana mufaro mubasa rokuparidza.—Ruka 10:1, 17.

8. Ungaita sei kuti ukwanise kuita upiyona hwebetsero uchishandisa Zvirevo 15:22?

8 Kurukurai semhuri chinangwa chokuita upiyona hwebetsero. (Zvir. 15:22) Zvichida mumwe womumhuri anogona kuita piyona webetsero achitsigirwa nevamwe. Kurukura nevamwe vari muungano nezvechido chako chokupayona, kunyanya nevaya vane mamiriro ezvinhu akafanana neako. Izvi zvingawedzera chido chokuita upiyona hwebetsero.

9. Mwedzi ipi yaungasarudza kuita upiyona hwebetsero?

9 Sezvaunoongororazve purogiramu yako youshumiri yegore rebasa idzva, ndirini paungakwanisa kuita upiyona hwebetsero? Kana uchishanda kunyika nguva yakazara kana kuti uchienda kuchikoro, ungada kufunga nezvemwedzi ine zororo renyika kana kuti ine misi yoMugovera kana yeSvondo mishanu. Somuenzaniso, September, December, March uye August ine kupera kwevhiki kushanu. Mwedzi waMay une misi yoMugovera mishanu uye waJune une misi yeSvondo mishanu. Kana uine zvinetso zvoutano, funga nezvemwedzi inowanzova nemamiriro okunze akanaka. Ungafungawo nezvokupayona mwedzi wamunoshanyirwa nomutariri wedunhu muungano yenyu. Panguva iyi, uchava neropafadzo yakawedzerwa yokupinda chikamu chokutanga chomusangano waanoita nemapiyona enguva dzose. Sezvo Chirangaridzo chichaitwa musi waMarch 22 gore rinouya, March, April uye May mwedzi yakanaka kwazvo yaungasarudza. Wangosarudza mwedzi wauchada kuita upiyona hwebetsero, tanga kunyora purogiramu ichaita kuti ukwanise kusvitsa maawa anodiwa.

10. Chii chaungaita kana usingakwanisi kuita upiyona hwebetsero?

10 Kunyange kana uchifunga kuti haukwanisi kuita upiyona hwebetsero gore rebasa rinouya, unogona kuramba uchishingaira muushumiri. Ramba uchiita zvose zvaunogona muushumiri, uchivimba kuti Jehovha anofara nezvaunoita nemwoyo wose mubasa rake. (VaG. 6:4) Tsigira uye kurudzira avo vanokwanisa kuita upiyona hwebetsero. Zvichida ungagadzirisa purogiramu yako kuti uwedzere rimwe zuva pavhiki rokubuda muushumiri nevaya vari kupayona.

11. Nei tichifanira kuva nepfungwa yokukurumidzira?

11 Vanhu vaJehovha vane pfungwa yokukurumidzira. Pane basa rinofanira kuitwa—kuparidza mashoko akanaka. Upenyu hwevanhu huri pangozi uye nguva yasara ishoma. (1 VaK. 7:29-31) Kuda Mwari nomuvakidzani kuchatikurudzira kuti tiite zvose zvatinogona muushumiri. Nokuedza nesimba uye kuronga zvakanaka, tingagona kuita upiyona hwebetsero kunyange mwedzi mumwe chete zvawo mugore rebasa idzva—ichi chinangwa chinokosha zvechokwadi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe