Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
Jehovha anofanira kukudzwa. Tinokudza Jehovha sei? Zvii zvinoita kuti vamwe vaomerwe pakuita izvi? Vanokudza Mwari vanowana zvikomborero zvipi iye zvino? Purogiramu yegungano redunhu yegore rebasa ra2008 ichapindura mibvunzo iyi zvinogutsa. Ine musoro unoti, “Itai Zvinhu Zvose Kuti Mwari Akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Funga zvakatimirira pamazuva maviri ane mirayiridzo yezvokunamata yakawanda.
Mutariri weruwa achakurukura misoro inoti, “Nei Tichifanira Kukudza Mwari?” uye “Iva Nomuenzaniso Wakanaka Nokuita Zvinodiwa naMwari.” Achapa hurukuro yavose inoti, “Ndivanaani Vari Kukudza Mwari?,” uye hurukuro yokugumisa inoti, “Kukudza Mwari Takabatana Munyika Yose.” Achaitisawo Chikoro chaMwari Choushumiri. Mutariri wedunhu achakurukura misoro inoti, “Farira Kuratidza Kubwinya kwaMwari,” “Kukurukura Zvinodiwa Zvedunhu,” uye “Rambai ‘Makamira Zvakasimba Muchokwadi,’” unobva pana 2 Petro 1:12. Uyezve tichadzidza kuti “Ushumiri Hwokupayona Hunoita Kuti Mwari Akudzwe” sei. Yokutanga yehurukuro mbiri dzokusiyirana dzinotokonya pfungwa inoti, “Kukudza Mwari Muupenyu Hwedu Hwose,” ichaongorora kudzama kwezvinorehwa nemashoko akafuridzirwa ari pana 1 VaKorinde 10:31. Hurukuro yokusiyirana inoti, “Kuita Basa Dzvene Kuti Jehovha Arumbidzwe” ichataura zvakasiyana-siyana nezvokunamata kwedu. Tichanakidzwa nokupfupikiswa kweNharireyomurindi uye kukurukurwa kwerugwaro rwezuva musi weSvondo. Pachavawo nomukana wokubhabhatidzwa.
Voruzhinji havabvumi kuti Mwari ariko. Vakawanda vanovhiringidzwa zvakanyanya nezvirongwa zvevanhu zvokuti havafungi nezvoukuru hwaJehovha. (Joh. 5:44) Asi isu tine chokwadi chokuti zvakakosha kushandisa nguva tichifunga nezvoku“Ita Zvinhu Zvose Kuti Mwari Akudzwe.” Ronga kuvapo kuti ugobatsirwa zvizere nezvikamu zvose zviri zvina.