Kuita Kuti Vatinogovera Magazini Vave Vadzidzi veBhaibheri
1. Chinangwa chedu ndechei patinogovera magazini?
1 Pamisi yoMugovera tinowanzogovera magazini eNharireyomurindi neeAwake! muushumiri. Zvisinei, iri rinongova danho rokutanga pakuita chinangwa chedu chokudzidzisa chokwadi vanhu vane mwoyo yakatendeseka. Pasi apa pane mazano okugoverwa kungaitwa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? pakudzokerazve ndokutanga kudzidza Bhaibheri nomunhu. Mazano aya anogona kuitwa kuti aenderane nendima yenyu muchiataura nemashoko enyu. Inzwa wakasununguka kushandisa imwe nzira yakakunakira.
2. Tingashandisa sei mapeji okusuma ari mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kutanga kudzidza Bhaibheri nomunhu?
2 Shandisa Mapeji Okusuma: Paunodzokera, ungati: “Magazini andakakusiyirai anotaura zviri muBhaibheri. Onai kuti nei kuverenga Bhaibheri kuchikosha kwazvo.” Verenga Isaya 48:17, 18; Johani 17:3; kana kuti rumwe rugwaro rwakakodzera. Zvadaro, wamuratidza bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye wapa saimba rimwe, unogona kuenderera mberi uchiti:
◼ “Bhaibheri rinotipa tariro chaiyo yeramangwana.” Ratidza saimba mapeji 4-5 uye bvunza kuti, “Pazvipikirwa izvi, ndechipi chamunoda kuona chichizadzika?” Muratidze chitsauko chinokurukura chipikirwa chomuMagwaro chaasarudza, uye kurukurai kwenguva pfupi ndima imwe chete kana mbiri kana achida.
◼ Kana kuti ungati, “Bhaibheri rinopindura mibvunzo inonyanya kukosha youpenyu.” Muratidze peji 6, uye bvunza kana iye akambozvibvunza mumwe wemibvunzo iri pasi pepeji yacho. Vhura chitsauko chinopa mhinduro yacho uye kurukura kwenguva pfupi ndima imwe kana mbiri.
◼ Kana kuti ungataura nezvemimwe misoro iri papeji yezviri mukati uye mubvunze musoro waanofarira. Vhura chitsauko chacho, muratidze kwenguva pfupi kudzidzwa kunoitwa Bhaibheri.
3. Tingatanga sei kudzidza Bhaibheri nomunhu pashure pokugovera magazini inotaura nezve(a) kuwedzera kuipa kuri kuita nyika? (b) mhuri? (c) kuvimbika kweBhaibheri?
3 Siya Mubvunzo Pakushanya Kwokutanga: Zvimwe zvaungaita pakushanya kwokutanga kutaura chimwe chinhu chamungazokurukura paunodzokazve. Pashure pokunge saimba agamuchira magazini, bvunza mubvunzo uye muvimbise kuti uchazoupindura pakushanya kunotevera. Edza kunyatsoronga kuzodzokazve uye iva nechokwadi chokuti unochengeta zvamakarangana. (Mat. 5:37) Paunodzoka, yeuchidza saimba nezvomubvunzo wacho uye kwenguva pfupi verengai mokurukura mhinduro yacho kubva mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Mupe bhuku racho aonewo. Heino mienzaniso mishomanana:
◼ Kana magazini yawagovera ichitaura nezvokuwedzera kuipa kuri kuita nyika, ungati, “Nguva inotevera tinogona kukurukura mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo uyu, Ndezvipi zvichachinjwa naMwari pasi pano?” Muratidze mapeji 4-5 paunodzoka. Kana kuti ungabvunza mubvunzo unoti, “Njodzi dzinoitika kuda kwaMwari here?” Paunodzoka, ratidza saimba ndima 7-8 muchitsauko 1.
◼ Kana magazini yawagovera ichitaura nezvemhuri, usati waenda ungabvunza mubvunzo uyu, “Nhengo imwe neimwe yemhuri ingaitei kuti mufaro wemhuri uwedzere?” Paunodzoka kurukurai ndima 4 muchitsauko 14.
◼ Kana magazini yawagovera ichitaura nezvokuvimbika kweBhaibheri, ungabvunza mubvunzo uyu wamuchazokurukura, “Bhaibheri rakarurama here parinotaura zvine chokuita nesayenzi?” Paunodzoka, kurukurai ndima 8 muchitsauko 2.
4. Tingaitei kana saimba akasagamuchira bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?
4 Pose pamunopedza kukurukura, bvunza mubvunzo uchazopindurwa pakushanya kunotevera. Kana mava kudzidza nguva dzose, dzidzai bhuku racho zvinotevedzana kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira. Zvakadini kana saimba akasagamuchira bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Unogona kuramba uchimuendesera magazini uye uchikurukura naye zvinobva muMagwaro. Sezvaunokudziridza kufarira kwake, nokufamba kwenguva angangobvuma kuzodzidza Bhaibheri.
5. Nei tichifanira kuedza kuita zvakawanda pane kungosiyira vanhu magazini?
5 Magazini eNharireyomurindi neeAwake! angakurudzira munhu kuti ade kudzidza zvinodzidziswa neBhaibheri chaizvo. Nokudaro, edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vanogamuchira magazini. Nenzira iyi, tichateerera mirayiridzo yaJesu ‘yokuita vadzidzi, tichivadzidzisa.’—Mat. 28:19, 20.