RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 pp. 3-5
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Chinangwa Chinokosha Chegore Rebasa Idzva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • ‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 pp. 3-5

Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha

1. Chii chinoita kuti tizivise kwose kwose kunaka kwaJehovha?

1 “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba norunako nouchangamire nokukudzwa ndezvenyu; nokuti zvinhu zvose zviri kumatenga nepanyika ndezvenyu.” (1 Mak. 29:11) Kuda kwedu Jehovha uye kumuonga kwatinoita kunotituma kuitei? Zvinoita kuti ‘tizivise kwose kwose kunaka kwouya akatidana kuti tibve murima tipinde muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Pet. 2:9) Hatigoni kurega kuudza vamwe nezvaMwari wedu mukuru! Tichava nemikana yakakura yokuzivisa kunaka kwaJehovha mumwedzi yaMarch, April, naMay.

2. Mushandirapamwe upi unokosha wakarongwa kuzivisa Chirangaridzo, uye ndivanaani vangaita basa racho?

2 Mushandirapamwe Wokuzivisa nezveChirangaridzo: Musi woMuvhuro, April 2, ticharatidza kunaka kwaJehovha nokuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Mapepa okukokera chiitiko ichi chinokosha achaparadzirwa pasi pose kutanga musi waMarch 12 kusvika April 2. Tose tinokurudzirwa kuita basa iri zvizere. Iyi ichava nguva yakanakisisa yokuti vatsva vatange kuparidzira mashoko akanaka kana vachikodzera. Kana uine vanhu vaunodzidza navo Bhaibheri kana kuti vana vangakodzera kuita basa iri, tanga iwe kutaurira vakuru.

3. Chii chatingataura kuti tikokere vanhu kuChirangaridzo?

3 Mushandirapamwe uyu uchange wakafanana newakaitwa maererano neGungano Reruwa raiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” Ungano dzichatumirwa mapepa okukokera Chirangaridzo akakwana kuitira kuti muparidzi mumwe nomumwe awane 50. Ita kuti mharidzo yako ive pfupi, zvichida uchiti: “Iri ipepa renyu rokukukokai kuchiitiko chinokosha chiri kuuya chinoitwa kamwe chete pagore. Muchagamuchirwa noushamwari. Mashoko ose ari papepa iri.” Chokwadi, kana saimba aine mibvunzo, wana nguva yokuipindura. Mashoko okuwedzera ane chokuita nokudya kwaShe Kwemanheru anotangira papeji 206 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? angabatsira munyaya iyi. Pakupera kwevhiki, tichagovera magazini anenge achigoverwa panguva yacho pamwe chete nemapepa okukokera Chirangaridzo. Nyora vose vanenge varatidza kufarira uye ronga kuzodzokera kunovaona.

4. Mapepa okukokera Chirangaridzo achaparadzirwa sei?

4 Pose pazvinoita, aya mapepa okukokera anofanira kutambidzwa saimba mumaoko ake. Kana ndima yenyu iri duku nyora vanenge vasiri pamba woedza kuzodzokera pane imwe nguva. Kana ungano yenyu iine ndima yakakura, vakuru vangasarudza kana zvakakodzera kusiyira mapepa acho vanenge vasiri pamba. Iva nechokwadi chokuti vaunodzokera kunoona, vaunodzidza navo Bhaibheri, voukama, vaunoshanda navo, vavakidzani uye vamwe vaunozivana navo vanowanawo mapepa aya.

5. Nei tichifanira kutanga iye zvino kugadzirira kuita upiyona hwebetsero?

5 Upiyona Hwebetsero: Ungazivisa kunaka kwaJehovha zvakazara nokuita upiyona hwebetsero muna March, April, naMay here? Kuti uite izvozvo zvingada kuti ugadzirise zvimwe zvinhu papurogiramu yako yezuva nezuva. (VaEf. 5:15-17) Unogona kuva nechokwadi chokuti kuedza kuita zvakawanda mubasa raJehovha kuchaunza mufaro nechikomborero chaJehovha. (Zvir. 10:22) Sezvo mwaka weChirangaridzo uri kuswedera pedyo, ino ndiyo nguva yokuti titange kuronga.—Zvir. 21:5.

6. Chii chatingadzidza kune hanzvadzi ine makore 90 yakaita upiyona hwebetsero gore rapera?

6 Imwe hanzvadzi ine makore 90 yakava neropafadzo yokuva piyona webetsero gore rapera. Yakati: “Kunyange zvazvo ndichifarira zvokurima uye ndakanga ndava kuda kudyara, ndakaona kuti ndaifanira kuziva zvinofanira kuva pakutanga. Ndiine chido chokuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga, ndakasarudza kuva piyona webetsero muna March.” Yakakomborerwa here pane zvayakaita? Inoti, “Ndinonzwa ndaswededzwa pedyo neungano, uye izvi zvakandiswededza pedyo naJehovha.” Tinogona here kuongorora zvatinoisa pakutanga togadzirisa sezvingadiwa?

7. Kuita upiyona hwebetsero kwakaoma here?

7 Kusvitsa maawa 50 anotarisirwa piyona webetsero kungasava kwakaoma sezvaunofunga. Nyengetera uchifunga nezvemabasa ako ezuva nezuva, gadzira purogiramu, uye inyore paunonyora zvinhu zvako zvine chokuita nokunamata. Iwe ndiwe unonyatsoziva mamiriro ako ezvinhu. Kana uine ugwinyi husina kutsarukana uye uchishayiwa simba, zvichida ungaita ushumiri kwemaawa anoverengeka zuva roga roga. Kana uchiswera kubasa kana kuti kuchikoro, ungakwanisa kuita upiyona hwebetsero nokuita ushumiri manheru kana kuti pakupera kwevhiki.

8. Chii chakaita kuti vamwe vakaroorana vakwanise kuita upiyona hwebetsero?

8 Vakawanda vakakwanisa kuita upiyona hwebetsero semhuri. Mumakore apfuura vamwe vakaroorana vaizeza kuita kudaro nokuti vaifunga kuti mamiriro avo ezvinhu aisavabvumira kuita upiyona hwebetsero. Vakaitei nezvazvo? “Takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire kuti tiite zvatainge tava nenguva yakareba tichida kuita pamwe chete.” Nokuronga kwakanaka vakakwanisa kuita zvavaive varonga. Vakawedzera kuti: “Zvainakidza. Takava nezvikomborero zvakawanda pamwe chete. Tinoti chimbozviedzai. Kana takazviita, nemiwo munogona kuzviita.”

9. Chii chamungaita pachidzidzo chenyu chemhuri chinotevera kuti mugadzirire mwedzi yebasa rinokosha iri kuuya?

9 Madii kutsaura nguva pachidzidzo chenyu chemhuri chinotevera kuti mukurukure kuti mose mungawedzera sei kuita basa mumwedzi iri kuuya? Kunyange zvazvo kana mhuri yenyu isingakwanisi kuita upiyona hwebetsero yose, zvichida mumwe chete anogona kuita kudaro nokubatsira uye kushandira pamwe kwenhengo dzemhuri yenyu. Kana zvisingaiti, zvimwe mhuri yenyu ingaita zvinangwa zvokuwedzera nguva yainopedza muushumiri mumwedzi iyi yebasa rinokosha.

10. Nei tichifanira kuudza vamwe nezvechido chedu chokuita upiyona hwebetsero mumwaka uno weChirangaridzo?

10 Batsiranai: Kuva nechido kunotapuriranwa. Taura nezvechido chako chokuita upiyona hwebetsero. Izvi zvingaita kuti vamwe vadewo kuita upiyona hwebetsero. Uyezve, vaya vakamboita upiyona kare vangakwanisa kukupa mazano achakubatsira kuronga zvinhu zvako uye purogiramu kuti uzobudirira. (Zvir. 15:22) Kana uchikwanisa kuita upiyona hwebetsero, wadii kukumbira mumwe muparidzi, zvichida uya ane mamiriro ezvinhu akafanana neako, kuti aitewo basa iri rinonakidza newe?

11. Vakuru vangaita sei kuti pave nechido chokuita upiyona hwebetsero mumwedzi iri kuuya?

11 Vakuru vakawanda vanoita urongwa hunodiwa kuti vaitewo basa iri rinokosha. (VaH. 13:7) Izvi zvinokurudzira ungano zvechokwadi! Vakuru vanoitawo kuti pave nechido nematauriro avanoita nevamwe. Mashoko mashomanana omutsa okukurudzira kana kuti mazano anobatsira ndizvo chete zvingava zvichidiwa kuti vamwe vaite upiyona hwebetsero. Mutariri webasa zvimwe acharonga misangano yokuwedzera yebasa romumunda kuitira kuti vose vagone kupupurira seboka, kunyange pavanenge vabva kubasa kana kuti kuchikoro. Urongwa uhwu hunofanira kugara huchiziviswa. Achavawo nechokwadi chokuti pane ndima uye mabhuku akakwana zvokushandisa.

12. Chii chaungaita kana usingakwanisi kuita upiyona hwebetsero?

12 Kunyange kana mamiriro ezvinhu achikutadzisa kuita upiyona hwebetsero, unogona kukurudzira vaya vachaita, uye unogona kuvanyengeterera. (Zvir. 25:11; VaK. 4:12) Zvichida ungaronga kushanda navo muushumiri pane rimwe zuva rokuwedzera mukati mevhiki kana kuti kushanda nguva yakati rebei pane yaunosimboita.

13. MuZimbabwe, tiri kuvavarira kuitei uye ungano yenyu ingabatsirawo sei kuti izvi zvibudirire?

13 Kuvavarira Kuva Nemapiyona Ebetsero 8 000 Muna April: Nhamba yepamusoro yevakamboita upiyona hwebetsero muZimbabwe yaiva 6 646, muna April 2001. Nokudaro, zvine musoro kuti tivavarire kuva nemapiyona ebetsero 8 000 mumwedzi uri kuuya waApril. Tinogona kuisvitsa kana paavhareji mumwe chete pavaparidzi vana muungano imwe neimwe akaita upiyona hwebetsero. Chokwadika, dzimwe ungano dzichatova nevaparidzi vakawanda vane mamiriro ezvinhu anovabvumira kuita upiyona hwebetsero. Zviri nyore kuti ungano dzakawanda dzivavarire kuita izvozvo. Fungidzira mufaro uchava muungano yenyu uye kukurudzira kwazvichaita basa rokuparidzira mundima yenyu!

14. Nei April uri mwedzi wakanakira kuita upiyona hwebetsero?

14 Nei April uri mwedzi wakanakisisa wokuita upiyona hwebetsero? Chirangaridzo chichange chiri kumavambo omwedzi wacho, zvichitipa mukana wakawanda wokushanyirazve vaya vanenge vapinda. Tichange tichigovera magazini, tiine chinangwa chokugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei? patinodzokerazve uye kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Naizvozvo, kuita upiyona hwebetsero muna April kuchaita kuti vakawanda vave nemikana yokutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Munyika ino mamiriro okunze anowanzova akanaka. Uyezve, mwedzi waApril une misi yeSvondo mishanu uye mazuva mana emazororo enyika, zvichiita kuti zvive nyore kune vaya vanoshanda kunyika uye vaya vanoenda kuchikoro kuti vaitewo basa iri sezvo zvikoro zvinenge zvavharwa.

15. Nei tichifanira kuva nepfungwa yokukurumidzira sezvo mwaka weChirangaridzo uri kuswedera pedyo?

15 Kupfuura kwomwaka woga woga weChirangaridzo kunotiswededza negore rimwe chete pedyo nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. Nguva yasara yokuti tiudze vamwe nezvaMwari wedu mukuru yava shoma. (1 VaK. 7:29) Kana mwaka weChirangaridzo chino wangopfuura, mikana inokosha yaunotipa yokuti tirumbidze Baba vedu vokudenga inenge yatopfuura zvachose. Ngatigadzirirei iye zvino kuti tiite zvose zvatinogona muna March, April, naMay kuzivisa kwose kwose kunaka kwaJehovha!

[Bhokisi riri papeji 4]

Tingava Here Nemapiyona Ebetsero 8 000 Muna April?

◼ Ongorora zvinhu zvaunoisa pakutanga

◼ Kurukurai zvinangwa semhuri

◼ Udza vamwe zvirongwa zvako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe