Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 8
10 min: Zviziviso zveungano. Kurudzira vose kuti vaite zvavangagona kuti vaone vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki yaJanuary 22. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 uye Awake! yaJanuary. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti “Ndakabatikana.”—Ona bhuku raKurangarira, pamapeji 19-20.
15 min: Batsirwa noKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva pamashoko okutanga ekabhuku keKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2007. Kurukura kukosha kwazvinoita kuti vanhu vose vashandise maminitsi mashomanana zuva rimwe nerimwe kuti vaverenge Rugwaro rwezuva netsinhiro dzarwo. Fanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vazotaura nezvetsika yavo yokuverenga rugwaro uye kuti zvakavabatsira sei. Gumisa nokukurukura zvishoma rugwaro rwegore rwa2007.
20 min: Paridzira Munhu Wose Mashoko Akanaka. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, papeji 92 kusvika pamusoro muduku uri papeji 102.
Rwiyo 165 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 15
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: Pane Chiri Kukumisa Here? Hurukuro inopiwa nomukuru kubva muNharireyomurindi yaApril 1, 2002, pamapeji 13-15.
20 min: “Ini Handifariri”a Pakukurukura ndima 4, bvunza vateereri nezvezvinhu zvinofarirwa nevanhu mundima yenyu. Iva nemienzaniso mipfupi miviri inoratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti “Ini Handifariri.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 16.
Rwiyo 135 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 22
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Awake! yaFebruary. Mune imwe mharidzo yacho, enzanisira kudzokerazve kumunhu anogara achiendeserwa magazini.
10 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Kurapa Kwakanakisisa—Ndokupi?” Inopiwa nomukuru. Ibva wangokurukura nevateereri vhidhiyo inonzi No Blood, uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Gumisa nokuverenga ndima yokupedzisira uye kurudzira vose kunyatsodzokorora nyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi ataurwa. [Kana kuti kurukura “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 2004.]
Rwiyo 188 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 29
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Taura mabhuku achagoverwa muna February, uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.
20 min: “Wakagadzirira Njodzi Dzinongoitika Dzoga Here?”b Inopiwa nomukuru. Taurawo zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2005, papeji 3.
15 min: Kana Wavimbisa Kudzoka, Dzoka. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1999, papeji 11. Kumbira vateereri kutaura zvakaitika zvinoratidza kuti vakakomborerwa sei nokudzokerazve sokuvimbisa kwavainge vaita.
Rwiyo 137 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 5
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Izvi Ndizvo Zvandiri! Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Dzimwe pwere dzinozeza kuti vamwe vazive kuti idzo Zvapupu zvaJehovha nokuti dzinofunga kuti vezera radzo vangazodziseka. Zvisinei, pane zvikonzero zvakanaka zvokuti vamwe vazive izvozvo. Vadzidzisi vanoziva zvaunodavira vangangoremekedza zvaunotenda vorega kukumanikidza kuti uite zvimwe zvinhu zvisina kukodzera. Pwere dzine misikanzwa dzichazeza kukushevedza kuti uende nadzo kunoita misikanzwa. Vamwe vachakurumidza kunzwisisa zvaunosarudza maererano nenyaya dzakadai sokufambidzana nomukomana kana musikana kana kuti kuita zvemitambo kuchikoro uye zvimwe zvinhu zvinoitwa pashure pechikoro. Uchanzwawo usinganyanyi kutya kupupurira kuchikoro kana kuti kusangana nevaunodzidza navo paunenge uchiparidza mundima yenyu. (g02 3/22 p. 12; g02-CA 4/8 p. 16) Kumbira vaparidzi kuti vataure kuti vanobatsirwa sei nokutaura kuti ivo Zvapupu zvaJehovha kuchikoro. Ungafanoronga nomumwe chete kana kuti vaviri vachataura.
20 min: “Rudo—Musimboti Wokubudirira Muushumiri.”c Taurawo zviri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2003, papeji 23, ndima 16-17.
Rwiyo 83 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.