RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/07 p. 1
  • “Ini Handifariri”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ini Handifariri”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwarira Nguva Dzose Kudzidzisa Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Unobata Sei Nokusakendenga?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuchinja Zvichienderana Nemamiriro Ezvinhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Nzira Yokuramba Tine Mufaro Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 1/07 p. 1

“Ini Handifariri”

1 Ndiko kupindurwa kunowanzoitwa shoko redu mune dzimwe nzvimbo. Chii chichatibatsira kuti tisaora mwoyo patinosangana nevanhu vasingafariri mundima yedu? Tingaita sei kuti vanhu vafarire mashoko akanaka?

2 Ramba Uchifara: Kuyeuka chikonzero nei vakawanda vasingafariri kuchatibatsira kuti tirambe tichifara. Vanhu vakadzidziswa dzidziso yokushanduka-shanduka kana kuti vakarerwa munzanga inoti hakuna Mwari vangave vasina kumbofunga nezvokukosha kunoita Bhaibheri. Vamwe vangave vakaora mwoyo nokunyengera kwavanoona muchitendero. Kune vamwe, kusafarira kwavo kungaratidza kunetseka uye kusava netariro kwavo. (VaEf. 2:12) Vamwe ‘havacherechedzi’ nokuti vakaremerwa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu.—Mat. 24:37-39.

3 Pasinei nokusafarira kwevamwe, tinogona kufara muushumiri, tichiziva kuti zvatiri kuita zvinokudza Jehovha. (1 Pet. 4:11) Uyezve, kutaura nezvechokwadi, kunyange kune vaya vasati vava kuchikoshesa, kunosimbisa kutenda kwedu. Ngatitsungei kuona vanhu vari mundima yedu semaonerwo avanoitwa naJehovha. Akasiririswa nevanhu vokuNinivhi avo vakanga “vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo.” (Jona 4:11) Vaya vanogara mundima yedu vanoda mashoko akanaka! Saka hatifaniri kurega asi tinofanira kutsvaka nzira dzatingaita kuti vafarire shoko riri muBhaibheri.

4 Kurukura Zvinonetsa Munzanga: Zvichida ungataura nyaya iri kunetsa munzanga mumashoko ako okutanga wokumbira saimba kuti ataure zvaanofunga. Teerera paanenge achitaura, zvadaro muratidze mashoko anonyaradza ari muBhaibheri anoenderana nezvinomunetsa. Pashure peimwe njodzi yakaitika mune imwe nharaunda, chimwe Chapupu chakafamba pasuo nesuo chichitaura kuti chaiva nourombo nezvakanga zvaitika. “Pasina nguva, vanhu vacho vakatanga kutaura,” chakadaro. “Zuva iroro ndakakurukura zvakanaka nevanhu nokuti ndakaratidza kunyatsovafarira.”

5 Zvinetso zvose zviri kunetsa vanhu zvichagadziriswa noUmambo hwaMwari. Edza kutaura nezvechiri kunetsa saimba zvikuru. Angakubvumira kuti utsanangure shoko retariro riri muBhaibheri. Kana asina, zvimwe achazoteerera “pane imwe nguva.”—Mab. 17:32.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe