Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Nov. 15
“Pamusana pouori hwapararira munyika yose, vamwe vangabvunza kuti, ‘Nei ndichifanira kushinga kuita zvakarurama?’ Makambonzwa saizvozvo here? [Rega apindure.] Cherechedzai mashoko aya anokurudzira. [Verenga Zvirevo 2:21, 22.] Magazini ino inotsanangura chikonzero chinokosha zvikuru chokuva akarurama.”
Awake! Nov.
“Vamwe vanofunga kuti Mwari ndiye anokonzera zvose zviri kuitika. Kana pakaitika njodzi, vanoti Mwari anofanira kunge anga aine chikonzero chakanaka chokuti iitike. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jakobho 1:13.] Magazini ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvezvinokonzera kutambura uye zviri kuitwa naMwari kuti kupere.”
Nharireyomurindi Dec. 1
“Munofunga kuti uprofita uhwu hweBhaibheri huri kuzadzika here nhasi? [Verenga Mateu 24:11. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inokurukura dzimwe dzidziso dzazokurumbira mazuva ano. Inoratidzawo kuti tingaita sei kuti tirege kunyengerwa nevadzidzisi venhema.”
Awake! Dec.
“Ndiani wamungati ndiye munhu mukuru zvikuru pane vakamborarama? [Rega apindure.] Vakawanda vanofunga kuti Jesu ndiye munhu mukuru zvikuru. Onai zvaachaitira nyika soMutongi woUmambo hwaMwari. [Muratidze mufananidzo uri pamapeji 8-9, uye verenga rumwe rwemagwaro aripo.] Magazini ino inotsanangura kuti Jesu achaita izvozvo sei uye rini.”