RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/06 p. 8
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Govera Magazini Anopupura Chokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Uri Kunyatsoita Ushumiri Hwako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 11/06 p. 8

Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini

1. Nei zviri nani kugadzirira mharidzo dzedu pachedu dzemagazini pane kuti tiise mumusoro mharidzo dzokuenzanisira dzinobudiswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo?

1 Ungashamisika kuti, ‘Nei tichifanira kugadzirira mharidzo dzemagazini sezvo mharidzo dzichibudiswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwoga hwoga?’ Kunyange zvazvo vakawanda vachiona mharidzo idzi dzokuenzanisira dzichibatsira, kugadzirira uri woga kunodiwa. Mharidzo inobudirira mune imwe ndima ingasava yakakodzera mune imwe. Naizvozvo, hatifaniri hedu kunzwa tichisungirwa kugovera magazini tichitora mashoko acho sezvaari pamharidzo dzokuenzanisira. Kunyange kana tikasarudza kushandisa mharidzo dzokuenzanisira, zvakanaka zvikuru kutaura pfungwa dzacho nemashoko edu.

2. Chii chinobatanidzwa mukusarudza nyaya yauchataura nezvayo?

2 Sarudza Nyaya: Kana waverenga magazini acho, sarudza nyaya inokodzera ndima yenyu uye yakakunakidza. Chivimbo chako nechido chako paunoratidza nyaya yacho zvingaita kuti saimba adewo kuiverenga. Kunyange zvazvo ungaratidza nyaya ingafarirwa zvikuru mundima yenyu, zivawo dzimwe nyaya dziri mumagazini yacho. Izvi zvichakubatsira kuchinja mharidzo yako kana ukasangana nomumwe munhu angafarira zvikuru imwe nyaya yakasiyana.

3. Unoshandisa sumo yorudzii kuti uwane migumisiro yakanakisisa?

3 Bvunza Mubvunzo: Zvadaro, gadzirira mashoko ako okusuma. Sumo yako inokosha. Zvingabatsira kubvunza saimba mubvunzo unoita kuti afunge kuti umutse kufarira kwake nyaya yawasarudza kutaura nezvayo. Mibvunzo inobudisa maonero asaimba ndiyo inowanzobudirira chaizvo. Usabvunza zvinhu zvinoita kuti saimba asanzwe zvakanaka kana kuti ade kuzvidzivirira.

4. Kuverengera saimba rugwaro kana mamiriro ezvinhu achibvumira kunobatsirei?

4 Verenga Rugwaro: Pakupedzisira sarudza rugwaro rwauchaverenga kana mamiriro ezvinhu asaimba achibvumira, zvichida ruri munyaya yauri kutaura nezvayo. Kuverenga rugwaro kuchaita kuti saimba aone kuti zvatinotaura zvinobva muShoko raMwari. (1 VaT. 2:13) Rugwaro rwacho ruchapawo saimba uchapupu kunyange kana akaramba magazini acho. Vamwe vakaita kuti saimba afarire nokuverenga rugwaro vasati vabvunza mubvunzo. Ungasuma rugwaro nokutaura kuti, “Ndinoda kunzwa zvamunofunga pane zvinotaura ndima iyi yeBhaibheri.” Zvadaro ratidza saimba pfungwa inoenderana nezvawaverenga iri mumagazini wotaura muchidimbu kuitira kuti arambe achifarira usati wagovera magazini yacho.

5. Mirayiridzo ipi inokosha yaunofanira kuramba uchifunga paunenge uchigadzirira mharidzo dzemagazini?

5 Hapana zvinonzi hazvichinji pamusoro pezvokutaura patinenge tichigovera magazini. Kazhinji zvakanaka kuti mharidzo yako ive nyore uye pfupi. Shandisa mharidzo yaunonzwa wakasununguka uye inoita kuti pave nemigumisiro yakanaka. Mutaurire kubatsira kunoita magazini acho, uye iva nechido. Kana wakanyatsogadzirira, uchabudirira zvikuru pakugovera Nharireyomurindi neAwake! kune vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.”—Mab. 13:48.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe