Jehovha Anoda Munhu Anopa Achifara
1. Nei Jehovha ari Mwari anofara zvakadaro?
1 Jehovha anorondedzerwa sa“Mwari anofara.” (1 Tim. 1:11) Chii chinoita kuti Jehovha afare? Chimwe chezvinhu zvinomuita kuti afare ndechokuti ane rupo rukuru uye akagadzirira kupa, ‘anopfumbanura ruoko rwake ogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.’ (Pis. 145:16) Chipo chake chakakura kudarika zvose Mwanakomana wake waakapa kuti atidzikinure. (Joh. 3:16) Uyewo, funga nezvezvikomborero zvose zvine chokuita nokunamata uye zvokunyama zvaanotipa zuva nezuva! Zvechokwadi, Jehovha ndiye muenzaniso unoshamisa zvikuru wo“munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:7) Bhaibheri rinotirayira kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari.” (VaEf. 5:1) Ngationgororei kuti ndepapi patingatevedzera Jehovha mukuwana mufaro unobva mukupa.—Mab. 20:35.
2. Tinonzwa sei patinoudza vamwe mashoko akanaka oUmambo?
2 Rumwe rudzi rwokupa runotifadza kuudza mashoko akanaka oUmambo vanhu vatinosangana navo mundima yedu uye vatinopupurira zvisina kurongwa. Kana tikagara tichiita basa iri rokuparidza nerokudzidzisa, tinowana mufaro mukuru. Vanhu vaJehovha vanopedza maawa anodarika bhiriyoni gore rimwe nerimwe vachipa nenzira iyi. Mubasa redu rokuparidza, tinoparadzira mazana emamiriyoni emagazini, mabhurocha nemabhuku pasina mubhadharo.
3. Ungano dziri munyika dzisina kupfuma, seZimbabwe, dzakabatsirwa sei?
3 Uyezve, munyika dzisina kunyanya kupfuma, dzakaita seyedu, sangano raJehovha rakabatsira ungano dzakawanda kuti dzivake Dzimba dzoUmambo. Izvi zvinoita kuti tikwanise kuva nenzvimbo dzakakodzera dzokuungana. Iye zvino, Dzimba dzoUmambo dzinodarika 6 000 dzakavakwa munyika dzisina kupfuma muAfrica chete. Mumakore matanhatu apfuura, ungano 360 dzomuZimbabwe dzakatobatsirwa kuti dzive neDzimba dzadzo dzoUmambo muchirongwa ichi. Ungano idzi dzinotarisirwa kuti dzitarisire kugadziriswa kwedzimba dzacho uye kupa mari yezvipo yokuvakwa kwadzo, zvichienderana nezvadzinokwanisa. Mari yezvipo iyi inoita kuti dzimwe ungano dzikwanise kuvawo neimba itsva panguva yakakodzera.
4. Hofisi dzemapazi pasi pose dzinoshandisa mari kuitei?
4 Richishandisa mapazi anodarika 100, Dare Rinodzora rinotungamirira basa roUmambo romunyika yose. Mumapazi aya munoshanda hama nehanzvadzi dzinodarika 20 000. Mamwe mapazi anodhinda mabhuku kuitira zvinodiwa mubasa romumunda. Nguva pfupi yapfuura sangano rakatenga michina mihombe minomwe inodhinda inonzi MAN, inokurumidza zvikuru uye inogona kudhinda magazini 90 000 paawa. Chimbofunga kwekanguva zvinobatanidzwa mumabasa aya makuru okudhinda. Zvivako zvihombe zvinodiwa kuisa michina iyi mikuru. Mapepa akawanda uye zvimwe zvinhu zvinodhura zvinodiwa pakugadzira magazini ose nemabhuku. Makombiyuta nemimwe michina zvinodiwa pakuita basa rokushandura uye basa romuhofisi. Uyewo, panodiwa pokugara pevashandi vepaBheteri. Zvose izvi zvinobatsira kuita kuti basa rokuparidza rifambire mberi.
5. Ndezvipi zvimwe zvinoda mari yakawanda munyika yose?
5 Imwe mari inoshandiswa nesangano inosanganisira yokutarisira zviuru zvemamishinari nemapiyona chaiwo anotumirwa kunharaunda dzinodiwa vamwe vaparidzi. Uyewo pane zviuru zvevatariri vanofambira vanoshanyira ungano kuti vavake kutenda kwehama vodzikurudzira mubasa rokuparidza. Tinogona kuramba tichingodonongodza izvo Jehovha ari kuita kuti vashumiri vake vaite, kunyange zvazvo zvichida mari yakawanda.
6. Mari yose yokuita mabasa ose aya echiKristu inobva kupi?
6 Saka paunotarira basa guru rinoitwa munyika yose, ungashamisika kuti mari yokubhadhara zvose izvi inobva kupi. Mari yose iyi yezvipo haibvi kuhama shomanana dzakapfuma kana kuti kunyika shomanana dzakapfuma. Inobva kumamiriyoni ehama dzakapfuma nedzisina kupfuma uye kuvanhu vanofarira vanonzwisisa kukosha kwebasa guru iri ratakarayirwa naJesu kuti tiite. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Mari yose iyi yezvipo yakaita semadonhwe maduku-duku emvura anozoumba rukova rwemvura runoyerera ruchipinda murwizi. Rwizi irworwo runoyerera ruchipinda murwizi rukuru uye pakupedzisira runoumba rwizi rwakasimba. Zvapupu zvaJehovha hazvifambisi ndiro yezvipo pamisangano yazvo uyewo hazvikumbiri mari. Vaya vose vanotsigira basa guru iri nemari vanoita izvozvo nokuti vanoda Jehovha.
7. Vanhu vaMwari vagara vachinzwa sei nezvokupa mari yezvipo kubasa raJehovha?
7 Vanamati vaJehovha vechokwadi vagara vachizivikanwa nokupa zvinhu zvavo vachizvidira pakunamata Jehovha kwechokwadi. Abrahamu paakabudirira kukunda vavengi vakanga vaenda naRoti mwana womunun’una wake, akapa mupristi Merekizedheki chipo. (Gen. 14:18-20) Mambo Dhavhidhi akapa ndarama yakawanda, sirivha, mhangura, matanda, nezvimwe zvinhu zvinokosha zvaizoshandiswa patemberi yaizovakwa nomwanakomana wake Soromoni. (1 Mak. 29:1-5) Jehovha paakarayira Mosesi kuti avake tebhenekeri murenje, vanhu vakapa zvinhu zvakawanda. Nhoroondo iri pana Eksodho 35:21 inoti: “Vakabva vauya, munhu wose akakurudzirwa nomwoyo wake, munhu wose ainzwa achida, akaunza mupiro waJehovha nokuda kwebasa.” Chokwadi, ‘mwoyo yavo yakavakurudzira’ uye ‘vainzwa vachida’ kupa nokuzvidira zvipo zvezvishongo zvinodhura uye zvimwe zvinhu zvavakanga vasingakwanisi kuzotsiva kwenguva refu. Mwoyo yavo yaida kufambisira mberi kunamata kwechokwadi.
8. Tinodzidza chidzidzo chipi chinokosha munhoroondo iri pana Ruka 21:1-4?
8 Ndozvazvakaitawo nhasi. Basa roUmambo rinoitwa munyika yose rinotsigirwa nevaya vanokurudzirwa kupa nemwoyo yavo. Vakawanda vavo varombo asi vanotsigira nemari basa rokuparidza, kazhinji vachitopa zvinhu zvavanofanira kushandisa mukurarama kwavo, sezvakaita chirikadzi yaiva murombo yomuzuva raJesu. Nhoroondo iri pana Ruka 21 inotaura kutarira kwainge kwakaita Jesu nevadzidzi vake vachiona vanhu vachidonhedzera mari yavo yezvipo mumidziyo yokuisa mari patemberi. Zvadaro imwe chirikadzi yaiva murombo yakauya ndokudonhedzera tumari tuviri twaisambokosha. Achiona izvi, Jesu akati kuvaapostora vake: “Chokwadi ndinokuudzai kuti, Chirikadzi iyi, kunyange iri murombo, yadonhedzera kupfuura zvavaita vose. Nokuti ava vose vadonhedzera zvipo vachibvisa pamari yavo yakasara, asi mukadzi uyu adonhedzera achibvisa pakushayiwa kwake zvose zvokurarama nazvo zvaanga ainazvo.” (Ruka 21:2-4) Yakarumbidzwa nokuti yakazvipira zvikuru kuti ipe. Nhoroondo iyi inoratidza kuti kunyange zvipo zviduku zvehama dzinoshayiwa zvinokosha uye zvinofadza Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu.
9. Kupa zvinhu zvokunyama kunofanira kuitwa nepfungwa ipi?
9 Kupa nokuda kwokunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kunofanira kuitwa nomwoyo unoonga. VaIsraeri pavakatadza kukoshesa temberi yaJehovha, pane kuunza mhuka dzavo dzakanakisisa kuzopa sezvibayiro, vakaunza dziya dzaisazoita kuti varasikirwe nezvinhu zvokunyama, kureva kuti, dzairwara, dzaiva mapofu, uye dzakanga dzakaremara. Jehovha aizofarira zvibayiro zvakadaro here? Kwete! Akati vaimuzvidza nokuunza zvibayiro zvakadaro. (Revh. 1:10; Mar. 1:13) Saka izvi zvinoreva kuti kupa kwatinoita tichitsigira kunamata kwechokwadi hakufaniri kungova kupawo zvachero. Chido chedu chokufambisira mberi kunamata kwakachena chinofanira kutikurudzira; chokwadi, mwoyo yedu inofanira kutikurudzira kupa chibayiro chaicho sezvakaitwa nechirikadzi yaiva murombo. Jehovha achatikomborera, sezvaakavimbisa vaIsraeri kana vaizotsigira chaizvoizvo kunamatwa kwake.—Mar. 3:10.
10. Tsanangura kuti urongwa hwemari yezvipo zvemabhuku hunoshanda sei?
10 Kune vamwe, zvichida pfungwa yacho haisati yanyatsojeka yemashandiro anoita urongwa hwemari yezvipo maererano nokuparadzira mabhuku nemagazini kwatinoita. Patinotora mabhuku kana kuti magazini paImba yoUmambo, iropafadzo yedu kuti titsigire nemari pane zvatinotora. Nokuita izvi, tinobatsira pakubhadhara imwe yemari inenge yashandiswa. Patinogovera vanhu mabhuku tiri muushumiri hwedu hwomumunda, tinotsanangura kuti mabhuku edu haatengeswi. Patinodzokera kune vaya vakaratidza kufarira kana kuti vaya vatinodzidzisa Bhaibheri, zvakakodzera kuvaudza kuti kana vachida vanogona kutsigira Basa Romunyika Yose nemari. Vakawanda vanofara kupa mari yechipo pavanonzwisisa chinangwa chebasa redu romunyika yose.
11. Tinofanira kunzwa sei nezvokushandisa pfuma yedu kunamata Jehovha?
11 Patinonyatsofunga nezvokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha, tinoona kuti takazvipa kuna Jehovha isu nezvose zvatiinazvo. Nyika uye zvinhu zvizere mairi ndezvaJehovha. (Pis. 24:1) Saka patinopa mari yezvipo kubasa romunyika yose, chaizvoizvo tinenge tiri kungodzorera Jehovha zvaakatotipa. Mambo Dhavhidhi akataura pfungwa iyi zvakanaka zvikuru panguva apo iye norudzi rwaIsraeri vakapa zvinhu zvakawanda pakuvaka temberi. Achinyengetera kuna Jehovha akati: “Ini ndini ani uye vanhu vangu ndivanaani kuti tive nesimba rokupa nokuzvidira sezvataita? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, uye takupai zvakabva muruoko rwenyu.” (1 Mak. 29:14) Chokwadi, mumwe nomumwe anofanira kusarudza mumwoyo make zvaanoda kupa, zvichienderana nezvaanokwanisa. Zvechokwadi Jehovha achakomborera vose vanopa vachifara zvichibva pamwoyo unoonga.
12. Nei zvakanaka kuti mumwe nomumwe wedu aongorore mwoyo wake nezvokutsigira kwatinoita basa roUmambo?
12 Zvakanaka kuti tiongorore mwoyo wedu nezvokutsigira basa roUmambo. Dzimwe nguva hama dzinoti hadzina chokupa kubasa romunyika yose kana kuti rokugadziriswa kweImba yoUmambo dzinoita sedzine mari yokushandisa pazvinhu zvisinganyanyi kukosha. Pakunouya kuzvirongwa zvemichato, kazhinji mari yakawanda inoshandiswa pachiitiko chezuva rimwe chete bedzi. Izvi hazviratidzi here kuti vamwe vanenge vasingazivi zvinonyanya kukosha kana totaura nezvokutsigira basa roUmambo nemari?—VaF. 1:10.
13. Tingabvisa sei mari yezvipo yebasa romunyika yose, uye ungano inofanira kuitarisira sei?
13 Mari yezvipo yebasa romunyika yose ingatumirwa zvakananga kuhofisi yebazi kana kuti ingaiswa mubhokisi paImba yoUmambo. Panopera musangano mumwe nomumwe nguva dzose panofanira kuva nehama mbiri dzinoverenga mari yacho dzonyora risiti yemari inenge yagamuchirwa. Kana hama dzinotarisira mari iyoyo dzakatendeka, hama hadzizozezi kuisa mari yadzo mumabhokisi ari paImba yoUmambo. (1 VaK. 4:2) Mari yose yezvipo yebasa romunyika yose inogamuchirwa neungano inofanira kutumirwa kuhofisi yebazi panopera mwedzi mumwe nomumwe.
14. Tingava nechokwadi chei kana tikatsigira basa roUmambo nemari?
14 Jehovha akakomborera zvikuru rudzi rwaIsraeri parwaitsigira rwakatendeka kunamata kwechokwadi nezvinhu zvarwo. Tinogona kuva nechokwadi chokuti achatikomborerawo kana tikatsigira takatendeka basa rokuparidza Umambo ‘tokudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha.’—Zvir. 3:9, 10.