Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Nov. 1
“Munofunga here kuti kana varume nemadzimai vakashandisa zano iri reBhaibheri, michato yavo inosimbiswa? [Verenga Jobho 31:1. Zvadaro rega apindure.] Nyaya ino inokurukura mirayiro yeBhaibheri inogona kubatsira vakaroorana kuti varambe vakazvipira kumuchato wavo.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.
Awake! Nov.
“Vanhu vakawanda vanobvuma kuti zviwanikwa zvomugungwa zviri kupedzwa nokukurumidza zvinototyisa. Munofunga kuti hurumende dzevanhu dzichabudirira kugadzirisa dambudziko racho here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 6:10.] Nyaya ino inoongorora zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tinetseke uye inoratidza kuti Mwari achazvigadzirisa sei.” Muratidze nyaya inotangira papeji 20.
Nharireyomurindi Dec. 1
“Panguva ino yegore, vanhu vakawanda vari kufunga nezvaJesu. Chii chamungati Jesu akaita muupenyu hwenyu? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotikurudzira kutevedzera muenzaniso waJesu. [Verenga 1 Petro 2:21.] Kuita izvozvo kungaita kuti tive vanhu vari nani uye vanofara. Magazini ino inotsanangura kuti nei zvakadaro.”
Awake! Dec.
Vanhu vave vachifunga nezvomubvunzo uyu kwemazana emakore. [Muratidze mubvunzo uri pabutiro.] Munofunga kuti tingawana kupi mhinduro ine musoro? [Rega apindure.] Onai kuti nei tingatarisira kuwana mhinduro yacho kuna Mwari. [Verenga Pisarema 100:3.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.”