Uri Kunyatsoita Ushumiri Hwako Here?
1 Mubhuku raMabasa, tinoudzwa kuti vadzidzi vaJesu vakaita ushumiri hwavo noku“pupurira kwazvo” kuvanhu. (Mab. 2:40; 8:25; 28:23) Zvechokwadi ichocho ndicho chaiva chinangwa chomuapostora Pauro. (Mab. 20:24) Handiyo vavariro yako here somushumiri wemashoko akanaka? Ungaita sei izvi?
2 Gadzirira Mharidzo Yako: Kuti uve nechokwadi chokuti unopa uchapupu hwakanaka muushumiri, kugadzirira kunokosha. Zvikurukuru izvi zvinokosha pakugovera magazini, sezvo musoro wenyaya yacho uchichinja nguva nenguva. Kuti hutibatsire kutishongedzera zviri nani, Ushumiri Hwedu hwoUmambo huno huri kutanga chimwe chinhu chitsva—chikamu chiri kuruboshwe, chinoronga mharidzo dzomuenzaniso dzemagazini azvino eNharireyomurindi neMukai! Pachava nomusoro unofambirana nenguva uchafadza vanhu vakawanda nokuda kwemagazini imwe neimwe. Ungakurukura sei mharidzo pfupi idzodzi?
3 Sarudza kutaura kwaunofunga kuti kunobudirira zvikuru mundima yako. Nyatsoverenga nyaya yakaratidzwa, uye cherechedza pfungwa dzinokosha dzingangoita kuti munhu afarire. Wana rugwaro rwakaiswa mumagazini yacho runopindirana nehurukuro yacho uye rwaungakwanisa kuverengera saimba. Wedzera mashoko mashoma okupedzisa nawo kuti ukurudzire muteereri wako kuverenga magazini yacho uye mashoko mashomanana, kana zvakakodzera, okuti saimba angapa mupiro kubasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Zvino chidzidzira mharidzo yako.
4 Ronga Kushandisa Bhaibheri: Nokuronga zvakanaka, kazhinji rugwaro runogona kubatanidzwa mumharidzo yako. Somuenzaniso, vaparidzi vane ruzivo rwakakura munzvimbo dzakawanda vari kubudirira nokuenda pasuo neBhaibheri muruoko, vokwazisa saimba, vobva vati:
◼ “Tiri kubvunza vanhu kana vachitenda izvi . . .” Verenga Genesi 1:1, wobva wabvunza kuti: “Munobvumirana nemashoko aya here?” Kana munhu wacho akabvuma, ipapo taura kuti: “Neniwo ndinobvumirana nawo. Zvisinei, munofunga kuti kana Mwari akasika zvinhu zvose, ndiye anoparirawo uipi here?” Pashure pokubvumira mhinduro yomunhu wacho, verenga Muparidzi 7:29. Vhura bhuku raZivo papeji 71, wobva waverenga ndima 2. Kurudzira munhu wacho kuverenga bhuku racho. Kana saimba wacho asingabvumirani nemashoko ari pana Genesi 1:1, mukurudzire kuongorora bhuku raCreation.
5 Ramba Uchionana Nevose Vanofarira: Haunganyatsoita ushumiri hwako kana usingarambi uchionana nevose vaunowana vachifarira. Paunokurukura nomunhu zvakanaka, pasinei zvapo nokuti wagovera magazini kana kuti mamwe mabhuku here, nyora zita romunhu wacho nekero yake. Edza zvikuru kukudziridza kufarira kwomunhu wacho nokukurumidza kudzokera. Nepaunogona napo pose, taura nezvokudzidza Bhaibheri.
6 Vadzidzi vomuzana remakore rokutanga vaiziva kuti Jesu akanga avarayira “kupupurira kwazvo.” (Mab. 10:42) Murayiro iwoyo unoshanda kwatiri, nokuti ndiyo nzira bedzi yatingakwanisa nayo kuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tinyatsoita ushumiri hwedu.—2 Tim. 4:5.