Kuratidza Kuti Tinokoshesa Magungano Edu
1. Inyaya ipi iri kunetsa ine chokuita nepurogiramu yegungano redunhu uye zuva regungano chairo?
1 Zvinokurudzira kuona kuti vanhu vanopinda misangano yedu yavose nezvidzidzo zveNharireyomurindi kazhinji vanenge vakawanda kupfuura nhamba yevaparidzi vari muungano. Pahurukuro yavose yomutariri wedunhu zvakajairika kuva nevanhu vanopeta nhamba yevaparidzi nekaviri. Zvisinei, tiri kunetseka nezvemishumo yevanhu vashomanana vanopinda purogiramu yegungano redunhu nezuva regungano chairo uye kokorodzano, kunyanya kumaruwa. Mishumo inobva kuvatariri voruwa inoratidza kuti vaparidzi vakawanda havapindi misangano iyi chaiyo. Zvinonzi kushaya mari ndicho chikonzero chacho chikuru.
2. Vamwe vane tsika yei, uye tsika iyi ingakurirwa sei?
2 Panguva ino yakaoma munhoroondo yevanhu, vaKristu havafaniri kuva netsika ine ngozi yakataurwa nomuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Uye ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25) Kufungisisa nezveropafadzo uye zvatinobatsirwa nazvo nokupinda magungano echiKristu kuchatibatsira kutsigira kuungana kwakadaro nokuvimbika uye nomwoyo wose. Kutarira mienzaniso yomuBhaibheri uye yemazuva ano yezvakaitwa nevamwe kuti vave pakuungana kwechiKristu kunofanira kuita kuti mumwe nomumwe wedu aone kukosha kwokupinda magungano edu.
3. Tinobatsirwa sei nokufunga nezvomuenzaniso waErikana?
3 Funga nezvomuenzaniso wakanaka wakaratidzwa nemhuri yomuprofita Samueri. Nguva dzose vane zvavaiita nezvourongwa hwaiitwa hwokuungana nevavainamata navo mumazuva ayo tebhenekeri yaMwari yaiva kuShiro. Mutemo waiti varume chete ndivo vanofanira kuenda kumitambo yacho gore negore. Zvisinei, Erikana, baba vaSamueri, aienda nemhuri yake yose paai“kwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro.” (1 Sam. 1:3) Taundi rokumusha kwaSamueri, Ramataimi-zofimi, ringangodaro raiva pedyo nemhenderekedzo iri paRentis yemazuva ano, nechomujinga me“nyika yamakomo yaEfraimi.” (1 Sam. 1:1) Nokudaro, rwendo rwokuenda kuShiro rwaiva makiromita anenge 30, rwendo rwainetesa kwazvo mazuva iwayo. Asi, mhuri yaErikana yaiva yakavimbika pakuita izvi “gore rimwe nerimwe, kana [v]achikwira kuimba yaJehovha.”—1 Sam. 1:7.
4. (a) Ipa mienzaniso yemazuva ano yokuzvipira kunoitwa nevamwe kuti vapinde purogiramu yegungano redunhu neyezuva regungano chairo. (b) Rondedzera zvawakaita kuti upinde magungano munguva yakapfuura pasinei nezvipingamupinyi zvaivapo uye taura kuti wakawana zvikomborero zvei.
4 Zvakadini nemienzaniso yemazuva ano yokukoshesa kuungana kwechiKristu? Pane yakawanda, munyika ino nokune dzimwe nyika. Tinogona kuiverenga muBhuku Regore kana kuti mumagazini yeNharireyomurindi. Kunyange zvazvo dziri varombo, hama dzakawanda munyika ino nokumwewo dzinozvipira zvikuru kuti dzipinde magungano vamwe pavanenge vachipinda pasinei nokuti dzinofanira kukurira matambudziko ezvokufambisa nezvimwewo zvinetso kuti dzidaro. Somuenzaniso, muMozambique, zvakatorera mumwe mutariri woruwa anonzi Orlando nomudzimai wake Amélia, maawa 45 kuti vafambe makiromita 90 nomugomo kuti vanoitisa gungano. Pashure paizvozvo, vaifanira kudzokerazve netsoka kuti vanoitisa gungano raitevera. Zvisinei, Orlando anotaura achizvininipisa achiti: “Takanzwa sokuti hapana chatakanga taita patakasangana nehama dzokuUngano yeBawa. Zvaida mazuva matanhatu dzichifamba makiromita anenge 400 netsoka kuti dzipinde gungano uye dzidzokere kumba, uye imwe hama yacho yaiva nemakore 60!”
5. Kubva iye zvino, munhu wose anofanira kutsunga kuitei?
5 Hofisi yebazi inoedza kuita magungano munzvimbo dziri pedyo nehama sezvinobvira. Saka iye zvino munhu wose anofanira kunge achikwanisa kusvika pagungano, nebhazi, ngoro, kana kuti achifamba netsoka, sezvinoratidzwa nezvakaitika zviri pamusoro apa. Pachaziviswa mazuva egungano rinotevera muungano yenyu, iva nechokwadi chokunyengetera kuti Jehovha akubatsire iwe nemhuri yako yose kuti mupinde. Zvechokwadi zvinoda kuzvipira chaiko uye kuronga zvakanaka kuti tikwanise kupinda magungano edu nguva dzose, asi vaya vanoedza vachawana chikomborero chaJehovha chakakura.—Zvir. 10:22; Mar. 3:10.