Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha Ra2007 Rinoti “Tevera Kristu!”
1, 2. (a) Mosesi akakurudzira sei vaIsraeri kuti vabatsirwe nokuungana pamwe chete? (b) Kugadzirira kupi kwatinofanira kutanga kuita iye zvino?
1 Mosesi akarayira vaIsraeri vose nevatorwa kuti vaungane makore manomwe oga oga kuti vazoverengerwa Mutemo. Nechikonzero chei? “Kuti vateerere uye kuti vadzidze.” (Dheut. 31:10-12) Jehovha akaona kukosha kwokuunganidza vanhu vake vakawanda. Nokukurumidza vanhu vaJehovha vachange vava kuunganazve kwemazuva matatu nokuda kweMagungano Eruwa ane musoro unoti “Tevera Kristu!”
2 Wakatotanga kugadzirira here? Unofanira kukumbira nguva yokusava pabasa kune waunoshandira here? Ungabatsira vaunodzidza navo Bhaibheri kana kuti vomumhuri yako vasingatendi kuti vazopinda gungano newe here? Pane vamwe vari muungano vanoda kubatsirwa kuti vapinde here? Uri kuronga kupinda gungano rakasiyana nerichapinda ungano yenyu here? Mashoko anotevera achakubatsira kugadzirira.
3. (a) Kuzadzika kupi kwaIsaya 25:6 kuri kuitika nhasi? (b) Chii chakaonekwa chine chokuita nenhamba yevanopinda gungano musi weChishanu, uye chii chatinofanira kuita isu pachedu?
3 Pinda Mazuva Ose Matatu: Jehovha anopa vanhu vake zvokudya zvine chokuita nokunamata zvakawanda zvikuru. (Isa. 25:6) Izvi zvinosanganisira mabiko ezvokunamata anopiwa gore negore pamagungano edu. Zvakaonekwa kuti vanopinda gungano musi weChishanu vanenge vari vashoma pane vemamwe mazuva. Vavarira kupinda mazuva ose matatu anozorodza egungano ratakagadzirirwa nesangano raJehovha! Kana uchifanira kukumbira nguva yokusava pabasa, nyengeterera nyaya yacho. Zvadaro, ‘shinga’ kutaura newaunoshandira nokukurumidza panongoziviswa mazuva egungano renyu. (1 VaT. 2:2; Neh. 2:4, 5) Zvingabatsira kana ukamutsanangurira kuti magungano ako egore negore ndokumwe kwokunamata kwako. Kuita izvi nokukurumidza kungaita kuti zvive nyore kune waunoshandira kuti aronge basa rake.
4. Tingabatsira sei vatinodzidza navo Bhaibheri uye vomumhuri yedu vasingatendi kuti vazopinda gungano?
4 Kubatsira Vaunodzidza Navo Bhaibheri uye Mhuri: Zvingafadza zvikuru kana vaunodzidza navo Bhaibheri vakapinda gungano vakagara newe, vachizvionera kudanana kwedu kwechiKristu “muungano huru”! (Pis. 22:25) Vaudze pachiine nguva zvikuru kuitira kuti varonge nguva yokupinda gungano. Vataurire zvikonzero zvinoita kuti iwe unakidzwe nokupinda magungano. Ungabatsira vadzidzi pane zvavangatarisira nokuvaratidza mavhidhiyo edu emagungano akamboitwa, zvikurukuru iya inonzi United by Divine Teaching. Ita kuti vomumhuri yako vasingatendi vazivewo nezvourongwa hwako. Zvichida vangaronga kuona mutambo kana kuti kupinda newe zuva rimwe chete zvaro regungano.
5, 6. (a) Tingaratidza sei chido chokupa chinotaurwa pana 1 Timoti 6:18? (b) Ndezvipi zvingaitwa kuti vamwe vanoda pokugara vabatsirwe?
5 Kubatsira Hama Nehanzvadzi Dzako: Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaya vakanga vakapfuma “kuti vaite zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka, kuti vave norupo, vanoda kugovana.” (1 Tim. 6:17, 18) Tinogona kuratidza kuti tinoda kupa sezvakakurudzirwa naPauro kana tikafunga vakwegura uye vanorwara, vari mubasa renguva yakazara, mhuri dzine mubereki mumwe chete, uye zvichida vamwe vari muungano vangada kubatsirwa kuti vapinde gungano. Vanofanira kutanga kubatsira ndevoukama vari muchokwadi, asi vakuru nevamwe vangaratidza kunzwisisa nokubatsira pazvinenge zvichidiwa.—VaG. 6:10; 1 Tim. 5:4.
6 Kana mumwe munhu ari muungano achida kubatsirwa kuwana pokugara, Dare Rebasa Reungano rinofanira kusarudza kana muparidzi wacho achikodzera kuzadza fomu reSpecial Needs Room Request.
7, 8. (a) Kugadzirira kupi kwatakaitirwa tisati tasvika panzvimbo yegungano? (b) Tingaratidza sei kuti tinoonga uye kuti tinofara nebasa rose ratakaitirwa? (Verenga VaHebheru 13:17.)
7 Shandira Pamwe Nezvakarongwa: Patinosvika panzvimbo yegungano, zviri pachena kuti basa rakakura zvikuru rakaitwa pakugadzirira kuuya kwedu. Hama dzine rudo dzinoshanda sevarindiri dzinotikwazisa, dzinotipa purogiramu, uye dzinotibatsira nokutipa pokugara. Hama nehanzvadzi dzakachenesa nzvimbo yacho uye dzakagadzira chikuva chakanaka. Basa rakakura ratisingazivi rakafanoitwa pakugadzirira hurukuro dzepurogiramu, uye zvimwe zvinhu zvakawanda-wanda.
8 Pagungano roga roga, vanhu vakawanda zvikuru vave vachishanda kwemwedzi yakawanda kuti varonge zvinhu zvinodiwa uye mhuri dzavo dzave dzichibatsirawo nokuvapa nguva yokuita mabasa iwayo anokosha. Hationgi here kuzvipira kwavakaita kuti isu tizobatsirwa? Tingaratidza kuonga kwedu nokuteerera mirayiridzo iri munyaya ino uye nemimwe mirayiridzo ingazopiwa gungano redu risati ratanga. (VaH. 13:17) Kushandira pamwe kwomunhu wose kunoita kuti zvive nyore kuti ‘zvinhu zvose zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.’—1 VaK. 14:40.
9. (a) Nei kuungana kunoita vanhu vaJehovha kuchikosha zvikuru munguva yedu? (b) Mumwe nomumwe wedu angaitei iye zvino?
9 ‘Sezvatinoona zuva richiswedera pedyo,’ kuungana kwose kunoitwa nevanhu vaMwari kwava kutonyanya kukosha. (VaH. 10:25) Pamagungano edu echiKristu, boka romuranda akatendeka, akangwara rinopa mashoko anotibatsira “kuita mashoko ose” ayo Jehovha anoda kuti titevedzere. (Dheut. 31:12) Tanga kuronga iye zvino kuti uzopinda mazuva ose matatu eGungano Reruwa rinoti “Tevera Kristu!” uye wozobatsirwa nemirayiridzo yose ine chokuita nokunamata uye kunamata kunofadza!
[Bhokisi riri papeji 3]
Nguva Yepurogiramu
Chishanu noMugovera
9:20 a.m. - 5:05 p.m.
Svondo
8:20 a.m. - 3:10 p.m.
[Bhokisi riri papeji 4]
Misi Yamborongwa yeMagungano Eruwa A2007
August 3-5
Checheche West
Gokwe
Harare West
Hwange
August 10-12
Checheche East
Gwanda
Harare (Chirungu)
Mahuwe
Zvishavane
August 17-19
Bulawayo (Zulu)
Chitungwiza
Harare Central
Masvingo
Mt Darwin
August 24-26
Gweru
Harare South
Karoi
Mutare
Mutasa North
August 31–September 2
Bulawayo (Chirungu, Shona)
Chinhoyi
Murewa
Mutasa East
September 1, 2
Mutauro Wemasaini womuZimbabwe
Tongogara