Vabereki—Ratidzai Vana Venyu Muenzaniso Wakanaka
1 Shoko raMwari rinotiudza kuti “baba [naamai] vowakarurama vachafara kwazvo.” (Zvir. 23:24, 25) Chikomborero chakakura kana vabereki vachinge vakaratidza vana vavo muenzaniso wakanaka! Imwe nhengo yeDare Rebazi yakati nezvevabereki vayo: “Chokwadi ndicho chaiva upenyu hwavo hwose, uye ndaida kuti chive upenyu hwanguwo.” Vana vanofanira kuonei muvabereki vavo?
2 Tsika Dzakanaka Noruremekedzo Rukuru: Ibasa revabereki kudzidzisa vana vavo unhu hwakanaka. Tsika dzakanaka dzinodzidzirwa, kwete nokuudzwa nomuromo, asi nokuona uye kutevedzera. Naizvozvo, munoratidza tsika dzakaita sei? Vana venyu vanokunzwai muchiti “pamusoroi,” “ndapota,” uye “mazvita” here? Mumhuri, munoremekedzana zvikuru here? Munoteerera here vamwe pavanenge vachitaura? Munoteerera here kana vana venyu vachitaura nemi? Unhu uhu hwakanaka hunoratidzwa kuImba yoUmambo nokumba kwenyu here?
3 Kusimba Mune Zvokunamata uye Basa Rokushingaira: Imwe hama yava nemakore anopfuura 50 iri mubasa renguva yakazara inoyeuka kuti: “Amai vangu nababa vangu vaiva muenzaniso wakanaka pakukoshesa kwavaiita misangano uye kushingaira kwavaiita muushumiri.” Unoratidza sei vana vako kuti une hanya nokuita kuti iwe nemhuri yako murambe makasimba mune zvokunamata? Munoita rugwaro rwezuva pamwe chete here? Munodzidza semhuri nguva dzose here? Vana venyu vanokuonai muchiverenga Bhaibheri nemabhuku echiKristu here? Vanonzwei pamunonyengetera muchimiririra mhuri? Munokurukura nevana venyu zvinhu zvokunamata zvinovaka, muchitaura zvakanaka nezvechokwadi uye nezveungano here? Munofarira kupinda misangano yose uye kuita ushumiri semhuri here?
4 Vabereki, fungisisai nezvomuenzaniso wamuri kuratidza vana venyu. Itai kuti uve wakanaka, uye vachaukoshesa kwoupenyu hwavo hwose. Mumwe mudzimai womutariri anofambira, ava nemakore okuma70, anoti: “Ndichiri kubatsirwa nomuenzaniso wakanaka wevabereki vangu vechiKristu vane rudo. Uye ndinonyengetera nomwoyo wose kuti ndicharatidza kukoshesa kwangu nhaka iyi nokuishandisa zvakanaka nguva yose inouya.”