RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/04 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 13
  • Vhiki Inotanga naDecember 20
  • Vhiki Inotanga naDecember 27
  • Vhiki Inotanga naJanuary 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 12/04 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naDecember 13

Rwiyo 47

7 min: Zviziviso zveungano uye Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaone vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge, vachigadzirira kukurukurirana kuchaitwa vhiki inotevera. [Kana izvi zvisingaiti, kurudzira vose kuti vaverenge “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” kubva muNharireyomurindi yaJune 15, 2004, mapeji 29-31 nokuda kwokukurukurwa kwenyaya iyi.] Taura urongwa chaihwo hwebasa romumunda hwomusi waDecember 25 naJanuary 1. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu) kuti uenzanisire kuti Nharireyomurindi yaDecember 1 neMukai! yaDecember 8 dzingagoverwa sei. Dzimwewo mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mumienzaniso yacho yose, ratidza nzira yakasiyana yokuti ungaita sei kana munhu akati “Ndakatojairana nebasa renyu.”—Ona bhuku raKurangarira, peji 20.

12 min: “Rubatsiro Rwako Runodiwa.”a Bvunzurudza mumwe mukuru kwenguva pfupi. Ita kuti arondedzere chakamukurudzira kusvasvavirira kuti ashande muungano uye chakamubatsira kuti akwanise.

10 min: “Vabereki—Ratidzai Vana Venyu Muenzaniso Wakanaka.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro kunoitwa nomukuru.

16 min: “Kupupurira Hama Dzedu—Sei?”b Shandisa mibvunzo iripo. Kumbira vateereri kuti vataure mashoko mashomanana nezvokuti vakakwanisa sei kuita kuti hama dzavo dzifarire uye kudzipupurira.

Rwiyo 17 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 20

Rwiyo 68

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: “Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Taurawo zviri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2004. Fanoronga kuti munhu mumwe chete kana kuti vaviri vataure kuti vari kubatsirwa sei nechikoro.

25 min: “Batsirwa Nevhidhiyo Inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge.” Kukurukurirana nevateereri vhidhiyo inonzi No Blood, uchishandisa mibvunzo iri papeji 6. Pashure paizvozvo, verenga ndima yokupedzisira. [Kana kuti kurukurai “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” kubva muNharireyomurindi yaJune 15, 2004.] Kurudzira vanhu vose kuti vauye vhiki inotevera kuzokurukura urongwa hutsva hwokutibatsira kurega ropa.

Rwiyo 50 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 27

Rwiyo 36

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaDecember. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 15 kana kuti Mukai! yaJanuary 8.

25 min: Kuteerera Murayiro waMwari Wokurega Ropa. Hurukuro inopiwa nomukuru, achishandisa pepa rehurukuro rakatumirwa nehofisi yebazi. Taura pokutanga chaipo kuti makadhi eDPA haafaniri kunyorwa musi iwoyo. Paanenge achiverenga zviri papepa rehurukuro yacho, mukurukuri angawedzera mashoko mashomanana kuti asimbise pfungwa dzinokosha asi haafaniri kutsiva mashoko acho nemimwe mienzaniso kana kuti mamwe magwaro. Magwaro akanyorwa angaverengwa kana kuti kutaura mashoko awo kana nguva iripo. Pazvinenge zvakakodzera, simbisa mashoko ari mubhokisi rakanzi “Urongwa Hutsva Hwokutibatsira Kurega Ropa.” Munyori anofanira kupa vaparidzi vose vakabhabhatidzwa kadhi reDPA uye “Mirayiridzo Yokunyora Kadhi reDPA” kuti vakwanise kufambirana naye paanenge achipa hurukuro yacho. Munyori anofanirawo kuva nechokwadi chokuti maIdentity Card akakwana aripo.

10 min: Basa Rehana Yako. Hurukuro inopiwa nomukuru, inobva muNharireyomurindi yaJune 15, 2004, mapeji 23-4, ndima 16-19. Simbisa kuti zvisarudzo zvatinofanira kuita panyaya dzehana zvakakomba, sezvo zviine chokuita noukama hwedu naJehovha.

Rwiyo 8 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 3

Rwiyo 27

8 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku achagoverwa muna January. Kurukura “Bhokisi Remibvunzo.”

17 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 4.” Pashure pokusuma kweisingapfuuri miniti imwe nemashoko ari mundima 1, iva nomuenzaniso wemaminitsi mashanu unobva mundima 2-3, unoratidza mudzidzisi weBhaibheri achiratidza mudzidzi kuti angagadzirira sei chidzidzo chacho. Shandisa ndima yomubhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Zvadaro kurukura nemibvunzo nemhinduro ndima 2-5, uchisimbisa pfungwa dzinokosha dzomumuenzaniso wacho.

20 min: “Kuratidza Kuti Tinokoshesa Magungano Edu.”c Kurudzira vose kuti vatange kuita urongwa hwokupinda gungano rinotevera, kusanganisira kuchengeta mari yacho.

Rwiyo 79 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe