RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/04 p. 4
  • Shandisa Bhaibheri Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Bhaibheri Zvakanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kunyatsoita Ushumiri Hwako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Chikamu 3—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 9/04 p. 4

Shandisa Bhaibheri Zvakanaka

1. Ungaitei pakugadzirira ushumiri hwomumunda?

1 Hazvinei nokuti tinoronga kugovera mabhuku api muushumiri, zvinobatsira kusarudza rugwaro runotokonya pfungwa rwokuverengera vaya vachateerera. (VaH. 4:12) Kusarudza rugwaro ruri mubhuku rauri kugovera kungabatsira kuti muchinjire kubhuku racho nenzira inobudirira. Mune dzimwe nzvimbo, vaparidzi vakaona zvichibatsira kuenda vakabata Bhaibheri muruoko pavanosvika pane munhu kana kuti pavanenge vachishanda pamba nemba.

2. (a) Tingatanga sei mharidzo yedu norugwaro? (b) Inyaya dzipi dzeMagwaro dzinofarirwa nevanhu mundima?

2 Tanga noRugwaro: Vamwe vaparidzi vanotanga mharidzo yavo nokubvunza saimba mubvunzo uri nyore wemaonero aanoita imwe ndima yeBhaibheri yavanozobva vaverenga. Izvi zvinoita kuti vakurumidze kuratidza zviri muShoko raMwari. Dzimwe dzesumo idzi dzingabudirira here mundima yenyu?

◼ “Dai maiva nesimba rokuita kudaro, maizoita kuti zvinhu izvi zvichinje here?” Verenga Zvakazarurwa 21:4.

◼ “Nei tiri kurarama munguva dzinonetsa kudai?” Verenga 2 Timoti 3:1-5.

◼ “Munofunga kuti nzanga yedu yaizova nzvimbo iri nani here kudai munhu wose aiteerera zano iri?” Verenga Mateu 7:12.

◼ “Munofunga kuti vana venyu vachakwanisa kuva mumamiriro ezvinhu anorondedzerwa pano here?” Verenga Pisarema 37:10, 11.

◼ “Munofunga kuti zuva richazombosvika here apo mashoko aya achazadzika?” Verenga Isaya 33:24.

◼ “Munonyatsoziva kuchinja kwehurumende kunotaurwa pano here?” Verenga Dhanieri 2:44.

◼ “Makamboda kubvunza Mwari mubvunzo uyu here?” Verenga Jobho 21:7.

◼ “Zvinobvira here kuonazve vadiwa vedu vakafa?” Verenga Johani 5:28, 29.

◼ “Vakafa vanoziva zviri kuitwa nevapenyu here?” Verenga Muparidzi 9:5.

3. Tingabatsira sei vanhu kunzwisisa magwaro eBhaibheri atinoverenga?

3 Tsanangura, Enzanisira, Shandisa: Kana munhu achida kuti mukurukurirane, usaita zvechimbi-chimbi. Zvipe nguva yokutsanangura, yokuenzanisira, uye yokushandisa rugwaro rwacho rwawaverenga kuitira kuti munhu wacho arunzwisise. (Neh. 8:8) Vanhu pavanonzwisisa vobvuma zvinodzidziswa neShoko raMwari, zvingaita kuti vachinje zvinoshamisa muupenyu hwavo.—1 VaT. 2:13.

4. Tingashandisa sei Bhaibheri zvakanaka pakudzokerazve?

4 Ramba uchishandisa Bhaibheri zvakanaka sezvaunoita kuti vanhu vafarire. Unogona kushandisa nzira iyi paunodzokerazve: (1) Sarudza rugwaro rwakakodzera. (2) Bvunza mubvunzo uri nyore wemaonerwo anoitwa rugwaro rwacho. Zvadaro ruverenge. (3) Rutsanangure, ruenzanisire, uye rushandise. Edza kuwedzera zivo yeShoko raMwari kumunhu wacho nguva nenguva yaunoshanya. Nokukurumidza, ungatanga kudzidza naye Bhaibheri!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe