Tinofanira Kuremekedza Chiremera chaJehovha
Unofungei paunonzwa mazita ekare okuti Kora, Dhatani, naAbhirami? Kupandukira! Kupandukira chii? Chiremera chaMwari. Mashoko ezvavakaita zvinosuruvarisa akanyorwa muchitsauko 16 chaNumeri, uye pfupiso yenhau yacho iri munyaya inoti “Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika” iri muNharireyomurindi yaAugust 1, 2002. Uchaona zvichibatsira kuverenga nyaya iyi wozoona kuratidzwa kwayo kunoita kuti ufungisise muvhidhiyo inonzi Respect Jehovah’s Authority. Uchaona kukakavadzana kwakavapo pakati pevanakomana vaKora vakatendeka nababa vavo vanopandukira, avo vakatanga kurwisana naChangamire wezvose zvakasikwa. (Num. 26:9-11) Uyu mutambo wezvinhu chaizvo zvakaitika unofanira kutikurudzira tose kuti titowedzera kuva vakavimbika kuna Jehovha.
Sezvaunoona vhidhiyo iyi, tsvaka uchapupu hwokuti Kora nevamwe vaakapanduka navo vakakundikana pamuedzo wokuvimbika muzvinhu zvitanhatu zvinokosha: (1) Vakazvidza sei chiremera chaMwari? (2) Vakaita sei kuti kudada, kuda chinzvimbo, uye shanje zvivakanganise? (3) Vakaomerera sei pakusakwana kwevaya vakagadzwa naJehovha? (4) Vakanga vava nemafungiro api okunyunyuta? (5) Nei vakanga vasisagutsikani neropafadzo dzavo dzebasa? (6) Vakaita sei kuti shamwari nemhuri vave panzvimbo yokutanga pane kuva vakavimbika kuna Mwari?
Chimbofunga kuti zvidzidzo zvinodzidzwa mumutambo uno weBhaibheri zvinoshanda sei kumaonero atinoita chiremera chaMwari nhasi: (1) Tinofanira kuita sei pane zvinosarudzwa nevakuru muungano, uye nei? (2) Tingakurira sei vavariro dzisina kururama dziri matiri? (3) Tinofanira kuita sei nokusakwana kwevaya vakagadzwa kuti vatungamirire? (4) Tinofanira kuitei kana pfungwa yokunyunyuta ikatanga mumwoyo medu? (5) Tinofanira kunzwa sei nezveropafadzo dzose dzatakapiwa? (6) Ndiani asingafaniri kutora nzvimbo yokutanga pakuvimbika kwedu kuna Mwari, uye izvi zvingava muedzo wakaoma rini kwatiri?
Pashure pokunge nyaya iyi yakurukurwa muungano, wadii kuonazve vhidhiyo yacho? Ngaikuite kuti utowedzera zvikuru kufunga zvikonzero nei tichifanira kuremekedza chiremera chaJehovha nguva dzose!—Pis. 18:25; 37:28.