Kurega Basa—Musuo Webasa Rakawedzerwa Here?
1 Vanhu vakawanda vanoshanda zvakaoma vanopanga nguva apo kurega basa kuchavasunungura pakushanda zvakaoma uye pazvinetso zvebasa rokunyika. Kunyange zvakadaro, kakawanda zvikuru, kurega basa kunoguma nokushaya hanya, kufinhwa, uye kukurumidza kuchembera. Kushaya basa rine chinangwa kungasiya pfungwa dzava kungokunetsa. Pepanhau rokuBrazil rakashuma kuti vashandi vakarega basa vainyunyuta pamusoro pezvinetso zvinotangira ‘pakusagutsikana, kushatirwa, kusachengeteka, uye kusava nechinangwa muupenyu kusvikira pakuora mwoyo uye pfungwa dzokuti havana zvavachabatsira munyika.’
2 Kusiyana neizvi, vaKristu vakawanda vanoona kuchinja uku muupenyu hwavo somusuo webasa rezvokunamata rakawedzerwa. Imwe hama yakatanga kupayona vhiki mbiri pashure pokusvika makore 65 yakati: “Handisati ndambova nenguva muupenyu hwangu yakazara kudaro nezvikomborero semakore gumi apfuura okupayona.” Mumwe murume nomudzimai wake vakanyora kuti: “Makore edu chaiwoiwo anokosha akatanga patakatanga kupayona.” Chokwadi, kune vakawanda, kurega basa kunopa mukana unokosha wokuwedzera ushumiri hwavo ndokukohwa zvikomborero zvakawanda kubva kuna Jehovha.
3 Kuramba Wakabatikana uye Uchibereka Zvibereko: Vakawanda avo zvino vakarega basa vakakura vasina midziyo inorerutsa zvinhu yemazuva ano uye vakadzidza kushanda nesimba kubvira pauduku zvikuru. Kunyange vangava vasisina simba rouduku, vachiri vashandi vanobereka zvibereko zvikuru. Mune imwe ndima yebazi, 22 muzana yemapiyona—dzinenge hama nehanzvadzi 20 000—dzine makore asiri pasi pe60. Vanhu vakura ava vanoshanda zvikuru mubasa rokuparidza. Ruzivo rwavo uye unhu hunodiwa naMwari zvinobatsira kwazvo ungano dzavanoshumira.—Jak. 3:17, 18.
4 Kuramba wakabatikana muushumiri hwechiKristu kunoita kuti uve noutano huri nani uye rudzi rwoupenyu huri nani. Imwe hanzvadzi ine makore 84 iyo yakatanga kupayona payakarega basa yakati: “Kuva nevakawanda vanofarira vandinodzidza navo Bhaibheri kwakandibatsira kuti pfungwa dzangu dzirambe dzichishanda zvakanaka. Handina motokari, saka ndinofamba chaizvo. Izvozvo zvinondiita kuti ndigare ndakagwinya.” Mumwe murume nomudzimai wake vakwegura vari mapiyona vakati: “Basa racho rinotichengeta takasimba mupfungwa nomumuviri. Tinogarova pamwe chete. Tinoseka kakawanda uye tinonakidzwa noupenyu.”
5 Kushanda Kunodiwa Vaparidzi Zvikuru: Vamwe vaKristu vakarega basa vane mamiriro ezvemari akanaka vakatama kuti vanoshanda kunodiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Vamwe vakawedzera ushumiri hwavo kuti vashande mundima dzomutauro wokumwe. Somuapostora Pauro, vaparidzi ava vanoshingaira ‘vanoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti vave vanoagoverana nevamwe.’—1 VaK. 9:23.
6 Mumwe murume nomudzimai wake vakatanga kupayona pashure pokurera vanakomana vavo vaviri. Pashure pemakore anoverengeka vachipayona, vakatanga kudzidza mumwe mutauro. Zvino mumakore avo okuma70, vachangobva kuva nomufaro wokuona boka romutauro wokumwe ravave vachishanda naro richiva ungano. Varume nevadzimai vavo vakadai vakaratidza kuva chikomborero chakazokura!
7 Ushumiri Hahuregwi: Kunyange vanhu vakawanda pakupedzisira vachirega basa ravo rokunyika, hapana muKristu chero upi zvake anofanira kurega basa raMwari. Tose tinofanira kuramba takatendeka “kusvikira kumugumo.” (Mat. 24:13, 14) Chokwadi, nokukwegura, vamwe havakwanisi kuita zvakawanda sezvavaimboita kare mubasa raJehovha. Asi zvinokurudzira zvikuru kuvaona vachiita zvavanogona nomwoyo wose! Shoko raMwari rinovavimbisa kuti Jehovha haazokanganwi basa ravo uye rudo rwavanoratidza nokuda kwezita rake.—Ruka 21:1-4; VaH. 6:10.
8 Kana uri kusvika makore okuti urege basa, wadii kunyengetera uchifungisisa kushandisa kwaungaita zvakazara kuchinja kwako kwemamiriro ezvinhu? Uchibatsirwa naMwari, ungawana kuti kurega basa kunokuzarurira musuo webasa rakawedzerwa iro rinoita kuti Jehovha arumbidzwe uye rinounza zvikomborero zvakawanda.—Pis. 148:12, 13.