Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naJune 30, 2003. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 5 kusvika kune yaJune 30, 2003. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Nei kusiyanisa inzwi kuchikosha pakupa hurukuro, uye izvi zvingaitwa sei? [be-CA p. 111 bhokisi; p. 112 bhokisi]
2. Kunyange zvazvo mukurukuri aine chokwadi nezvaari kutaura uye achida Jehovha, nei angasava nechido? [be-CA p. 115 ndima 3-4; p. 116 ndima 1]
3. Chii chichabatsira mukurukuri kuratidza ushamwari uye kubudisa manzwiro aanoita muhurukuro, uye nei izvi zvichikosha? [be-CA p. 119 ndima 1-4]
4. Chii chinotema chido chakakodzera, ushamwari, uye mamwe manzwiro anobuda muhurukuro? [be-CA p. 120 ndima 2-5]
5. Chokwadi kana Nhema: Kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri uye zvaunoita chiso chako zvinokosha bedzi kana vateereri vako vakakutarira. Tsanangura. [be-CA p. 121 ndima 3]
HURUKURO NHA. 1
6. Chii chakabatsira Josiya kusarudza nzira yakarurama pasinei nenguva youduku yakanga yakazara nematambudziko? (2 Mak. 34:1, 2) [w01-CA 4/15 p. 27 ndima 1-6; p. 28 ndima 4]
7. Zvirevo 9:7, 8a inorevei, uye ingashandiswa sei muushumiri hwomumunda? [w01-CA 5/15 p. 29 ndima 4-5]
8. Jehovha airevei paakaudza vaIsraeri kuti, ‘Hamufaniri kukanganwa,’ uye tingarega sei kukanganwa? (Dheut. 4:9; 8:11) [be-CA p. 20 ndima 1-3]
9. Mashoko omwoyo wose aDhavhidhi ari pana Pisarema 32:1, 5 uye pana Pisarema 51:10, 15 anoratidza sei kuti munhu haafaniri kunzwa asingakoshi kana aita chivi chakakomba asi aratidza kupfidza kwechokwadi? [w01-CA 6/1 p. 30 ndima 1-3]
10. Chii chingadzidzwa nezvokutarisira vanoshayiwa kubva mumirayiridzo yaPauro yakanyorwa pana 1 Timoti 5:3-16? [w01-CA 6/15 p. 11 ndima 1]
KUVERENGA BHAIBHERI KWEVHIKI NEVHIKI
11. Jesu airevei paakashandisa shoko rokuti “kuberekwazve,” sezvakanyorwa pana Johani 3:3? [w95-CA 7/1 map. 9-10 ndima 4-5]
12. Jesu akashandisa dzidzo yake munzirai, uye zvidzidzoi zvinokosha zvatingadzidza kubva mune izvi? (Joh. 7:15-18) [w96-CA 2/1 map. 9-10 ndima 4-7]
13. Bhaibheri parinoti pana Johani 9:22, 34 vaFarisi ‘vakadzingira kunze’ kwesinagogi mumwe murume akanga aporeswa naJesu, izvi zvairevei? [w98-CA 10/1 p. 14]
14. Jesu ‘akauya sei saizvozvo nomutoo wakafanana’ waakakwira nawo kudenga? (Mab. 1:11) [w90-CA 6/1 p. 11 ndima 5]
15. Nei ‘pakanga pasina kana mumwe wevamwe akanga ane ushingi hwokuzvibatanidza nevadzidzi,’ sezvinotaurwa pana Mabasa 5:13?