Unogona Here Kupinda Mu“suo Guru Rebasa”?
1. Nderipi “suo guru rebasa” rakatizarukira?
1 Muapostora Pauro paakazarurirwa “suo guru rebasa,” akashandisa nomwoyo wose mukana iwoyo kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi pasinei nevashori vakawanda. (1 VaK. 16:9) Nhasi pasi pose kune vaparidzi voUmambo vanopfuura 642 000 vakapinda musuo guru rebasa nokuva mapiyona enguva dzose.
2. Nei zvakanaka kumboongorora mamiriro edu ezvinhu nguva nenguva?
2 Mamiriro Ezvinhu Anochinja: Kunyange zvazvo mamiriro edu ezvinhu aripo angatitadzisa kuita basa rakawanda, anogona kuzochinja. Saka zvakanaka kugara tichiongorora mamiriro edu ezvinhu kwete kumirira kusvikira zvanaka. (Mup. 11:4) Uri pwere yava kuda kupedza chikoro here? Uri mubereki ane vana vava kuda kuzoenda kuchikoro here? Wava pedyo nokuwana mudyandigere here? Kuchinja kwakadaro kunogona kukupa nguva yakawanda yokuti uzoita basa roupiyona hwenguva dzose. Imwe hanzvadzi yakamborwara yakasarudza kuva piyona pazera remakore 89. Nei? Sezvo yakanga yapedza gore isina kumbopinda muchipatara, yakanzwa kuti utano hwayo hwaiibvumira kupayona.
3. Vamwe vakagadzirisa sei mamiriro avo ezvinhu kuti vaite upiyona hwenguva dzose?
3 Kana ari Pauro, pakutanga aida kushanyira hama dzake kuKorinde. Asi akachinja zvirongwa zvake nemhaka yemashoko akanaka. Vazhinji vari mapiyona enguva dzose nhasi vane zvakawanda zvavakagadzirisa kuti vakwanise kupayona. Vamwe vakaita kuti upenyu hwavo huve nyore nokutsvaka basa risingadi nguva yavo yakawanda. Basa iroro rinongova rokuti vawane mari yezvishoma zvavanoda pakurarama. Vakanakidzwa neropafadzo yavo yebasa. (1 Tim. 6:6-8) Vamwe vakaroorana vakaita kuti murume bedzi ashande zvichiita kuti mudzimai akwanise kupayona.
4. Tingaitei kana tisina chokwadi chokuti tichasvitsa maawa anodiwa?
4 Usakurumidza kuramba pfungwa yokupayona uchityira kuti hauzosvitsi maawa anodiwa. Anenge anopfuura maawa maviri bedzi pazuva ndiwo anodiwa. Kana usina chokwadi chokuti unozvikwanisa, edza kuita upiyona hwebetsero mwedzi mumwe chete kana kuti miviri uine chinangwa chokusvitsa maawa 70. Izvi zvichakupa mukana wokumboravira mufaro wokupayona. (Pis. 34:8) Taura nevari kutopayona. Vangave vakakunda zvinetso zvakafanana nezvako. (Zvir. 15:22) Kumbira kuti Jehovha akomborere zvauri kuedza kuita kuwedzera ushumiri hwako.—1 Joh. 5:14.
5. Nei upiyona hwenguva dzose riri basa rine mubayiro?
5 Basa Rine Mubayiro: Kushanda sapiyona wenguva dzose kunounza zvikomborero zvakawanda. Kunoita kuti uwane mufaro mukuru unobva mukupa zvakawanda. (Mab. 20:35) Kuita upiyona kuchavandudza mano ako okubata Shoko raMwari rechokwadi zvakarurama. (2 Tim. 2:15) Kuchawedzera mikana yokuona Jehovha achikutsigira. (Mab. 11:21; VaF. 4:11-13) Kupayona kuchakubatsira kuti uve nounhu hwaMwari, hwakadai sokutsungirira uye kuchaita kuti uswedere pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Unogona kupinda musuo guru rebasa ndokuva piyona wenguva dzose here?