RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/03 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 6/03 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna June: Govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Vanasaimba pavanenge vachitova nemabhuku aya, shandisa rimwe bhurocha rakakodzera iro ungano inaro. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Donzo Roupenyu, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari.

◼ Vanyori vanoyeuchidzwa kuti vane mutoro wezvose zvine chokuita nekokorodzano yoruwa. Kana pakava nechimwe chinhu chine chokuita neizvi chinofanira kukurukurwa neungano, munyori anofanira kukumbira mutariri anotungamirira kuti apiwe nguva yokuita izvi paMusangano Webasa. Mutariri anotungamirira achabva agadziridza Musangano Webasa kuitira kuti munyori akurukure nhau yacho.

◼ Wakatokumbira waunoshandira nguva yokusava pabasa kuti upinde kokorodzano yoruwa here? Zvakacherechedzwa kuti vashandirwi vakawanda vanonzwisisa zvikuru kana vakafanotaurirwa pane kuzotaurirwa nguva yacho yapera.

◼ Vamwe vaparidzi vanozengurira kutaura urongwa hwomupiro pavanenge vachigovera mabhuku kuvanhu vanofarira vavanosangana navo. Vanomirira kusvikira saimba abvunza kana mabhuku acho achitengeswa kana kuti kwete vasati vataura urongwa hwacho. Tose tinokurudzirwa kuiita tsika kutsanangurira vanasaimba ropafadzo yavainayo yokubvisa mupiro kubasa redu renyika yose. Tapota yeukai kuisa mipiro yose mubhokisi romupiro weBasa Romunyika Yose.

◼ Kwangosara mwedzi mitatu gore rebasa risati rapera. Tose tinokurudzirwa kushanda zvizere mubasa romumunda uye kushuma basa iri nokukurumidza. Kana uchiziva kuti uchange usipo panopera mwedzi, endesa mushumo wako usati waenda.

Tapota onai kuti kunyange purogiramu yeKokorodzano Yoruwa inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” ichitanga neChishanu na9:30 mangwanani, purogiramu yekokorodzano dzemarudzi akawanda ichatanga neChina na1:20 masikati.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe