RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/02 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 11
  • Vhiki Inotanga naNovember 18
  • Vhiki Inotanga naNovember 25
  • Vhiki Inotanga naDecember 2
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 11/02 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 11

Rwiyo 183

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 15 uye Mukai! yaDecember 8. Mune mumwe muenzaniso wacho, tsanangura kuti basa redu renyika yose rinowana mari sei.—Ona Nharireyomurindi, papeji 2, kana kuti Mukai! papeji 5.

15 min: Vatsigiri Vokunamata Kwechokwadi—Kare uye Zvino. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaNovember 1, 2002, mapeji 26-30.

20 min: “Batsira Mutariri Wako weChidzidzo Chebhuku Cheungano.”a Inopiwa nomukuru ari mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano. Pakukurukura ndima 3, taurawo mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 70. Rumbidza vaparidzi nokuda kwenzira dzakananga dzavanotsigira nadzo urongwa hwechidzidzo chebhuku, uye varatidze nomutsa nharaunda dzavanofanira kuvandudza.

Rwiyo 114 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 18

Rwiyo 78

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura bhokisi rakanzi “Nyaya Dzakanaka Zvikuru Dzokuverenga!”

10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa.

25 min: “Misoro Yemhuri—Rambai Muine Muitiro Wakanaka Pakunamata.” Wataura hurukuro pfupi yokusuma kubva pandima 1-3, kurukura ndima 4-13 nevateereri. Kana nguva ichibvumira, verenga ndima 7, 8, 11, uye 12. Bvunzurudza mubereki mumwe kana vaviri. Chii chakabatsira mhuri yavo kuva nomuitiro wakarongwa wezvinhu zvokunamata? Ndezvipi zvave zvichiitwa? Vakabatsirwa sei? Gumisa nokutaura mashoko mashoma ari pandima 14.

Rwiyo 31 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 25

Rwiyo 16

10 min: Zviziviso zveungano. Murume nomudzimai vari kushanda pamwe chete mubasa romumunda vanoenzanisira kushandiswa kungaitwa mazano ari papeji 8, kugovera magazini aDecember 1 naDecember 8. Murume anogovera Nharireyomurindi, uye mudzimai anogovera Mukai!

15 min: “Zivisa Chokwadi Pamusoro paJesu.”b Taurawo mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 278. Kurudzira vose kuuya nebhuku racho paMusangano Webasa wevhiki inouya nokuda kwehurukuro inoti “Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru.”

20 min: “Ratidza Kuva Nehanya Ne‘nherera.’” Tanga nehurukuro yemaminitsi matatu pamusoro pemaonero aJehovha nherera, kubva mundima 1 uye muInsight, Vhoriyamu 1, papeji 816. Uchishandisa mibvunzo nemhinduro, kurukura ndima dzose dzasara dzenyaya yacho. Taura nzira dzinoshanda idzo vamwe vangabatsira uye vangakurudzira nadzo. Pakukurukura ndima 3-4, taurawo mashoko mashoma ari muMukai! yechiRungu yaOctober 8, 1995, mapeji 8-9.

Rwiyo 142 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 2

Rwiyo 213

8 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yavo yebasa romumunda yaNovember. Taura kwenguva pfupi mharidzo ingagona kuzoshandiswa pakugovera bhuku raMunhu Mukurusa.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1998 papeji 8.

12 min: Zvinodiwa muungano.

25 min: “Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru.” Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomutariri wechikoro. Ita kuti vawedzere kufarira purogiramu itsva yechikoro, ichatanga muna January. Taura zvinhu zviri pa“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2003,” iri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2002. Taura zvinodiwa kunyoresa pachikoro, sezvakarongwa mubhuku reChikoro Choushumiri, papeji 282, uye kurudzira vaya vasati vadaro kuti vanyorese kana vachikodzera.

Rwiyo 127 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe