Batsira Mutariri Wako weChidzidzo Chebhuku Cheungano
1 Mumwe nomumwe wedu anobatsirwa zvikuru neChidzidzo Chebhuku Cheungano. Mwedzi wapera takakurukura kuti mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano anoita sei basa rake. Asi tingaitei kuti timubatsire tobva tabatsirwa isu pachedu uye vamwe?
2 Pinda Vhiki Imwe Neimwe: Nokuda kwokuti mapoka echidzidzo chebhuku anochengetwa ari maduku, kuvapo kwako kunokosha. Vavarira kupinda vhiki imwe neimwe. Unogonawo kubatsira nokukurumidza kusvika, sezvo izvi zvichiita kuti mutariri atange musangano wacho nenzira yakarongeka.—1 VaK. 14:40.
3 Mhinduro Dzinovaka: Imwe nzira yaungabatsira nayo ndeyokuva akanyatsogadzirira uye kupa mhinduro dzinovaka. Mhinduro dzakananga papfungwa imwe chete kazhinji dzakanakisisa, uye izvi zvinokurudzirawo vamwe kuti vapindure. Edza kusataura zvose zviri mundima yacho. Kana pfungwa iri mune zviri kudzidzwa ikabaya mwoyo wako, taura pfungwa yako mumhinduro kuti uvandudze kukurukurirana kwacho.—1 Pet. 4:10.
4 Kana uine ropafadzo yokuverenga ndima kuti ubatsire boka racho, shingaira kuita mugove iwoyo. Kuverenga kwakanaka kunobatsira kubudirira kwechidzidzo chacho.—1 Tim. 4:13.
5 Kupupura Kweboka: Misangano yebasa romumunda inoitirwa kunzvimbo dzakawanda dzinoitirwa chidzidzo chebhuku, uye kutsigira kwako zvirongwa izvi kunobatsira mutariri sezvaanotungamirira basa rokuparidza evhangeri. Ona zvirongwa izvi semikana yokuswedera pedyo nehama dzako uye yokudzikurudzira.
6 Mishumo Yebasa Romumunda: Kukurumidza kuunza mushumo wako webasa romumunda panopera mwedzi woga woga ndeimwe nzira yokubatsira nayo mutariri wacho. Ungamupa mushumo wako zvakananga kana kuti ungauisa mubhokisi rakasarudzwa kuiswa mishumo yebasa riri kuImba yoUmambo. Munyori angashandisa bhokisi racho kutora mishumo yebasa romumunda inenge yaunganidzwa nevatariri vechidzidzo chebhuku.
7 Kushandira pamwe kwako nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano kuchaongwa. Kupfuura zvose, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achava ‘nomudzimu waunoratidza.’—VaF. 4:23.