RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/02 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 14
  • Vhiki Inotanga naOctober 21
  • Vhiki Inotanga naOctober 28
  • Vhiki Inotanga naNovember 4
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 10/02 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naOctober 14

Rwiyo 103

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaverenge chitsauko 25 chaNumeri uye Insight, Vhoriyamu 2, peji 419, ndima 3-5, uye zvadaro ngavaone vhidhiyo inonzi Warning Examples for Our Day pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naOctober 28. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 15 uye Mukai! yaNovember 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anodzivisa kukurukurirana achiti “Ndakatorovedzana zvikuru nebasa renyu.”—Ona bhuku raKurangarira, peji 20.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: “Kuratidza Kufarira Vamwe Kunoitwa Nevatariri veChidzidzo Chebhuku Cheungano.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro kunoitwa nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano. Mumashoko okusuma, tsanangura zvishoma matangiro akaita urongwa hwechidzidzo chebhuku. (jv-CA 237 ndima 4) Fanoronga kuti vaparidzi vaviri kana vatatu vataure kuti vakabatsirwa sei nokufarirwa kwavakaitwa somunhu mumwe nomumwe kuburikidza neChidzidzo Chebhuku Cheungano.

Rwiyo 65 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 21

Rwiyo 206

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

35 min: “Kubatsirwa Zvakazara neKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira.” Inopiwa nomuitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi. Wapa sumo yeminiti imwe, kurukurirana nevateereri purogiramu yekokorodzano yoruwa uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Ronga nguva yako nokungwarira. Ungataura mashoko mashoma kuita kuti vateereri vayeuke pfungwa dzinokosha. Pazvakakodzera, bvunza vateereri kushandisa kwavave vachiita zvavakadzidza uye kubatsirwa kwavari kuitwa nokuita kudaro.

Rwiyo 194 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 28

Rwiyo 110

8 min: Zviziviso zveungano. Kurudzira vose kudzokorora zvavakanyora papurogiramu yezuva regungano chairo yakadarika pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inouya. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaOctober. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti hanzvadzi ienzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 1 uye hama iratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaNovember 8. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taura zvishoma kunaka kwemharidzo yacho.

12 min: Zvakaitika. Kumbira vaparidzi kurondedzera zvakaitika zvavakava nazvo pavaifamba kuenda uye kudzoka kukokorodzano yoruwa, pavaiva pakokorodzano, kana kuti pavaipupurira zvisina kurongwa kubasa, kuchikoro, pakutenga, uye kumwewo.

25 min: “Chikumbiro Chomwoyo Wose Chokufungisisa Vhidhiyo Inonzi Warning Examples for Our Day.” Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, zvadaro ibva watanga kukurukurirana nevateereri mubvunzo mumwe nomumwe uri munyaya yacho. (Kana kuti, kurukura “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2002 mapeji 6-7; ona bhuku raKurangarira, mapeji 413-4.) Muna December tichakurukura vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge.

Rwiyo 41 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 4

Rwiyo 66

10 min: Zviziviso zveungano. Dzokorora zvishoma mazano okugovera bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002. Enzanisira imwe yemharidzo dzacho.

13 min: Handinyari Nemashoko Akanaka. (VaR. 1:16) Pwere inotaurira baba nezvechinetso chayo. Wechiduku wacho anozengurira kuti azivikanwe somumwe weZvapupu zvaJehovha nemhaka yokutya kusekwa nevezera rake. Baba vanoonga pwere yacho nokuda kwokutendeseka munhau yacho. Vanorondedzera zvakamboitwa naPetro nemhaka yokuda kufanana nevamwe vake. (Mat. 26:69-74) Baba vacho vanopa zano rinotevera: “Hatimbofaniri kunyara nezvatiri sevaKristu. (Mako 8:38) Zvinobatsira zvikuru kuzvizivisa kuti uri Chapupu kuchikoro. Kana vakaudzwa, vadzidzisi vakawanda vacharemekedza zvaunotenda uye havazoedzi kuita kuti uite zvinhu zvaunoona kuti haubvumirani nazvo. Zvimwe pwere dzisina tsika hadzizoedzi kukumanikidza kupinda mumufambiro wakaipa. Vamwe vaunodzidza navo vachanzwisisa zviri nyore chikonzero nei uchisarudza kusaita zvevakomana nevasikana, usingatambi mitambo inoitwa vana vapedza kudzidza mukirasi, kana kuti usingaiti mamwe mabasa anoitwa mabuda chikoro. Kana nguva ichibvumira, baba nepwere yacho vanokurukura pfungwa dziri pamusoro muduku unoti “Kuzivisa Pamhene Ushamwari Hwako naMwari” kubva mubhuku raVechiduku, mapeji 315-18. Pwere yacho inoonga zano racho rakanaka.

22 min: Zviisei Pasi paMwari—Dzivisai Dhiyabhorosi. (Jak. 4:7) Achishandisa mibvunzo iri pano, mukuru anokurukura nevateereri zvine upenyu purogiramu yezuva regungano chairo rakaitwa mugore rebasa radarika. Kumbira vaparidzi kuti varondedzere kuti vakakwanisa sei kushandisa zvavakadzidza. (Zvikamu zvacho zvingafanogoverwa vamwe vaparidzi.) Taura hurukuro dzepurogiramu yacho dzinotevera: (1) “Kuzviisa Pasi paMwari Munyika iri Muuranda.” Nei tichifanira kuva vakangwaririra kuti tisapinda mumisungo yenyika? (2) “Kuratidza Kuzviisa Pasi paMwari Senhengo Dzemhuri.” Nei zviri zvokukurumidzira kusimbisa ukama hwemhuri musangano raJehovha? Tingaita sei izvozvo? (3) “Batsira Vadzidzi Vatsva Kumira Zvakasimba Kudivi raJehovha.” Tingabatsira sei vatsva kukurira zvipingamupinyi zvinoedza kutenda kwavo? (4) “Zvinorehwa Nokudzivisa Dhiyabhorosi.” Chii chinokosha pakumira zvinobudirira mukudzivisa Dhiyabhorosi? Chifukidziro chesimbi chomudzimu chinorondedzerwa pana VaEfeso 6:11-18 chingatidzivirira sei? (w92-CA 5/15 21-3) (5) “Pwere Dzinobudirira Kudzivisa Wakaipa” uye “Pwere Dzinobatsirwa Nokuzviisa Pasi paMwari.” Ndeapi mamwe emazano aSatani anofanira kungwarirwa nevechiduku? Vechiduku vanokomborerwa sei nokuzviisa pasi paJehovha? (w90-CA 8/1 13-14, ndima 15-17) (6) “Kubatsirwa Nokuzviisa Pasi paMwari.” Rondedzera kuti vaKristu vanoratidza sei kuzviisa pasi pezviremera zvehurumende, vashandirwi vokunyika, mumhuri, uye muungano yechiKristu. Unhu hupi huchatibatsira kuita kudaro?

Rwiyo 185 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe