RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/02 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2003

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2003
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Misoro Midiki
  • Mirayiridzo
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 10/02 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2003

Mirayiridzo

Muna 2003 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona [bi53-CA], Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [bi7-CA], Nharireyomurindi [w-CA], Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri [be-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA]. Chiratidzo ichi (¶) chinomirira ndima.

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko okugamuchira mobva maenderera mberi sezvinotevera:

UNYANZVI HWOKUTAURA: Maminitsi 5. Mutariri wechikoro, mupi wezano wechipiri, kana kuti mumwe mukuru anokwanisa achakurukura unyanzvi hwokutaura huri mubhuku reChikoro Choushumiri. (Muungano dzine vakuru vashoma, mushumiri anoshumira anokwanisa angashandiswa.) Kutoti zvaratidzwa, mabhokisi ari pamapeji akaratidzwa anofanira kukurukurwawo. Basa rokuita rinofanira kusiyiwa. Irori nderokuti munhu aite oga uye rinogona kushandiswa pakupa zano pasiri paruzhinji.

HURUKURO NHA. 1: Maminitsi 10. Iyi inofanira kupiwa nomukuru kana mushumiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi, mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, kana kuti ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Inokurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi gumi pasina mibvunzo yokudzokorora. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungotaura mashoko acho asi kusimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichabatsira ungano zvikuru. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa. Zvinotarisirwa kuti hama dzinopiwa hurukuro iyi dzichangwarira kuchengeta nguva. Zano risiri reparuzhinji ringapiwa kana zvakakodzera.

PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi matanhatu okutanga mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kunyatsoshandisa mashoko acho kuzvinodiwa muungano. Angataura chero pachikamu chipi nechipi chakapiwa mukuverenga Bhaibheri kwevhiki iyoyo, sezvo hama inopa hurukuro Nha. 2 isingatsanangudzi ndima dzainoverenga. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yendima dzinofanira kuverengwa. Chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha. Zvadaro, kwemaminitsi mana mukurukuri achakumbira vateereri kupindura vachipa mhinduro pfupi (masekondi 30 kana kuti asingasviki) dzemibvunzo miviri inotevera: “Chii chawakawana mukuverenga Bhabheri vhiki ino chichakubatsira muushumiri kana mumararamiro ako?” uye “Chii chakasimbisa kutenda kwako uye chakawedzera kuonga kwaunoita Jehovha?” Ipapo mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi vanofanira kuenda kumamwe makirasi kubuda.

HURUKURO NHA. 2: Maminitsi 4. Uku kuverenga kunoitwa nehama. Kakawanda kuverenga kwacho kuchabva muBhaibheri. Kamwe pamwedzi hurukuro iyi ichabva muNharireyomurindi. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga mashoko akapiwa asingapi sumo kana mhedziso. Vhiki imwe neimwe, kuwanda kwemashoko anoverengwa kuchatisiyanei asi anofanira kuita maminitsi mana kana mashoma. Mutariri wechikoro anofanira kutanga atarira mashoko acho asati apa hurukuro dzacho, oita kuti dzienderane nezera uye mano zvevadzidzi. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kunzwisisa zvavanoverenga, kutsetsenura, kusimbisa pfungwa kwakakodzera, kusiyanisa inzwi, kumbomira kwakakodzera, uye kuva akasununguka.

HURUKURO NHA. 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachasarudza marongero avangaita kana kuti vachapiwa ari papeji 82 yebhuku reChikoro Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakapiwa obva aushandisa zvinokodzera chimwe chikamu chebasa romumunda mundima yeungano yenyu. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Vadzidzi vatsva vanofanira kupiwa hurukuro dzakaratidzwa panobva mashoko acho. Mutariri wechikoro achanyanyofarira nzira iyo mudzidzi anokurukura nayo mashoko acho uye nzira yaanobatsira nayo saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vanofanira kugona kuverenga. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.

HURUKURO NHA. 4: Maminitsi 5. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro wakapiwa. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achada kuwana mashoko ehurukuro iyi kuburikidza nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Painopiwa hama, inotaurwa sehurukuro pachifungwa nezvevateereri vari muImba yoUmambo. Painopiwa hanzvadzi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvakarongwa paHurukuro Nha. 3. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi inofanira kupiwa hama bedzi kuti dzikurukure sehurukuro.

NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, ndizvozvowo nemashoko omupi wezano. Hurukuro Nha. 2 kusvika ku4 dzinofanira kumiswa nokungwarira kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa hurukuro yokutanga younyanzvi hwokutaura, Hurukuro Nha. 1, kana kuti pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kungwarira nguva yavo. Purogiramu yose: Maminitsi 45, tisingatauri nguva yerwiyo nomunyengetero.

ZANO: Miniti imwe. Kana mudzidzi mumwe nomumwe apedza kupa hurukuro, mutariri wechikoro haafaniri kupfuudza miniti imwe achitaura zvakanaka zvaaona pahurukuro yanga yakanaka. Chinangwa chake hachisi chokungoti “maita zvakanaka,” asi ndechokuonesa zvikonzero chaizvo nei hurukuro yakadaro yanga ichibatsira. Maererano nezvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, zano rokuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.

MUPI WEZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi, kana aripo, kuti abatsire mutariri wechikoro somupi wezano wechipiri. Basa rake richava rokupa zano pasiri paruzhinji kuhama dzinopa Hurukuro Nha. 1 uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri, kana richidiwa. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pashure pokupa imwe neimwe yehurukuro idzodzo. Urongwa uhwu huchatanga kushanda muna 2003 uye hungagadziridzwa gare gare.

FOMU ROUNYANZVI HWOKUTAURA: Riri mubhuku.

KUDZOKORORA: Maminitsi 30. Mwedzi miviri yoga yoga, mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora vateereri vachipindura. Kuchatangirwa nokukurukurwa kwounyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvakadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo.

PUROGIRAMU

Jan. 6 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 1-6 Rwiyo 91

Unyanzvi Hwokutaura: Tinokugamuchirai Kuchikoro chaMwari Choushumiri (be-CA p. 5 ¶1–p. 8 ¶1)

Nha. 1: Farira Shoko raMwari (be-CA p. 9 ¶1-5)

Nha. 2: Mateu 4:1-22

Nha. 3: Chiratidzo cheMazuva Okupedzisira Chinei Chokuita nevaKristu Vechokwadi? (rs-CA p. 210 ¶1-2)

Nha. 4: Jesu Ari Kuitei Izvozvi?

Jan. 13 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 7-11 Rwiyo 40

Unyanzvi Hwokutaura: Verenga Bhaibheri Zuva Nezuva (be-CA p. 10 ¶1−p. 12 ¶3)

Nha. 1: ‘Mhanyai Saizvozvo’ (w01-CA 1/1 map. 28-31)

Nha. 2: Mateu 9:9-31

Nha. 3: Nei Tichiparidzira Vamwe

Nha. 4: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiti Mazuva Okupedzisira Akatanga Muna 1914? (rs-CA p. 211 ¶1-4)

Jan. 20 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 12-15 Rwiyo 133

Unyanzvi Hwokutaura: Kuverenga Nomazvo (be-CA p. 83 ¶1-4−p. 84 ¶1)

Nha. 1: Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo! (w01-CA 2/1 map. 20-3)

Nha. 2: Mateu 13:1-23

Nha. 3: Pachava Nomunhu Upi Noupi Mupenyu Pasi Pano Nyika Yaguma Here? (rs-CAhinja Here?

Jan. 27 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 16-21 Rwiyo 129

Unyanzvi Hwokutaura: Kuverenga Nomazvo (be-CA p. 84 ¶2–p. 85 ¶3)

Nha. 1: Kukurumidza Kufamba Kunoita Nguva (si-CA map. 278-9 ¶1-6)

Nha. 2: w01-CA 1/15 p. 20 ¶20–p. 21 ¶24

Nha. 3: Chii Chichaita Kuti Nyika Ibatane?

Nha. 4: Nei Mwari Achibvumira Nguva Yakawanda Kudai Asati Aparadza Vakaipa? (rs-CA p. 212 ¶5-7)

Feb. 3 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 22-25 Rwiyo 139

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Ataurwa Zvakajeka (be-CA p. 86 ¶1-6)

Nha. 1: “Chenjererai Mateererere Enyu” (be-CA p. 13 ¶1–p. 14 ¶4)

Nha. 2: Mateu 22:15-40

Nha. 3: Maziviro Atinoita Kuti Chiratidzo Chinokodzera Nguva Yatiri Kurarama (rs-CA p. 213 ¶2–p. 214 ¶1)

Nha. 4: Ndiani Chaizvoizvo Muranda Akatendeka, Akangwara?

Feb. 10 Kuverenga Bhaibheri: Mateu 26-28 Rwiyo 27

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Yokutaura Nayo Zvakajeka (be-CA p. 87 ¶1–p. 88 ¶3)

Nha. 1: Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Chaiwo (w01-CA 3/1 map. 4-7)

Nha. 2: Mateu 26:6-30

Nha. 3: Nei Ndisingashandisi Zvinodhaka

Nha. 4: Chii Chiri Chinangwa Choupenyu Hwevanhu? (rs-CA p. 375 ¶3–p. 376 ¶4)

Feb. 17 Kuverenga Bhaibheri: Mako 1-4 Rwiyo 137

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Mashoko Nomazvo—Zvinhu Zvokufunga Nezvazvo (be-CA p. 89 ¶1–p. 90 ¶3)

Nha. 1: Zvinoratidza Nguva zvomuBhaibheri (si-CA map. 279-80 ¶7-13)

Nha. 2: w01-CA 2/15 p. 25 ¶10–p. 26 ¶14

Nha. 3: Vanhu Vakasikwa Kuti Vararame Kwenguva Pfupi Vobva Vafa Here? (rs-CA p. 376 ¶5–p. 377 ¶2)

Nha. 4: Nei Kubhejera Kwakaipa

Feb. 24 Kuverenga Bhaibheri: Mako 5-8 Rwiyo 72

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Dzokuvandudza Nadzo Mataurirwo Emashoko (be-CA p. 90 ¶4–p. 92)

Kudzokorora

Mar. 3 Kuverenga Bhaibheri: Mako 9-12 Rwiyo 195

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Uchitsetsenura (be-CA p. 93 ¶1–p. 94 ¶3)

Nha. 1: Kuteerera Hurukuro, Pakukurukurirana, uye Pamagungano nePakokorodzano (be-CA p. 15 ¶1–p. 16 ¶5)

Nha. 2: Mako 10:1-22

Nha. 3: Mawaniro Atingaita Simba Kuna Mwari

Nha. 4: Tingatarisira Kurarama Nokusingaperi Pahwaroi? (rs-CA p. 378 ¶3-5)

Mar. 10 Kuverenga Bhaibheri: Mako 13-16 Rwiyo 187

Unyanzvi Hwokutaura: Mavandudziro Aungaita Kutaura Uchitsetsenura (be-CA p. 94 ¶4–p. 96 ¶2, kunze kwebhokisi riri pap. 95)

Nha. 1: Paradhiso Yomudzimu Chii? (w01-CA 3/1 map. 8-11)

Nha. 2: Mako 13:1-23

Nha. 3: Kutarisira Upenyu Hwomunguva Yemberi Kuchazadzika Sei? (rs-CA p. 378 ¶6–p. 379 ¶1)

Nha. 4: Mwari Anotsigira Hondo Dzinorwiwa Nevanhu Here?

Mar. 17 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 1-3 Rwiyo 13

Unyanzvi Hwokutaura: Kurarama Nokundandama (be-CA p. 95, bhokisi)

Nha. 1: “Munhu Awana Uchenjeri Une Mufaro” (w01-CA 3/15 map. 25-8)

Nha. 2: Ruka 3:1-22

Nha. 3: Kunamata Jesu Kwakarurama Here?

Nha. 4: aZvinokosha Here Kuroora Maererano Nezvinodiwa Nomutemo? (rs-CA p. 293 ¶4–p. 294 ¶2)

Mar. 24 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 4-6 Rwiyo 156

Unyanzvi Hwokutaura: Kumbomira Pane Nyora uye Kuti Uchinje Pfungwa (be-CA p. 97 ¶1–p. 98 ¶5)

Nha. 1: Unofunga Kuti Vamwe Havakunzwisisi Here? (w01-CA 4/1 map. 20-3)

Nha. 2: Ruka 6:1-23

Nha. 3: Chirangaridzo Chinorevei? (rs-CA p. 56 ¶1–p. 57 ¶1)

Nha. 4: VaKristu Vangatarisira Kudzivirirwa naMwari Here?

Mar. 31 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 7-9 Rwiyo 47

Unyanzvi Hwokutaura: Kumbomira Kuti Usimbise, Kumbomira Kuti Uteerere (be-CA p. 99 ¶1–p. 100 ¶4)

Nha. 1: “Itya Mwari [Wechokwadi] Uchengete Mirayiro Yake” (be-CA p. 272 ¶1–p. 275 ¶3)

Nha. 2: w01-CA 3/15 p. 18 ¶17–p. 19 ¶20

Nha. 3: Maziviro Atinoita Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari

Nha. 4: Zviratidzo zveChirangaridzo Zvinomiririra Chii? (rs-CA p. 57 ¶2-3)

Apr. 7 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 10-12 Rwiyo 68

Unyanzvi Hwokutaura: Kusimbisa Pfungwa Kwakakodzera (be-CA p. 101 ¶1–p. 102 ¶3)

Nha. 1: “Kupupurira Jesu” (be-CA p. 275 ¶4–p. 278 ¶4)

Nha. 2: Ruka 10:1-22

Nha. 3: Ndivanaani Vanofanira Kudya paKudya kwaShe Kwemanheru? (rs-CA p. 57 ¶5–p. 58 ¶1)

Nha. 4: Muchato Wokutanga Waibatanidza Zvinhu Zvipi? (rs-CA p. 294 ¶3-4)

Apr. 14 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 13-17 Rwiyo 208

Unyanzvi Hwokutaura: Kuvandudza Kusimbiswa Kwepfungwa (be-CA p. 102 ¶4–p. 104 ¶4)

Nha. 1: “Aya Mashoko Akanaka oUmambo” (be-CA p. 279 ¶1–p. 281 ¶4)

Nha. 2: Ruka 15:11-32

Nha. 3: Kuzvidzivirira Kwatingaita Pamadhimoni

Nha. 4: Chirangaridzo Chinofanira Kuchengetwa Kakawanda Sei, uye Rini? (rs-CA p. 59 ¶1-2)

Apr. 21 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 18-21 Rwiyo 23

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzasimbiswa (be-CA p. 105 ¶1–p. 106 ¶2)

Nha. 1: Urongwa hwaJehovha Hwemwaka Hwakachenjera uye Hune Rudo (si-CA p. 280 ¶14-17)

Nha. 2: w01-CA 4/15 p. 6 ¶19–p. 7 ¶22

Nha. 3: Kuchinjwa Kunoitwa Upenyu Hwedu Netariro yoRumuko

Nha. 4: bBhaibheri Rinobvumira Barika Here? (rs-CA p. 295 ¶1–p. 296 ¶1)

Apr. 28 Kuverenga Bhaibheri: Ruka 22-24 Rwiyo 218

Unyanzvi Hwokutaura: Inzwi Rakakodzera Vateereri (be-CA p. 107 ¶1–p. 108 ¶5)

Kudzokorora

May 5 Kuverenga Bhaibheri: Johani 1-4 Rwiyo 31

Unyanzvi Hwokutaura: Mavandudziro Aungaita Inzwi Rako (be-CA p. 109 ¶1–p. 110 ¶2)

Nha. 1: Unogona Kuvandudza Mano Ako Okuyeuka (be-CA p. 17 ¶1–p. 19 ¶1)

Nha. 2: Johani 2:1-25

Nha. 3: Mwari Anoshora Kushandiswa Kwezvinwiwa Zvinodhaka Here?

Nha. 4: cMwari Anoona Sei Kuparadzana Kwevakaroorana? (rs-CA p. 296 ¶2)

May 12 Kuverenga Bhaibheri: Johani 5-7 Rwiyo 150

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Gadzirisa Inzwi Rako (be-CA p. 111 ¶1–p. 112 ¶2)

Nha. 1: Unogona Kubudirira Pasinei Nokurerwa Kwawakaitwa (w01-CA 4/15 map. 25-8)

Nha. 2: Johani 5:1-24

Nha. 3: Nei Dzidziso Yokufanotemerwa Isina Musoro

Nha. 4: dBhaibheri Rinoti Chii Nezvokurambana uye Kuroorazve? (rs-CA p. 297 ¶1-4)

May 19 Kuverenga Bhaibheri: Johani 8-11 Rwiyo 102

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Chinja Kukurumidza Kana Kunonoka Kwako (be-CA p. 112 ¶3–p. 113 ¶1)

Nha. 1: ‘Nouchenjeri Mazuva Edu Achava Mazhinji’ (w01-CA 5/15 map. 28-31)

Nha. 2: Johani 10:16-42

Nha. 3: Munguva Yekare, Nei Mwari Aibvumira Kuti Hanzvadzi Nehanzvadzi Dziroorane? (rs-CA p. 297 ¶5–p. 298 ¶1)

Nha. 4: Kurarama Kwaungaita Uchinetseka Mupfungwa

May 26 Kuverenga Bhaibheri: Johani 12-16 Rwiyo 24

Unyanzvi Hwokutaura: Kusiyanisa Inzwi—Siyanisa Kukwirira Kwenzwi Rako (be-CA p. 113 ¶2–p. 114 ¶3)

Nha. 1: Gore uye Magwaro Matsvene (si-CA map. 280-2 ¶18-23)

Nha. 2: w01-CA 5/1 p. 14 ¶4–p. 15 ¶7

Nha. 3: Zvazvinoreva ‘Kusava Wenyika’

Nha. 4: Chii Chingabatsira Kuvandudza Muchato? (rs-CA p. 298 ¶2-5)

June 2 Kuverenga Bhaibheri: Johani 17-21 Rwiyo 198

Unyanzvi Hwokutaura: Taura Zvine Upenyu (be-CA p. 115 ¶1–p. 116 ¶4)

Nha. 1: Basa Romudzimu Mutsvene Mukuyeuka (be-CA p. 19 ¶2–p. 20 ¶3)

Nha. 2: Johani 20:1-23

Nha. 3: Chii Chingabatsira Kuvandudza Muchato? (rs-CA p. 299 ¶1-4)

Nha. 4: Chitendero Chakarongwa Chinokosha Here?

June 9 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 1-4 Rwiyo 92

Unyanzvi Hwokutaura: Chido Chakakodzera Mashoko (be-CA p. 116 ¶5–p. 117 ¶4)

Nha. 1: Simbisa Chivimbo Chako Muna Jehovha (w01-CA 6/1 map. 7-10)

Nha. 2: Mabasa 4:1-22

Nha. 3: Chii Chatingadzidza Kubva muBhaibheri nezvaMariya? (rs-CA p. 192 ¶1-6)

Nha. 4: Mwari Ane Hanya Nemanamatiro Edu Here?

June 16 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 5-7 Rwiyo 2

Unyanzvi Hwokutaura: Kuratidza Ushamwari (be-CA p. 118 ¶1–p. 119 ¶5)

Nha. 1: Kureurura Kunoita Kuti Upore (w01-CA 6/1 map. 28-31)

Nha. 2: Mabasa 7:1-22

Nha. 3: Kusiyana Kwakaita Zvapupu zvaJehovha Nezvimwe Zvitendero

Nha. 4: Mariya Aiva Mhandara Chaiyo Here Paakabereka Jesu? (rs-CA p. 192 ¶7–p. 193 ¶1)

June 23 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 8-10 Rwiyo 116

Unyanzvi Hwokutaura: Kubudisa Manzwiro (be-CA p. 119 ¶6–p. 120 ¶5)

Nha. 1: Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo (w01-CA 6/15 map. 9-12)

Nha. 2: w01-CA 6/1 p. 12 ¶1–p. 13 ¶5

Nha. 3: Mariya Akaramba Ari Mhandara Here? (rs-CA p. 193 ¶2-4)

Nha. 4: eNei Kupinda Misangano Kuchibatsira Kukura Mumudzimu

June 30 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 11-14 Rwiyo 167

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako (be-CA p. 121 ¶1-4)

Kudzokorora

July 7 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 15-17 Rwiyo 38

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako (be-CA p. 122 ¶1–p. 123 ¶4)

Nha. 1: Nei Uchishingairira Kuverenga? (be-CA p. 21 ¶1–p. 23 ¶3)

Nha. 2: Mabasa 15:1-21

Nha. 3: Kutsigira Kwatinoita Uchangamire hwaJehovha

Nha. 4: Mariya Aiva Amai vaMwari Here? (rs-CA p. 194 ¶1-3)

July 14 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 18-21 Rwiyo 32

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisana Nevateereri Muushumiri (be-CA p. 124 ¶1–p. 125 ¶4)

Nha. 1: Usarega Kusava Nechokwadi Kuchiparadza Kutenda Kwako (w01-CA 7/1 map. 18-21)

Nha. 2: Mabasa 19:1-22

Nha. 3: fMariya Akanambwa Asina Chivi Here? (rs-CA p. 195 ¶1-2)

Nha. 4: Zvinoreva ‘Kuramba Tichitanga Kutsvaka Umambo’

July 21 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 22-25 Rwiyo 222

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisana Nevateereri Pakupa Hurukuro (be-CA p. 126 ¶1–p. 127 ¶2)

Nha. 1: Unoshivirira Zvechokwadi Here? (w01-CA 7/15 map. 21-3)

Nha. 2: Mabasa 24:1-23

Nha. 3: Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?

Nha. 4: gMariya Akakwira Kudenga Aine Muviri Wake Wenyama Here? (rs-CA p. 195 ¶3-4)

July 28 Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 26-28 Rwiyo 14

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Muushumiri Hwomumunda (be-CA p. 128 ¶1–p. 129 ¶1)

Nha. 1: Hakuna Gore Rainzi “Zero” (si-CA p. 282 ¶24-6)

Nha. 2: w01-CA 7/1 p. 14 ¶5-8

Nha. 3: Zvakarurama Here Kunyengetera Nokuna Mariya soMurevereri? (rs-CA p. 196 ¶1-3)

Nha. 4: Maratidziro Atinoita Kuremekedza Chipo Choupenyu

Aug. 4 Kuverenga Bhaibheri: VaRoma 1-4 Rwiyo 106

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Uri Pachikuva (be-CA p. 129 ¶2–p. 130 ¶1)

Nha. 1: Kushingairira Kwaungaita Kuverenga (be-CA p. 23 ¶4–p. 26 ¶5)

Nha. 2: VaRoma 2:1-24

Nha. 3: Wakamborarama Kare Here?

Nha. 4: Mariya Akanga Achikudzwa Chaizvoizvo Here Muungano yechiKristu yoMuzana Remakore Rokutanga? (rs-CA p. 197 ¶2–p. 198 ¶1)

Aug. 11 Kuverenga Bhaibheri: VaRoma 5-8 Rwiyo 179

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Akasununguka Pakuverengera Vanhu (be-CA p. 130 ¶2-4)

Nha. 1: ‘Zvikomborero Ndezveakarurama’ (w01-CA 7/15 map. 24-7)

Nha. 2: VaRoma 5:6-21

Nha. 3: hUnotenda Mune Mhandara Mariya Here? (rs-CA p. 198 ¶2-4)

Nha. 4: Unofanira Kudavira Kuberekwazve Here?

Aug. 18 Kuverenga Bhaibheri: VaRoma 9-12 Rwiyo 206

Unyanzvi Hwokutaura: Rucheno Rwako Runowedzera Kunaka Kweshoko (be-CA p. 131 ¶1-3)

Nha. 1: Batsirwa Nezvawajaira Kuita (w01-CA 8/1 map. 19-22)

Nha. 2: w01-CA 8/15 p. 22 ¶10-13

Nha. 3: Vanhu Vakachinja Bhaibheri Here?

Nha. 4: Ichokwadi Here Kuti Chingwa Newaini Zvinoshanduka Kuva Nyama Neropa? (rs-CA p. 234 ¶1–p. 235 ¶3)

Aug. 25 Kuverenga Bhaibheri: VaRoma 13-16 Rwiyo 43

Unyanzvi Hwokutaura: Kuva Nomwero uye Kuva Nepfungwa Dzakanaka Kunei Chokuita Nechitarisiko Chako (be-CA p. 131 ¶4–p. 132 ¶3)

Kudzokorora

Sept. 1 Kuverenga Bhaibheri: 1 VaKorinde 1-9 Rwiyo 48

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwenguo Dzakagadzirwa Zvakanaka (be-CA p. 132 ¶4–p. 133 ¶1)

Nha. 1: Kudzidza Kwatingaita (be-CA p. 27 ¶1−p. 31 ¶2)

Nha. 2: 1 VaKorinde 3:1-23

Nha. 3: Johani 6:53-57 Inorevei? (rs-CA p. 235 ¶4−p. 236 ¶1)

Nha. 4: Urombo Hungambofa Hwapembedza Kuba Here?

Sept. 8 Kuverenga Bhaibheri: 1 VaKorinde 10-16 Rwiyo 123

Unyanzvi Hwokutaura: Kutarisika Zvakanaka Hakupi Chisakiso Chokugumbuka (be-CA p. 133 ¶2-4)

Nha. 1: Kurira Zvipingamupinyi Zvinokutadzisa Kufambira Mberi! (w01-CA 8/1 map. 28-30)

Nha. 2: 1 VaKorinde 12:1-26

Nha. 3: Nei Mwari Achirega Zvinhu Zvakaipa Zvichiitika?

Nha. 4: Jesu Akatanga Mhemberero yeMisa Here? (rs-CA p. 236 ¶2–p. 238 ¶2)

Sept. 15 Kuverenga Bhaibheri: 2 VaKorinde 1-7 Rwiyo 16

Unyanzvi Hwokutaura: Kumira Kwakanaka uye Zvishandiso Zvakatsvinda (be-CA p. 133 ¶5–p. 134 ¶4)

Nha. 1: Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire (w01-CA 8/15 map. 4-7)

Nha. 2: 2 VaKorinde 6:1–7:1

Nha. 3: Maonero Anoita muKristu Zviremera Zvenyika (rs-CA p. 143 ¶1-3)

Nha. 4: Mwari Ane Hanya Nokusvibiswa Kwepasi Here?

Sept. 22 Kuverenga Bhaibheri: 2 VaKorinde 8-13 Rwiyo 207

Unyanzvi Hwokutaura: Maderedzerwo Okunetseka Pakutaura (be-CA p. 135 ¶1–p. 137 ¶2)

Nha. 1: Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka (w01-CA 9/1 map. 27-30)

Nha. 2: 2 VaKorinde 8:1-21

Nha. 3: Chinoitika kuMweya Pashure Porufu

Nha. 4: Magwaro Ane Chokuita Nemafungiro omuKristu Nezvehondo (rs-CA p. 143 ¶4–p. 144 ¶3)

Sept. 29 Kuverenga Bhaibheri: VaGaratiya 1-6 Rwiyo 163

Unyanzvi Hwokutaura: Mawanirwo Echivimbo (be-CA p. 137 ¶3–p. 138 ¶4)

Nha. 1: Ukoshi Hukuru Hwemisi Inokosha (si-CA map. 282-3 ¶27-30)

Nha. 2: w01-CA 9/1 p. 15 ¶8–p. 17 ¶11

Nha. 3: Mumamiriroi Ezvinhu Ayo Jehovha Akabvumira vaIsraeri Kupinda Muhondo? (rs-CA p. 144 ¶4–p. 145 ¶4)

Nha. 4: Maziviro Atinoita Kuti Umambo hwaMwari Huri Kutonga

Oct. 6 Kuverenga Bhaibheri: VaEfeso 1-6 Rwiyo 99

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokuita Kuti Inzwi Riwedzere Kunzwika (be-CA p. 139 ¶1–p. 140 ¶1)

Nha. 1: Kudzidza Kune Mubayiro (be-CA p. 31 ¶3–p. 32 ¶4)

Nha. 2: VaEfeso 2:1-22

Nha. 3: Zvine Musoro Kutenda Muna Mwari

Nha. 4: Magwaro Api Ane Chokuita Nemaonero Anoita muKristu Kupindira Mune Zvematongerwe Enyika? (rs-CA p. 146 ¶1-5)

Oct. 13 Kuverenga Bhaibheri: VaFiripi 1–VaKorose 4 Rwiyo 105

Unyanzvi Hwokutaura: Shandisa Mamaikorofoni Zvakanaka (be-CA p. 140 ¶2–p. 142 ¶2)

Nha. 1: Famba ‘Munzira Yakarurama’ (w01-CA 9/15 map. 24-8)

Nha. 2: VaFiripi 2:1-24

Nha. 3: Magwaro Api Anochinja Mafungiro omuKristu Nezvemitambo Yezvematongerwe Enyika? (rs-CA p. 147 ¶1–p. 148 ¶2)

Nha. 4: Zvinodiwa naJehovha Kwatiri Nhasi

Oct. 20 Kuverenga Bhaibheri: 1 VaTesaronika 1–2 VaTesaronika 3

Rwiyo 145

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Bhaibheri Pakupindura (be-CA p. 143 ¶1-3)

Nha. 1: Maonero Anoita Jehovha Nguva (si map. 283-4 ¶31-3)

Nha. 2: w01-CA 10/15 p. 23 ¶6–p. 24 ¶9

Nha. 3: Ndivanaani Vanoenda Kudenga?

Nha. 4: Kusava Nekwavakarerekera kwevaKristu Kunoreva Kuti Havafariri Kugara Zvakanaka Kwevavakidzani Vavo Here? (rs-CA p. 148 ¶3)

Oct. 27 Kuverenga Bhaibheri: 1 Timoti 1–2 Timoti 4 Rwiyo 46

Unyanzvi Hwokutaura: Kuvandudza Kwatingaita Mashandisirwo eBhaibheri (be-CA p. 144 ¶1-4)

Kudzokorora

Nov. 3 Kuverenga Bhaibheri: Tito 1–Firimoni Rwiyo 30

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Bhaibheri Kwakurudzirwa (be-CA map. 145-6)

Nha. 1: Nzira Yokutsvakurudza Nayo Mashoko Uchishandisa Bhaibheri (be-CA p. 33 ¶1–p. 35 ¶2)

Nha. 2: Firimoni 1-25

Nha. 3: Kurarama Upenyu Hwakakwana Kuchange Kuchifinha here?

Nha. 4: Nei Zita Rokuti Jehovha Richishandiswa muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki? (rs-CA p. 277 ¶2-4)

Nov. 10 Kuverenga Bhaibheri: VaHebheru 1-8 Rwiyo 149

Unyanzvi Hwokutaura: Kukosha Kwokunyatsosuma Magwaro (be-CA p. 147 ¶1–p. 148 ¶2)

Nha. 1: Enoki Akafamba naMwari Munyika Isingadi Mwari (w01-CA 9/15 map. 29-31)

Nha. 2: VaHebheru 2:1-18

Nha. 3: iKupindura Vaya Vanoti, ‘Mune Bhaibheri Renyu Moga’ (rs-CA p. 278 ¶2–p. 279 ¶1)

Nha. 4: Vaya Vachamutswa Vachatongwa Sei Maererano Nemabasa Avo?

Nov. 17 Kuverenga Bhaibheri: VaHebheru 9-13 Rwiyo 144

Unyanzvi Hwokutaura: Kusarudza Mashoko Akakodzera Pakusuma Magwaro (be-CA p. 148 ¶3–p. 149 ¶3)

Nha. 1: Zvinorevei Kuva Akavimbika? (w01-CA 10/1 map. 20-3)

Nha. 2: VaHebheru 9:11-28

Nha. 3: Zvisikwa zvaMwari Zvokudenga Zvakarongwa Here? (rs-CA p. 352 ¶3–p. 353 ¶1)

Nha. 4: Nei Zvichibatsira Kuva Nomufambiro Unopa Mbiri Kuna Mwari

Nov. 24 Kuverenga Bhaibheri: Jakobho 1-5 Rwiyo 88

Unyanzvi Hwokutaura: Kusimbisa Kwakakodzera Kunosanganisira Manzwiro Aunoita (be-CA p. 150 ¶1-2)

Nha. 1: Kuyera Zviitiko Mukufamba Kwenguva (si-CA map. 284 ¶1-4)

Nha. 2: w01-CA 11/1 p. 12 ¶15–p. 13 ¶19

Nha. 3: Ukoshi Hwokuva Nomwero

Nha. 4: Mwari Aipa Sei Mirayiridzo Vashumiri Vake Vari Pasi Pano Munguva Yakapfuura? (rs-CA p. 353 ¶2-3)

Dec. 1 Kuverenga Bhaibheri: 1 Petro 1–2 Petro 3 Rwiyo 54

Unyanzvi Hwokutaura: Simbisa Mashoko Akakodzera (be-CA p. 150 ¶3–p. 151 ¶2)

Nha. 1: Kudzidza Kushandisa Zvimwe Zvinoshandiswa Pakutsvakurudza (be-CA p. 35 ¶3–p. 38 ¶4)

Nha. 2: 1 Petro 1:1-16

Nha. 3: Bhaibheri Rinoratidza Kuti vaKristu Vechokwadi Vaizova Vakarongwa Here? (rs-CA p. 354 ¶1-4)

Nha. 4: Zvinofanira kuitwa Nechibayiro Chorudzikinuro chaKristu Muupenyu Hwedu

Dec. 8 Kuverenga Bhaibheri: 1 Johani 1–Judha Rwiyo 22

Unyanzvi Hwokutaura: Nzira Dzokusimbisa (be-CA p. 151 ¶3–p. 152 ¶5)

Nha. 1: Chengeta Hana Yako (w01-CA 11/1 map. 4-7)

Nha. 2: 1 Johani 3:1-18

Nha. 3: Nei Bhaibheri Risingagoni Kuva Nemhaka Yokubatwa Zvakaipa Kwevakadzi

Nha. 4: Vashumiri vaMwari Vakatendeka Vakangopararira muMachechi echiKristudhomu Here? (rs-CA p. 355 ¶1-3)

Dec. 15 Kuverenga Bhaibheri: Zvakazarurwa 1-6 Rwiyo 219

Unyanzvi Hwokutaura: Magwaro Ashandiswa Zvakarurama (be-CA p. 153 ¶1–p. 154 ¶3)

Nha. 1: Kutenda kwaNoa Kunopa Nyika Mhosva (w01-CA 11/15 map. 28-31)

Nha. 2: Zvakazarurwa 2:1-17

Nha. 3: Chikamu Chinooneka cheSangano raJehovha Chingazivikanwa Sei? (rs-CA p. 355 ¶4–p. 356 ¶4)

Nha. 4: Nei Kirisimasi Isiri yevaKristu

Dec. 22 Kuverenga Bhaibheri: Zvakazarurwa 7-14 Rwiyo 6

Unyanzvi Hwokutaura: Kujekesa Kushanda kweMagwaro (be-CA p. 154 ¶4–p. 155 ¶4)

Nha. 1: Unogona Kudzivisa Kuerekana Warwara Nomwoyo Wokufananidzira (w01-CA 12/1 map. 9-13)

Nha. 2: w01-CA 12/15 p. 17 ¶10–p. 18 ¶13 (kusanganisira mashoko omuzasi)

Nha. 3: Kubata Kwaungaita Nokuda Kufanana Nevezera Rako

Nha. 4: Tingaratidza Sei Kuremekedza Sangano raJehovha? (rs-CA p. 356 ¶5-9)

Dec. 29 Kuverenga Bhaibheri: Zvakazarurwa 15-22 Rwiyo 60

Unyanzvi Hwokutaura: Taura Uchishandisa Magwaro (be-CA p. 155 ¶5–p. 156 ¶5)

Kudzokorora

[Mashoko Omuzasi]

a Inopiwa hama bedzi.

b Inopiwa hama bedzi.

c Inopiwa hama bedzi.

d Inopiwa hama bedzi.

e Inopiwa hama bedzi.

f Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

g Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

h Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

i Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe