Kubatsirwa Zvakazara neKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira”
1 Purogiramu Inosimbisa: Yaiva purogiramu inosimbisa zvikuru yatakava nayo pakokorodzano yedu yoruwa ichangopfuura! Takanga takaungana nokuda kwechinangwa chimwe, kuti tive vakashongedzerwa zviri nani kuzivisa Umambo hwaMwari nokushingaira. Unoyeuka here kuti mukurukuri wokutanga akarondedzera sei shoko rokuti “kuzivisa”? Unoyeuka here zvatakakurudzirwa kutsvakurudza muhurukuro yaiti “Usatya Sezvo Uchiziva Kuti Jehovha Anesu”? Inhoroondo dzipi dzoupenyu dzawaongorora kusvika panguva ino?
2 Hurukuro yokusiyirana yaiti “Kusimba Kwokutenda Kwedu Kunoedzwa Nemiedzo Yakasiyana-siyana” yakapa zvikonzero zvikuru zvitatu nei Jehovha achibvumira chitambudzo. Ungatsanangura kuti ndezvipi here? Magwaro api anoita kuti vaKristu tisava nekwatakarerekera? Takakurudzirwa kuitei kuti tizvigadzirire pazvinetso zvingamuka nemhaka yokusava kwedu nekwatakarerekera? Kutsungirira miedzo kwatinoita nokutendeka kunounza sei rumbidzo kuna Jehovha?
3 Madariro api mumutambo waiti “Mira Wakasimba Munguva Dzinotambudza” akakusimbisa zvikuru? Tingava sei saJeremiya?
4 Hurukuro yavose yaiti, “Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja,” yakatsanangura kuchinja kupi kunokosha kuchaitika uye kuchatungamirira kuzuva raMwari rinotyisa? Pawaiteerera hurukuro yokugumisa yaiti, “Ivai Nemabasa Akanaka Kwazvo Akawanda Sevazivisi voUmambo Vanoshingaira,” wakabatanidza sei mashoko acho noushumiri hwako?
5 Pfungwa Huru Dzokushandisa: Sezvakatsanangurwa muhurukuro yaiti “Ratidzai Kuti Munoonga,” tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha zvakadzama? Muhurukuro inokosha yaiti, “Vazivisi voUmambo Vanopisa Nokushingaira,” takakurudzirwa kutevedzera kushingaira kwaani? Kuzviongorora kupi kwatakakumbirwa kuita?
6 Hurukuro yokusiyirana yaiti “Uprofita hwaMika Hunotisimbisa Kuti Tifambe Muzita raJehovha” yakasimbisa zvinhu zvipi zvitatu zvatinofanira kusvitsa kuti tiwane nyasha dzaJehovha? Izvi zvinobvira kusvitsa here? (Mika 6:8) Maererano nehurukuro yaiti “Ramba Wakachena Mutsika Nokurinda Mwoyo Wako,” tinofanira kuramba takachena mutsika munzira dzipi? Hurukuro yaiti “Ngwarira Unyengeri” yakatinyevera kuti tisanyengedzwa uye kuti tisanyengedza vamwe munharaunda dzipi?
7 Ipfungwa dzipi dzinobatsira dzaiva muhurukuro yokusiyirana yaiti “Vazivisi voUmambo Vanopa Mbiri Kuushumiri Hwavo” dzawakatanga kushandisa muushumiri hwako? Muhurukuro yaiti “Kutaurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka,” VaFiripi 4:8 yakaongororwa. Rugwaro irworwo runotibatsira sei kuita kuti kukurukurirana kwedu kuve nechokuita nezvinhu zvokunamata, uye tinofanira kuita izvozvo rini?
8 Hurukuro yaiti “Vimba naJehovha Zvakakwana Munguva Dzokutambudzika,” yakataura mabatiro atingaita nezviitiko zvinotyisa, zvinetso zvokushayiwa mari, utano husina kunaka, zvinetso zvemhuri, uye zvikanganiso zvingaramba zvichiitika. Tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha patinosangana nezvinetso izvi?
9 Mabhuku Matsva Ane Chokuita Nokunamata: Takafara kugamuchira bhuku idzva rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. Chiziviso chaitsanangura chinangwa charo chakaita kuti unzwe sei? Nei richabatsira mubasa redu rokuita vadzidzi sebhuku rokudzidza rechipiri?
10 Takazogamuchirazve bhuku rakaisvonaka rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Ndezvipi zvimwe zvinhu zviri mariri zvinokosha? Unonyanya kufarira mifananidzo ipi? Kuriverenga kwaunoita kwakuswededza pedyo naJehovha here? Ndianizve angakwanisa kubatsirwa naro?
11 Kokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” yakatipa kurudziro yezvokunamata yatinoda kuti tikurire nguva dzakaoma idzi. Saka kuti tibatsirwe zvakazara nourongwa uhwu hwakaisvonaka mune zvokunamata, ngatiitei nepatinogona napo kuyeuka zvakataurwa, kuonga zvatakagamuchira, uye kushandisa zvatakadzidza. (2 Pet. 3:14) Kuita kudaro kuchatisimbisa kuti tirambe takatendeka uye kuti tive vazivisi voUmambo vanoshingaira mukutevedzera Ishe wedu Jesu Kristu, mbiri yose ichienda kuna Jehovha.—VaF. 1:9-11.