Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, goverai bhurocha raAnodei, muchiita nepamunogona napo kuti mutange zvidzidzo zveBhaibheri. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nemabhuku aya, mungagovera rimwe bhuku rekare. Mungabvunza kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare adzisingashandisi kana muungano yenyu musina. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina iri, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Kana ungano isina mamwe mabhuku aya okugovera, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe adzisingashandisi amungagona kushandisa. January: Bhuku ripi neripi rakabudiswa 1988 asati asvika iro ungano ingava naro. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare adzisingashandisi amungagona kushandisa. Ungano dzisina mabhuku ekare dzingagovera Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2003” uye inofanira kuchengetwa kuti ishandiswe muna 2003 mose.
◼ Dzimwe hurukuro dziri mu“Chikoro chaMwari Choushumiri” dzinotorwa mumapeji nendima dzakaratidzwa mubhuku raKurangarira. Pakuverenga ndima mubhuku racho, dziya dzine mutsetse wokutanga wakatangira nechomukati chete ndidzo dzinoverengwa. (Mupurogiramu yechikoro chiratidzo ichi (¶) chinomirira ndima.)
◼ Kana nguva yemisangano yeungano yenyu ichichinja musi waJanuary 1, munyori weungano anofanira kuzivisa hofisi yebazi nezvokuchinja kwacho nokutumira fomu reMashoko Emisangano Yeungano (S-5). Odha itsva yemahendibhiri ingaodwa pafomu iroro, kana achidiwa. Mahendibhiri anofanira kuodwa kuchine vhiki sere musati mava kuda kuagamuchira.
◼ Pane mishumo yakagamuchirwa munguva pfupi yadarika pamusoro pevanhu vanouya kuungano kana kuti kudzimba dzehama vachikumbira mari kana rumwe rubatsiro nepo ivo vari vanyengeri. Tose tinonyeverwa kungwarira vanhu vakadaro. Kana munhu upi noupi akauya kwamuri achiti anoda mari kana pokurara, chokutanga zivai kuti anobva kuungano ipi uye bvunzai mukuru wokuungano iyoyo kuti muone kana munhu wacho achitaura chokwadi. Wanai uchapupu pamusoro pake kubva kuungano yaaiva musati mapa mari kana kuti zvimwe zvinhu kune munhu wamusingazivi. Kazhinji Zvapupu zvechokwadi hazvitendereri mune dzimwe ungano zvichikumbira mari.