Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naSeptember 9
13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaSeptember 15 uye Mukai! yaOctober 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anodzivisa kukurukurirana achiti “Ini handifariri Zvapupu zvaJehovha.”—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 17-18.
17 min: “Kubatsira Vamwe Kuti Varumbidze Jehovha.”a Kana nguva ichibvumira, taura pfungwa imwe kana mbiri dzinoshanda dziri mubhuku raKurangarira, mapeji 93-5.
15 min: Nei Vasina Kutenda? Kukurukurirana nevateereri. Tinowanzosangana nevanhu vane kutenda kuduku. (2 VaT. 3:2) Kuti tivaudze chokwadi pamusoro paJehovha, tinofanira kutanga taedza kuziva kuti chii chakachinja mafungiro avo nezvaMwari. Kurukurai zvinhu zvina zviri mubhuku raKurangarira, mapeji 169-70, zvingaita kuti vanhu vasava nokutenda. Kumbira vateereri kuti vataure kuti vangasvika sei nemashoko acho muchiitiko chimwe nechimwe.
Rwiyo 122 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 16
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurudzira vose kudzokorora zvavakanyora papurogiramu yegungano redunhu rapfuura pakugadzirira Musangano Webasa wevhiki inouya.
18 min: Takaita Sei Gore Rapera? Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Taura zvinhu zvinokosha zviri mumushumo weungano wegore rebasa ra2002. Rumbidza munhu wose nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakaitwa. Taura kuti ungano yakaita sei pakupinda misangano, pakushanya kwokudzoka uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye pakuita upiyona hwebetsero, uchitaura mazano anobatsira kufambira mberi. Ronga vavariro dzinokwanisika nokuda kwegore rinotevera.
17 min: Zvinetso Zvinotarisana Nevabereki Vari Voga. Mukuru anobvunzurudza mubereki ari oga mumwe kana vaviri (kana kuti vaya vane varume kana vakadzi vasiri Zvapupu) kuti aone kuti vanobata sei nezvinetso zvine chokuita nokurovedza, kuranga, uye kutungamirira vana vavo mune zvokunamata. Vanokwanisa sei kutarisira mitoro yemhuri uyewo kuenda kumisangano uye kubuda mubasa romumunda nguva dzose? Taura mazano ari mubhuku raMufarwa Wemhuri, mapeji 104-10. Sezviri pamapeji 113-15, taura nzira dzinoshanda dzokubatsira kunogona kuitwa nevamwe.
Rwiyo 149 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 23
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8, ita kuti mukuru aenzanisire kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 1 uye kuti mushumiri anoshumira aratidze kugoverwa kungaitwa Mukai! yaOctober 8. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taurazve mutsetse wokutanga kana kuti miviri yashandiswa kuita kuti saimba afarire.
10 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Ityai Mwari Mumupe Mbiri.” (Zvak. 14:7) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri muchidzokorora purogiramu yegungano redunhu rakaitwa mugore rebasa rapfuura. Kumbira vaparidzi kuti vataure pfungwa huru dzavakadzidza uye kukwanisa kwavakaita kudzishandisa ivo pachavo kana kuti semapoka emhuri. (Zvikamu zvacho zvingafanogoverwa vamwe vaparidzi.) Kurukurai hurukuro dzaiva papurogiramu yacho dzinoti: (1) “Batsira Vatsva Kuti Vatye Mwari.” Tingabatsira sei vanhu vanofarira vakapinda Chirangaridzo kuti vafambire mberi ndokuva vashumiri vaJehovha vanoshingaira? (2) “Kutya Jehovha Kunoreva Kuvenga Zvakaipa.” (w87-CA 4/15 16-18) Zvirevo 6:16-19 ingatibatsira sei kurega zvinhu zvinovengwa naJehovha—kudada, kureva nhema, kunyanya kutsvaka zvinhu zvenyama, varaidzo isina kunaka, kushandisa Indaneti zvisina kunaka? (3) “Ramba Uchiswedera Pedyo Nevaunoda.” Tinoda Jehovha, Jesu, nhengo dzemhuri, vamwe vari muungano; kuswedera pedyo navo kunotidzivirira sei pakuita zvinhu zvenyika? (4) “Itya Jehovha, Kwete Vanhu.” Kutya kutsamwisa Jehovha kwakakubatsira sei kukurira kuzeza pakuparidza, kunamatira kutsika dzinodiwa naMwari kubasa kana kuchikoro, kana kuti kuramba kutadziswa kupinda misangano, magungano, uye kokorodzano nowaunoshandira? (5) “Itai Zvinhu Zvose Kuti Mwari Apiwe Mbiri.” (Pis. 119:37; VaH. 4:13) Nei kutya Mwari kuchiita kuti tirege kunwa zvakanyanyisa, tirege kuona zvinonyadzisira, kana kuita zvimwe zvivi zvepachivande? (6) “Ramba Uchifamba Uchitya Jehovha.” Jehovha ave achikukomborera sei kuita kuti mudzimu wake ushande zvakazara muupenyu hwako?—Pis. 31:19; 33:18; 34:9, 17; 145:19.
Rwiyo 171 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 30
15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaSeptember. Kurukura nyaya inoti “Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi.”
15 min: Chii Chinoita Kuti Magazini Edu Ave Akasiyana Nemamwe? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Muna October tichange tichigovera Nharireyomurindi neMukai! Kurukura zvikonzero nei magazini acho akasiyana nemamwe: (1) Anokwidziridza zita raJehovha. (2) Anokurudzira kutenda muna Jesu. (3) Anozivisa Umambo hwaMwari. (4) Anotaura kuti Bhaibheri ndicho chiremera chokupedzisira. (5) Anotsanangura kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri. (6) Anotsanangura chaizvoizvo zvinoreva zviri kuitika munyika. (7) Anoratidza kubata kwatingaita nezvinetso zvemazuva ano. (8) Anofadza vanhu vemarudzi ose. (9) Haana kwaakarerekera mune zvematongerwe enyika. Iva nemienzaniso mipfupi miviri, mumwe nomumwe uchiratidza kuti imwe yepfungwa idzi ingashandiswa sei kutanga kukurukurirana.
15 min: “Koshesa Zvinhu Zvinoshandiswa Pakunamata.”b Inopiwa nomukuru. Taurawo mashoko ezvave zvichicherechedzwa muungano uye zvingaitwa neungano kuti ishandise mabhuku edu nokuchenjera. Kurudzira vose kuti vaodhe mabhuku avanoda chete. Yeuka ropafadzo yokupa mari yokutsigira basa romunyika yose.—Ona nyaya inoti “Goverana Navamwe Maererano Nezvinodikanwa Zvavo,” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1996 papeji 3.
Rwiyo 21 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 7
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Kutsigira Chokwadi Kuchikoro. Bvunzurudza muparidzi wechiduku mumwe kana vaviri vanoziva kuti havafaniri kunyanya kushamwaridzana nevavanodzidza navo vasingatendi. Vanoronga kubata sei nezvinetso uye miedzo inounzwa nemhemberero dzenyika, misangano inokurudzira zvematongerwe echikoro, mitambo inoitwa vana vapedza kudzidza mukirasi, uye mufambiro usina kuchena? Taurawo mashoko pamusoro penzira dzavanoronga kuti vagone kupupurira kuchikoro.
20 min: “Rega Kutevera Zvinhu ‘Zvisina Maturo.’”c Wapedza kukurukura ndima 4, taurawo mashoko ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1999, ndima 30-2. Pakukurukura ndima 5, taurawo mashoko ari mubhokisi riri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1994, peji 8. Pakukurukura ndima 6, verenga ndima 18 iri muwedzero yaNovember 1999.
Rwiyo 105 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.