Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi
1 Muna 1983 paKokorodzano Dzoruwa dze“Chibatanwa Choumambo” muUnited States, zvakaziviswa kuti homwe yemari yaizotangwa kuti itsigire kuvakwa uye kunatsiridzwa kweDzimba dzoUmambo muUnited States yose uye muCanada. Sangano harina kuziva zvikomborero zvaizovapo kubva pamavambo maduku iwayo. Takatanga kuona zvakazara zvinonyatsoreva Pisarema 92:4 inoti: “Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.”
2 Zvino tinofara zvikuru nezviri kuitwa. Mazuva ano chirongwa chokuvaka Dzimba dzoUmambo pasi pose nokukurumidza chiri kufambira mberi. Munzira yakati, tose, kusanganisira isu vomuno muZimbabwe, tine ropafadzo yokuitawo basa iri. Tinoita izvi nokubvisa mipiro mikuru kana miduku yemari yokubatsira kuvakwa kwenzvimbo dzakawanda dzokunamatira pasi pose. Hama dzakawanda dzinopawo michina yadzo kuti ishandiswe uyewo nguva, mano, nounyanzvi hwadzo muzvirongwa zvakadai. Kubudirira kwourongwa hwacho hwose kunovapo nemhaka yenhungamiro, tsigiro, uye chikomborero chikuru chaJehovha pane zvatinoita takabatana.—Pis. 127:1.
3 Bazi redu, semamwe ose akawanda, rave richitevera muenzaniso wakatangwa muungano dzomuUnited States. PaDzimba dzedu dzoUmambo tine bhokisi iro vaparidzi vanoisa mipiro yavo yeHomwe yeDzimba dzoUmambo. Pasina mipiro iyi, ungano dzakawanda dzaisagona kuvaka Dzimba dzoUmambo itsva kana kunatsiridza dziya dzinoda kugadziriswa. Zvino Dzimba dzoUmambo dzingada kusvika 20 000 dziri kudiwa nokukurumidza pasi pose, zvikurukuru munyika dzakaderera mune zvoupfumi. Kuramba muchitsigira urongwa uhwu kwamunoita kunoongwa zvikuru nesangano uye neungano dzakawanda dzinobatsirwa nemipiro yenyu.
4 Panguva ino, dzinenge Dzimba dzoUmambo 2 500 dzakatopedzwa muAfrica kubvira pakatangwa Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo, 218 dzadzo dziri dzomuZimbabwe chete. Mabasa okushingaira ehama nehanzvadzi dzakazvipira kushanda neMatare Okuvaka Omunharaunda epakutanga munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeZimbabwe, akapa hwaro hwakaisvonaka kuChirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo chakati kurei, chakazotangwa chiri pasi penhungamiro yebazi reZimbabwe.
5 Zvii zvave zvichiitika kubvira panguva iyoyo? Yearbook ya2001 yakati: “Nourongwa uhwu, kusvika panguva ino munyika 30, Dzimba dzoUmambo 453 dzakatopedzwa, uye dzimwe 727 dzichiri kuvakwa. Chainyanyosimbiswa kunyorwa kwemapurani eDzimba dzoUmambo dzakafanana nokuda kwenyika imwe neimwe aizogona kuvakwa nezvinhu zvomunyika idzodzo uye nemavakirwo emo. MuKenya, vanoshandisa matombo; muTogo vakajaira kushandisa zvidhinha; muCameroon neZimbabwe vakajaira kushandisa zvidhinha zvekongiri zvinozopurasitwa. Neiyi nzira, hama dzomunyika iyoyo dzinokurumidza kuwana unyanzvi hunodiwa hwokuita basa rinokosha muchirongwa chenyika yacho.”
6 Uchapupu hwokukomborera kunoita Jehovha chirongwa ichi hunogona kuonekwa pakondinendi huru yeAfrica. Sezvaunotarira pamifananidzo yedzimwe Dzimba dzoUmambo dzakatovakwa, fungidzira mugumisiro wakava nezvivako izvozvo pabasa reZvapupu zvaJehovha! Izvi ndezvechokwadi munzvimbo nhatu dzakasiyana—kubatana kwedu sehama pasi pose, zviri kuguma zvaitika munzanga yedu, uye kuwedzera kwevanopinda misangano yeungano. Kunyange zvazvo wedzero ino ichitaura nezveDzimba dzoUmambo dzakavakwa muno muAfrica, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwomunguva inouya huchataura kuti chirongwa chokuvaka Dzimba dzoUmambo chiri kufambira mberi sei mune dzimwe nzvimbo dzenyika.
[Mifananidzo iri papeji 3]
CENTRAL AFRICAN REPUBLIC
Bimbo, Bangui
Begoua, Bangui
[Mifananidzo iri papeji 4]
Ukonga, Tanzania
[Mufananidzo uri papeji 4]
Accra, Ghana
[Mufananidzo uri papeji 4]
Salala, Liberia
[Mufananidzo uri papeji 4]
Karoi, Zimbabwe
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Allada, Benin—yaimbova Imba yoUmambo
Allada, Benin—Imba yoUmambo itsva
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kpeme, Togo
[Mufananidzo uri papeji 5]
Sokodé, Togo
[Mufananidzo uri papeji 5]
Fidjrosse, Benin
[Mufananidzo uri papeji 6]
Lyenga, Zambia—yaimbova Imba yoUmambo
[Mufananidzo uri papeji 6]
Lyenga, Zambia—Imba yoUmambo itsva
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kinshasa, Congo
[Mufananidzo uri papeji 6]
Musambira, Rwanda