RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/02 p. 1
  • Koshesa Zvinhu Zvinoshandiswa Pakunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Koshesa Zvinhu Zvinoshandiswa Pakunamata
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Nokuchenjera Mabhuku Edu eBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kugovera Mabhuku Mundima Ine Mitauro Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Ashandise Pane Kuachengeta
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 9/02 p. 1

Koshesa Zvinhu Zvinoshandiswa Pakunamata

1 Paaiita zvirongwa zvokugadzirisa temberi, Mambo Josiya akarumbidza vaya vakanga vanzi vaite basa racho, achiti: “Havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka.” (2 Madz. 22:3-7) Kukoshesa zvinhu zvitsvene kwaiita varume ivavo kwaioneka mumabatiro avaiita zvinhu zvavakaronzeswa. Mazuva ano, sezvatinoita basa dzvene remashoko akanaka aMwari, tinodawo kuva vakatendeka mukubata kwatinoita zvinhu zvatakapiwa.

2 Muushumiri Hwomumunda: Kunzwisisa mashoko anokosha ari mumabhuku edu uye kuziva mari inoshandiswa mukuagadzira zvinoita kuti tiakoshese zvikuru. Hatifaniri kugovera mabhuku edu kune munhu wose wose asingaratidzi kuonga chaizvoizvo mashoko ari muBhaibheri. Kana munhu akaratidza kuti anofarira mashoko akanaka zvishomanana, tingamugovera turakiti pane kumugovera magazini kana mabhuku.

3 Govera mabhuku munzira inoratidza kuva nehanya nokukosha kwawo. Usangoasiya munzvimbo dzavose maachangonzi mwarara. Kuti usapambadza, verenga mabhuku aunawo kumba usati watora mamwe. Nguva dzose kana uchiva nemagazini anosara pamagazini omwedzi mumwe nomumwe aunowana, funga nezvokuderedza odha yako.

4 Mabhuku Okuti Ushandise Iwe Pachako: Tinofanira kungoodha mabhuku atinoda chaizvoizvo. Tinofanira kuva nomwero zvikurukuru pakuodha maBhaibheri edeluxe, Reference Bibles, uye mamwe mabhuku makuru, akadai seConcordance, Index, mavhoriyamu eInsight, uye bhuku raVazivisi, nokuti ose anogadzirwa nemari yakawanda.

5 Unoyeuka kunyora zita nekero yako here mumabhuku ako pachako? Izvi zvichaita kuti usatore mamwe matsva kana ako usingachazivi pawakaaisa. Kana ukarasa bhuku renziyo, Bhaibheri, kana rimwe bhuku rinodzidzwa, zvimwe uchariwana pazvinhu zvakarasika zvinounganidzwa paImba yoUmambo kana kuti panzvimbo inoitirwa magungano.—Ruka 15:8, 9.

6 Ngatiedzei kushandisa mabhuku edu nokuchenjera. Iyi inzira yokuratidza kutendeka kwedu mukubata kwatinoita zvinhu zvoUmambo zvatakaronzeswa naJehovha.—Ruka 16:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe