Chengeta
Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
Kushandiswa Kungaitwa Wedzero Ino
Mharidzo dzakawanda dzinotevera dzaiva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwekare. Edza dzakawanda sedzaungada mubasa rako rokupupurira, wobva waona migumisiro yaunowana. Chengeta wedzero ino, ndokupota uchiishandisa paunenge uchigadzirira ushumiri.
Ungaita kuti munhu afarire Shoko raMwari kana ukataura zvaunoda zvakananga pakarepo. Bvunza mubvunzo wakananga, wobva waverenga mhinduro pfupi yeMagwaro. Ungaedza mazano aya:
“Pamunofungisisa nezvenguva yemberi, munonzwa muine tariro here kana kuti musina chokwadi? [Rega apindure.] Bhaibheri rakafanotaura zviitiko zvinovhiringidza zvatinoona nhasi uye migumisiro yazvo.”—2 Tim. 3:1, 2, 5; Zvir. 2:21, 22.
“Nhasi pane kunetseka kukuru nezvokutarisirwa kwoutano. Maiziva here kuti Mwari anovimbisa kuti achapedza zvachose zvinetso zvoutano zvose?”—Isa. 33:24; Zvak. 21:3, 4.
“Maiziva here kuti Bhaibheri rinofanotaura kuti pakupedzisira pachangova nehurumende imwe chete inenge ichitonga pasi pose?”—Dhan. 2:44; Mat. 6:9, 10.
“Munofunga kuti zvinhu zvaizova zvakaita sei kudai Jesu Kristu aitonga pasi?”—Pis. 72:7, 8.
“Vanhu vakawanda vanotambura kusarura nokuda kwokuva mukadzi kana murume, chitendero chavo, kana kuti dzinza ravo. Munofunga kuti Mwari anonzwa sei nokusarura kwakadaro?”—Mab. 10:34, 35.
“Tinoziva kuti Jesu Kristu akaita zvishamiso zvakawanda mumazuva aakararama. Dai maizomukumbira kuita chimwezve chishamiso, chaizova chei?”—Pis. 72:12-14, 16.
“Nhasi vanhu vakawanda vaneta nokunzwa zvinetso. Vanoda kunzwa zvinopedza zvinetso zvacho. Asi tingawana kupi zvinhu chaizvo zvinopedza zvinetso zvedu?”—2 Tim. 3:16, 17.
“Munoziva Umambo hwamunonyengeterera Mumunyengetero waShe (kana kuti, Baba Vedu) here?—Zvak. 11:15.
Zvokutanga Nazvo Kukurukurirana
Mibvunzo iri pasi, yakatorwa mumisoro iri mubhuku raKurangarira, inoratidza nhamba yepeji inowanikwa mhinduro imwe neimwe:
Vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga here? (rs 69)
Munhu anofanira kuenda kudenga kuti ave nenguva yemberi inofadza zvechokwadi here? (rs 70)
Nei zvichikosha kuziva ndokushandisa zita raMwari pachake? (rs 93)
Jesu Kristu ndiMwari chaizvo here? (rs 98)
Nei Mwari achibvumira kutambura? (rs 149)
Pane zvikonzero zvakanaka zvokutenda muna Mwari here? (rs 259)
Mwari ane hanya chaizvoizvo nezvinoitika kwatiri isu vanhu here? (rs 261)
Mwari munhu chaiye here? (rs 261)
Ndiani anotonga nyika ino—Mwari kana kuti Satani? (rs 280)
Chii chingabatsira kuvandudza muchato? (rs 298)
Zvitendero zvose zvinogamuchirika kuna Mwari here? (rs 310)
Munhu angaziva sei chitendero chakarurama? (rs 316)
Nei tichikwegura ndokufa? (rs 327)
Chokwadi nezvevakafa ndechipi? (rs 329)
Satani munhu ane simba zvakadini munyika yanhasi? (rs 360)
Nei pane uipi huzhinji zvikuru? (rs 362)
Umambo hwaMwari huchaitei? (rs 368)
Chii chiri chinangwa choupenyu hwevanhu? (rs 375)
Mazano Okugovera Bhurocha raAnodei
“Pasina mubvunzo munogona kubvuma kuti vanhu vakawanda vanotenda muna Mwari. Vose vanotenda maari vanobvuma kuti Mwari anoda kuti timuitire chimwe chinhu. Asi vanhu havabvumirani pakuti, Mwari anodei kwatiri?” Zvadaro muratidze bhurocha raAnodei, vhura pachidzidzo 1, mobva machikurukura.
Sezvo kuine zvinetso zvakawanda kudai muupenyu hwemhuri nhasi, makambofunga here kuti mufaro wemhuri ungawanikwa sei?” Apindura, tsanangura kuti muBhaibheri, Mwari anozivisa chinhu chaicho chinounza mufaro wemhuri. Verenga Isaya 48:17. Zvadaro vhura chidzidzo 8 mubhurocha raAnodei, uye taura dzimwe ndima dzeBhaibheri dziripo dzinopa nhungamiro yakavimbika kunhengo imwe neimwe mumhuri. Verenga mibvunzo iri pokutanga pechidzidzo chacho. Bvunza kana munhu wacho angada kuverenga mhinduro dzacho.
“Bhurocha rino rine kosi yokudzidza inodiwa yedzidziso huru dzeBhaibheri. Papeji imwe neimwe, muchawana mhinduro dzemibvunzo yanetsa vanhu kwemazana emakore. Somuenzaniso, Chii chiri chinangwa chaMwari nokuda kwepasi?” Vhura chidzidzo 5, wobva waverenga mibvunzo iri pakutanga pechidzidzo chacho. Bvunza saimba kuti ndoupi waanonyanya kufarira, ipapo woverenga ndima i(dzi)noenderana, muchitarira magwaro akakodzera. Tsanangura kuti mhinduro dzinogutsa dzemimwe mibvunzo dzinogona kungowanikwa zviri nyore sezvangoitwa iyi. Taura kuti uchadzokazve kuzokurukura mumwe mubvunzo.
“Munofunga kuti chii chinokonzera chisimba chose chiri muzvikoro nomumakoreji? Chinokonzerwa nokusarayirwa nevabereki here? Kana kuti ndechimwe chinhu, chakadai sokunyengera kwaDhiyabhorosi?” Rega apindure. Kana munhu wacho akati imhaka yaDhiyabhorosi, verenga Zvakazarurwa 12:9, 12. Taura basa raDhiyabhorosi mukusimudzira kusagadzikana munyika. Zvadaro vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 4, wobva wabvunza kana munhu wacho akambofunga kuti Dhiyabhorosi akabva kupi. Pfuurira kuverenga uye kurukurai ndima mbiri dzokutanga. Kana munhu wacho akati “kusarayirwa nevabereki” ndicho chikonzero chechisimba muzvikoro, verenga 2 Timoti 3:1-3 wobva wataura tsika dzinonyatsokonzera chinetso ichi. Zvadaro vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 8, verenga ndima 5, uye rambai muchikurukura.
“Munofunga kuti zvine musoro here kutarisira kuti Musiki aizotipa zivo yatinoda kuti tive noupenyu hwemhuri hunobudirira?” Apindura, muratidze bhurocha raAnodei. Vhura pachidzidzo 8, wobva wataura kuti rine mashoko anobva muBhaibheri nokuda kwenhengo dzose dzemhuri. Taura kuti unoda kumuratidza mashandisirwo anoitwa bhurocha racho neBhaibheri kuti munhu abatsirwe zvikuru.
“Nokuda kwezvinetso zvose zvatinotarisana nazvo muupenyu hwemazuva ano, munofunga kuti munyengetero ungatibatsira chaizvoizvo here? [Rega apindure.] Vakawanda vanoti munyengetero unovapa simba romumwoyo. [Verenga VaFiripi 4:6, 7.] Kunyange zvakadaro, munhu angafunga kuti minyengetero yake haisi kupindurwa. [Vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 7.] Bhurocha iri rinotsanangura kuti munyengetero unogona sei kutibatsira zvikuru.”
“Tave tichitaura nevavakidzani vedu nezvokuti nei munyika mune zvitendero zvakasiyana-siyana zvakawanda. Asi panongova neBhaibheri rimwe chete. Semafungiro enyu, nei kuvhiringidzika uku kwezvitendero kuripo? [Rega apindure. Vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 13, wobva waverenga mibvunzo iri pokutanga.] Muchawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyoyo nokuverenga chidzidzo ichi.”
Wagovera mumwe munhu magazini eNharireyomurindi neMukai!, mubvunze kana ungamuverengera ndima imwe chete pfupi. Kana wabvumirwa kudaro, vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 5. Verenga mibvunzo iri panotangira chidzidzo chacho, uye mukumbire kuti ateerere mhinduro yomubvunzo wokutanga sezvaunoverenga ndima yokutanga. Wapedza kuverenga ndima yacho, bvunza mubvunzo wacho ndokunzwa mhinduro yake. Govera bhurocha racho, uye kana akarigamuchira, ronga kudzokera kuti uzonzwa mhinduro dzake dzemibvunzo miviri inotevera yacho pane iripo.
Mazano Okugovera Bhuku raZivo
Wakabata Bhaibheri muruoko, tanga nokuti: “Nhasi tiri kukurukura rugwaro runo nevanhu vose vari mumugwagwa wenyu. Runoti . . . ” Verenga Johani 17:3, wobva wabvunza kuti: “Maona here zvinovimbiswa kana tine zivo yakarurama? [Rega apindure.] Munhu angawana kupi zivo yakadaro?” Apindura, muratidze bhuku raZivo, wobva wati: “Bhuku rino rinotaura nezvezivo inotungamirira kuupenyu husingaperi. Rinodaro nokupindura mibvunzo yeBhaibheri ine vanhu vakawanda zvikuru.” Ratidza zviri mukati mebhuku racho, uye bvunza munhu wacho kana akambofunga nezvomumwe wemisoro iyoyo.
“Makambofunga here kana Mwari aine hanya chaizvoizvo nokusaruramisira uye kutambura zvakatipoteredza kana kunyange zvatinosangana nazvo isu pachedu? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anotida uye kuti achatibatsira munguva yokutambura.” Verenga zvikamu zvePisarema 72:12-17. Vhura bhuku raZivo pachitsauko 8, uye taura kuti rinopa mhinduro inozorodza yomubvunzo wakabvunzwa nemamiriyoni wokuti, Nei Mwari achibvumidza kutambura? Kana zvichibvira, kurukurai pfungwa dzeMagwaro dziri mundima 3 kusvika ku5, kana kuti ita izvozvo paunodzokera.
“Vakawanda vedu takafirwa nevadiwa vedu. Makambofunga here kana tichazovaonazve? [Rega apindure.] Jesu akaratidza kuti vadiwa vedu vanogona kumutswa. [Verenga Johani 11:11, 25, 44.] Kunyange zvazvo izvi zvakaitika mazana emakore akapfuura, zvinoratidza zvakapikirwa naMwari kuti atiitire.” Vhura bhuku raZivo pamufananidzo uri papeji 85, wobva waverenga mashoko anotsanangura mufananidzo wacho. Zvadaro muratidze mufananidzo uri papeji 86, wobva wautsanangura. Wana pokutangira paunozodzoka nokubvunza kuti: “Mungada kuziva here chikonzero nei vanhu vachikwegura ndokufa?” Dzokera kunokurukura chitsauko 6.
“Makambofunga here kuti nei vanhu vachida chaizvo kuva noupenyu hwakareba?” Apindura, vhura bhuku raZivo pachitsauko 6, wobva waverenga ndima 3. tsanangura magwaro akaiswa. Uchitaura nezvemibvunzo miviri iri panoperera ndima yacho, bvunza munhu wacho kana angada kuzvionera mhinduro dzacho. Kana achida, kurukurai ndima shomanana dzinotevera.
“Tiri kubvunza vanhu kana vachitenda izvi . . . ” Verenga Genesi 1:1, wobva wabvunza kuti: “Munobvumirana nemashoko aya here?” Kana munhu wacho achibvuma, ipapo uti: “Neniwo ndinobvuma. Zvisinei, munofunga kuti kana Mwari akasika zvinhu zvose, ndiye zvekare anokonzera uipi here?” Wabvuma mhinduro yomunhu wacho, verenga Muparidzi 7:29. Vhura bhuku raZivo pachitsauko 8, woverenga ndima 2. Kana asingabvumirani naGenesi 1:1, mukurudzire kuti aongorore uchapupu hwokuvapo kwoMusiki.—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 60-2.
“Mungabvumirana nazvo here kuti nokukurumidza kuchinja kuri kuita tsika nhasi, tinoda nhungamiro yakavimbika muupenyu? [Rega apindure.] Kunyange riri bhuku rekare zvikuru kupfuura mamwe, Bhaibheri rinopa mazano anoshanda nezvokurarama kwemazuva ano uye nezvoupenyu hwemhuri hunofadza.” Ipapo vhura chitsauko 2 mubhuku raZivo, uye verenga ndima 10 uye mutsetse wokutanga wendima 11, uyewo 2 Timoti 3:16, 17.
“Mungada kuziva here kuti remangwana rinei nokuda kwedu uye pasi? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura nezveremangwana neshoko rimwe—Paradhiso! Ndimo makaiswa vanhu vaviri vokutanga naMwari paakavasika. Cherechedzai rondedzero iyi yezvayaifanira kuva yakaita.” Vhura bhuku raZivo papeji 8, wobva waverenga ndima 9, pasi pomusoro muduku unoti “Upenyu muParadhiso.” Zvadaro kurukurai pfungwa dziri mundima 10, uye verenga rugwaro ruripo, rwaIsaya 55:10, 11. Taura nezvokupfuurira kukurukura zvichava zvakaita upenyu muParadhiso ichadzorerwa, muchikurukura ndima 11-16.
Pakudzokera kunoona vaya vawakagovera magazini eNharireyomurindi neMukai!, ungataura izvi:
“Pandakapedzisira kuuya, ndakafara kukusiyirai magazini yeNharireyomurindi. Zvichida makacherechedza kuti musoro wakazara wemagazini yacho unoti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Nhasi ndinoda kutsanangura kuti Umambo uhwu chii uye zvahungareva kwamuri nemhuri yenyu.” Ipapo vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 6, wobva waverenga uye kurukurai zvinoenderana nenguva yomunhu wacho.
“Ndakakushanyirai nguva pfupi yapfuura ndikakusiyirai magazini eNharireyomurindi neMukai! Magazini aya anowedzera kuremekedza kunoita vanhu Bhaibheri uye nhungamiro yaro yetsika. Nemhaka yokuti ndinofunga kuti zvinokosha kuti munhu wose anzwisise Shoko raMwari, ndadzoka kuti ndikuratidzei chimwe chinhu chichakubatsirai kuita izvozvo.” Muratidze bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo, uye taura nezvechidzidzo cheBhaibheri.
Pakugovera chero bhuku rekare rine mapeji 192, ungaedza mharidzo iyi:
“Vakawanda vakataura kuti dzidzo yakanaka inodiwa zvikuru. Sokufunga kwenyu, munhu anofanira kutsvaka dzidzo yorudzii kuti ave nechokwadi chokuva nomufaro mukuru uye kubudirira muupenyu? [Rega apindure. Ipapo verenga Zvirevo 9:10, 11.] Bhuku iri duku [taura musoro webhuku rauri kugovera] rinotaura zviri muBhaibheri. Rinotaura nezvenzvimbo imwe chete kunobva zivo inogona kutungamirira kuupenyu husingaperi.” Muratidze muenzaniso chaiwo uri mubhuku racho, wobva wakurudzira munhu wacho kuriverenga.
Mamwe Mabhuku
Mharidzo dzingangoshandisirwa mamwe mabhuku nemabhurocha dzingawanikwa muWatch Tower Publications Index pasi pomusoro unoti:
Presentations (Mharidzo)
List by Publication (Dzakarongwa maererano neMabhuku)
Kusvika Kwakananga
Kuti utange chidzidzo cheBhaibheri, edza kumwe kwokusvika zvakananga uku uchiti:
“Maiziva here kuti mumaminitsi mashomanana, munogona kuwana mhinduro yomubvunzo weBhaibheri unokosha? Somuenzaniso, . . . ” Ipapo, bvunza mubvunzo uri panotangira chimwe chezvidzidzo zviri mubhurocha raAnodei chaunofunga kuti chingafadza munhu wacho.
“Ndauya pano kuti ndikuratidzei chirongwa chedu chokudzidza Bhaibheri pasina muripo. Zvinoda anenge maminitsi mashanu kukuratidzai. Mune maminitsi mashanu here?” Kana akati hungu, shandisa chidzidzo 1 chebhurocha raAnodei kuratidza kudzidza kwacho, muchiverenga rugwaro rumwe chete kana maviri akasarudzwa. Pashure pacho, bvunza kuti: “Ndirini pamuchava nemaminitsi anenge 15 kuti tigodzidza chidzidzo chinotevera?”
“Vanhu vakawanda vane Bhaibheri, asi havazivi kuti rine mhinduro dzemibvunzo inokosha yatinayo tose nezveremangwana redu. Tichishandisa bhuku iri rokudzidza [bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo] kweinenge awa imwe chete pavhiki, munogona kunzwisisa zvinhu zvinokosha zveBhaibheri mumwedzi mishomanana bedzi. Ndingafara kukuratidzai madzidziro atinoita.”
“Ndauya kuzokupai kosi yeBhaibheri yepamusha yepachena. Kana zvichiita, ndingada kushandisa maminitsi mashomanana bedzi kuratidza kuti vanhu vari munyika dzinopfuura 200 vanokurukura sei Bhaibheri pamusha semapoka emhuri. Tinogona kushandisa chero musoro pane iyi kuti tikurukure. [Ratidza zviri mukati papeji 3 mubhuku raZivo.] Ndoupi wamunofarira zvikuru?” Mirira munhu wacho kuti asarudze. Vhura chitsauko chasarudzwa, uye tangai kudzidza pandima yokutanga.
“Ndinodzidzisa vanhu Bhaibheri ndisingabhadharisi mari uye ndine imwe nguva yokuwedzera vamwe vadzidzi. Tinoshandisa bhuku iri kudzidza Bhaibheri. [Ratidza bhuku raZivo.] Kosi yacho inoita mwedzi mishomanana chete uye inopa mhinduro dzemibvunzo yakadai sokuti: Nei Mwari achibvumira kutambura? Nei tichikwegura ndokufa? Chii chinoitika kuvadiwa vedu vakafa? Uye tingaswedera sei pedyo naMwari? Ndingakuratidzai chidzidzo chimwe chete here?”
Kana wakawana mharidzo inobudirira inoguma nokufarira, ramba uchiishandisa nepose paunogona! Ichinje zvishoma kuti ienderane nemabhuku ari kugoverwa mwedzi iwoyo.