RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/02 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 1/02 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1987 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 iro ungano ingava naro. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira pamunodzokera, goverai bhurocha raAnodei, nepfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

◼ Vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vanenge varipo paMusangano Webasa vhiki inotanga naJanuary 14 vangawana kadhi reAdvance Medical Directive/Release uye Identity Card revana vavo.

◼ Kutanga muna February, uye March 3 asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti “Kuwana Dziviriro Munyika Ine Ngozi.”

◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi weChina, March 28, zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, kupfuudzwa kwezviratidzo hakufaniri kutanga kusvikira zuva ranyura. Kurukurai nevezvemamiriro okunze vokwenyu kuti muone nguva inonyura zuva munharaunda yenyu. Kunyange zvazvo ungano yoga yoga ingada kuti ichengete Chirangaridzo iri yoga, izvi zvingasaita nguva dzose. Kune ungano dzinoverengeka dzinowanzoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, taizokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nenguva yacho, zvichipa nguva yokukwazisa vashanyi nokukurudzira vachangobva kufarira. Panofanira kufungwawo nezvezvinetso zvemotokari uye pokudzipaka, kusanganisira kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti urongwa hupi hungava hwakanakisisa muungano mavo.

◼ Vanotsvakurudza ruzivo uye vamwe vanhu vakataura nehama dzinoverengeka, vachitsvaka mashoko pamusoro peZvapupu zvaJehovha uye sangano redu. Vakakumbira kuti mafomu okuongorora azadzwe, aine mhinduro dzemibvunzo ine chokuita nezvatinotenda uye dzidziso dzedu. Kana vanhu vakadaro vakasvika kune muparidzi weungano, anofanira kuvaudza zita romutariri anotungamirira. Vakuru vangaongorora nhau dzakadaro vobva vapa mhinduro yakakodzera yakavakirwa patsamba yakanyorerwa matare ose evakuru, yomusi waApril 25, 2001.

◼ Kana mutariri anotungamirira akagamuchira sitatimendi kubva kuhofisi yebazi mwedzi woga woga, anofanira kuona kuti kubvumwa kwose kwemipiro yeHomwe yeSosaiti yeDzimba dzoUmambo nokwebasa renyika yose zvaverengerwa ungano nomushumo weakaunzi unotevera.

◼ Tinocherechedza kuti ungano dzakawanda uye vanhu vachiri kushandisa kero yekare pavanonyorera kuhofisi yedu. Naizvozvo tingada kudzokorora chiziviso chatakaita kare nezvokuchinja kwekero yedu: Tapota cherechedzai kuti kero yedu itsva ndeiyi: Watch Tower, Private Bag WG-5001, WESTGATE. Tapota tangai kushandisa kero itsva iyi iye zvino chaiye. Dzimwe tsamba dzenyu dzingarasika kana mukaramba muchishandisa kero yekare.

◼ Tinoda kuonga hama nehanzvadzi dzeungano dzine Dzimba dzoUmambo dziri kuvakwa nokuda kwokutsigira kwadzinoita nomwoyo wose mapoka okuvaka omunharaunda dzadzo. Basa racho riri kuitwa nokukurumidza zvikuru nokuda kweizvi, zvichiguma neDzimba dzoUmambo dzakawanda dziri kuvakwa munguva pfupi zvikuru. Mumwedzi waSeptember 2001, Dzimba dzoUmambo itsva pfumbamwe dzakatsaurirwa. Ndeidzi: Bannockburn yokuZvishavane, Chemhangura yokuZaka, Chiparahwe neUdzongamvura dzokwaMutare, Esikhoveni yokuBulawayo, Guminja neLwendulu dzokuHwange, Murara yokuHonde Valley uye Ntepe yokuGwanda

◼ Mukai! mumutauro weZulu iri kuchinjwa kubva pakuva magazini inobuda kaviri pamwedzi kuva magazini inobuda kamwe pamwedzi kutanga nemagazini yaJanuary 8, 2002.

◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:

The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 4—Mumutauro Wemasaini wokuAmerica

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe