Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 14
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
25 min: Kubatsirwa Nourongwa Hwomutsa. Hurukuro inopiwa nomukuru anokwanisa, inobva papepa rehurukuro rakabva kuhofisi yebazi, romusi waDecember 1, 2001. Ungano inofanira kuva nemakadhi akakwana eAdvance Medical Directive/Release uye maIdentity Card. Makadhi aya achapiwa vaparidzi vakabhabhatidzwa musangano uno wapera, asi HAAFANIRI kuzadzwa nhasi. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi zvichaitwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano chinotevera, muitisi wechidzidzo chebhuku achibatsira panodiwa. Vaya vari kusaina sezvapupu vanofanira kunyatsoona munhu wacho achisaina gwaro racho. Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora gwaro ravo rokushandisa ivo nevana vavo nokuita kuti mutauro uri pamagwaro aya uwirirane nemamiriro avo ezvinhu uye zvavanodavira.
10 min: “Zvokutaura Maererano Nemagazini.” Mienzaniso yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 uye Mukai! yaFebruary 8. Kurudzira vaparidzi vose kuti vatsigire Zuva Remagazini.
Rwiyo 55 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 21
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kurukura bhokisi rakanzi ‘Tsaura Chimwe Chinhu.’
13 min: Uri Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva Here? Kurukurirano yemhuri. Kuti vawedzere kubatsirwa kwavo nokukurukura kwavanoita rugwaro rwezuva nezuva, vanokurukura Nharireyomurindi yaDecember 15, 1996, papeji 18, ndima 13-14. Dzokorora zvishoma rugwaro rwezuva rwemazuva maviri kana matatu rwakaitwa munguva pfupi yapfuura, uye tsanangura kuti mashoko acho akaratidza sei kuva anobatsira zvikuru. Simbisa kuti kabhuku aka kanofanira kuva chimwe chechikamu chepurogiramu yokudzidza Bhaibheri nguva dzose kunoitwa nemhuri chakagadzirirwa kuita kuti varambe vachishingaira mumudzimu.
22 min: “Ramba Uchiisa Umambo Pakutanga.”a Batanidza mibvunzo mishomanana papfungwa huru dziri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1998, mapeji 19-21.
Rwiyo 168 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 28
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Uchishandisa mazano ari papeji 8, enzanisira mharidzo mbiri pfupi dzemagazini, imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaFebruary 8. Taura mabhuku anogoverwa muna February, uchisimbisa mabhuku ane ungano.
20 min: “Vabereki—Rovedzai Vana Venyu Kubvira Paucheche.”b Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaApril 15, 1998, papeji 32. Kumbira vabereki kuti vataure migumisiro yakanaka yavakava nayo nokutanga kurovedza vana vavo mumudzimu vachiri vacheche.
15 min: Zvinodiwa muungano. Kumbira vaparidzi kuti varondedzere zvakaitika zvavakava nazvo pakushandisa bhuku raKurangarira, pakugovera mamwe mabhurocha kuti vapindure mibvunzo yevanhu, kana kuti pakupa nyaradzo yeMagwaro inobva mubhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Zvimwe ungaenzanisira chakaitika chimwe kana zviviri semaitikiro azvakaita.
Rwiyo 202 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 4
8 min: Zviziviso zveungano.
17 min: ‘Vachanzwa Sei?’c Ita kuti vateereri vataure mashandiro anoita magwaro. Batanidza mibvunzo yendima 17-18 iri papeji 20 muNharireyomurindi yaAugust 15, 1998.
20 min: “Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda.” Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomutariri webasa. Wedzero ino ine mharidzo dzingangoshandiswa dzaiva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwekare, pamwe nedzimwe itsva. Mitsetse isina chinhu ingashandiswa kunyora mamwe mazano achavapo munguva yemberi uye anoratidza kuti anobatsira mundima yenyu. Kumbira vateereri kuti vataure kuti ndedzipi mharidzo dzavanoda zvikuru uye nei. Enzanisira imwe kana mbiri dzingashandiswa nemabhuku anogoverwa muna February. Kurudzira vaparidzi vose kuchengeta wedzero ino ndokupota vachiishandisa kazhinji pakugadzirira ushumiri.
Rwiyo 224 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.