RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/02 p. 1
  • ‘Vachanzwa Sei?’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vachanzwa Sei?’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Uchapupu Kumarudzi Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Yeuka Mudzimai waRoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Tinofanira Kuona Sei Vanhu Zuva raJehovha Sezvarinoswedera Pedyo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 1/02 p. 1

‘Vachanzwa Sei?’

1 Jesu akataura zvakasimba kuti: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Pasinei nokushingaira kwedu, pachine mazana emamiriyoni evanhu vasati vamboparidzirwa. Dzimwe hurumende dzinorambidza basa redu. Nyika dzakawanda dzine vanhu vakawanda vanoramba vachiwedzera nokukurumidza zvikuru. Nokudaro, ‘vachanzwa sei?’—VaR. 10:14.

2 Vimba naJehovha: Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoziva zvakaita mwoyo yevanhu vose. Hazvinei kuti munhu ari mumamiriro ezvinhu akadini, kana achitsvaka chokwadi pamusoro paMwari nomwoyo wose, achachiwana.—1 Mak. 28:9.

3 Abrahamu ainetseka nezvevagari vomuSodhomu neGomora. Asi Mwari akamuvimbisa kuti Sodhomu raisazoparadzwa kunyange kana vanhu gumi chete vakarurama vaizowanikwa imomo. (Gen. 18:20, 23, 25, 32) Jehovha haana kumboparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa, sezvakaratidzwa nokununurwa kwaRoti nevanasikana vake.—2 Pet. 2:6-9.

4 Pane imwe nguva Eriya akambofunga kuti aingova oga pakushumira Mwari wechokwadi. Zvisinei, Jehovha akamuudza kuti akanga asiri oga uye kuti basa raakanga atanga raizopedzwa. (1 Madz. 19:14-18) Zvakadini nemamiriro ezvinhu muzuva redu?

5 Ramba Wakabatikana Mubasa raMwari: Kuti basa rokupupurira rinoda kuitwa richiri rakawanda zvakadini, hatizivi. Jehovha ndiye muridzi webasa iri uye ari kushandisa ngirozi dzake kuti dziritarisire. (Zvak. 14:6, 7) Ndiye anosarudza kuti uchapupu huchapiwa kumarudzi ose hwakakura zvakadini. Kana Jehovha asarudza, anogona kuona kuti shoko roUmambo raparadzirwa munzira dzatingava tisingafungidziri iye zvino kuitira kuti vamwe vanhu vakawanda ‘vanzwe mashoko akanaka votenda.’ (Mab. 15:7) Zvinoitwa naJehovha zvichanyatsoenderana nokuti iye ndiani—Mwari ane rudo, akachenjera, uye akarurama.

6 Iropafadzo yedu kushanda maererano nokuda kwaJehovha, tichiita nepatinogona napo kuita kuti munhu wose anzwe mashoko akanaka.—1 VaK. 9:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe