Bhokisi Remibvunzo
◼ Mashokoi anofanira kukurukurwa pamisangano yebasa romumunda?
Chinangwa chomusangano webasa romumunda ndechokutibatsira kuisa pfungwa pabasa rinotevera—ushumiri. Naizvozvo, muitisi anofanira kuve akanyatsogadzirira uye akashongedzera kupa chimwe chinhu chinokurudzira, chakananga, uye chinoshanda. Kana rugwaro rwezuva racho ruchitaura zvakananga nezvebasa rokuparidza, rungaverengwa rwokurukurwa kwenguva shomanana. Zvisinei, musangano wacho unofanira kutaura zvikurukuru nezvebasa riri kuda kuitwa, uchibatsira vose vari kubuda mubasa rokupupurira kuva vakagadzirira zviri nani kuita ushumiri hwacho zuva iroro.—2 Tim. 4:5.
Pfungwa dzinoshanda dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo dzingakurukurwa kuti vose vazive zviri kugoverwa mwedzi iwoyo uye kuti zvinogoverwa sei. PaZuva reMagazini mharidzo iri pakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini” ingaenzanisirwa. Mune dzimwe nzira dzokuparidza, sumo imwe kana mbiri dziri mubhuku raKurangarira dzakakodzera ndima yenyu dzingakurukurwa. Zvimwe zvinoitwa muushumiri zvingakurukurwa kana kuenzanisirwa, zvakadai sokushandiswa kungaitwa Bhaibheri pasuo, matauriro aungaita nomunhu angangoramba kukurukurirana, kutaura kwaungaita nezvechidzidzo cheBhaibheri, kana kuti nzira yaungaramba uchionana nayo nevanofarira.
Misangano yebasa inofanira kuva pakati pemaminitsi 10 kusvika ku15, zvinosanganisira kuronga mapoka, kugovera ndima, uye kunyengetera. Panopera musangano webasa, vose varipo vanofanira kuziva kuti vachashanda naani uye kupi, uye vanofanira kuenda kundima yacho pakarepo. Nemhaka yokuti musangano wacho mupfupi, zvinokosha kuti tose tisvike panguva yakatarwa. Musangano webasa paunoitwa musangano weungano wapera, zvakadai seChidzidzo cheNharireyomurindi, unofanira kuva mupfupi. Hapafaniri kukurukurwa rugwaro rwezuva, sezvo kukurukurwa kweMagwaro kwakaisvonaka kwatoitwa kare.
Hama dzakabhabhatidzwa dzinokwanisa dzinofanira kufanotaurirwa kuti dzichaitisa musangano webasa romumunda mumwe nomumwe. Kana pasina aripo kuti aitise pazuva rakati, vakuru vanofanira kusarudza kuti ihanzvadzi dzipi dzakabhabhatidzwa dzingaitisa pazvinodiwa. Hanzvadzi yacho ingatanga kukurukura neboka rugwaro rwezuva kana kuti dzimwe pfungwa dzine chokuita nebasa romumunda yakagara pasi, ichiita kuti mashoko ayo ave mashoma. Ingapfeka chifukidziro chomusoro.
Misangano yebasa romumunda mikana yakaisvonaka yokuti tikurudzirwe uye tishongedzerwe kushanda muushumiri. Kana muitisi akagadzirira zviri nani, tose tichabatsirwa zvikuru.