RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/01 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 9/01 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana ukawana anofarira paunodzokerazve, govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nemabhuku aya, ungagovera Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” kana kuti rimwe bhuku rekare. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana usina iri, ungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti bhuku raKurarama Nokusingaperi.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musonganiro vangava vachida kudzorerwa.

◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi nomwedzi isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva mabhuku eodha chaiyo.

◼ Vaparidzi vanoda kurapwa kuchipatara vanokurudzirwa kutaurira mukuru anobata nenhau dzezvokurapwa muungano yavo. Kana hama iyoyo isipo, chero mukuru upi noupi angaziviswa. Nokuda kwenhau dzine chokuita nokuteerera murayiro waMwari woku‘rega ropa,’ vakuru vane mashoko acho mufaira anotaura kuti vangaonana rini uye sei neDare Rokubata Nechipatara.

◼ Ungano dzinofanirawo kutanga kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2002 paodha dzadzo dzemabhuku dzaSeptember. Makarenda acho achawanikwa muChichewa, chiPutukezi, chiRungu, Sesotho, chiShona, Xhosa, neZulu. Makarenda aya achaoneka papepa remabhuku atumirwa akanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa. Karenda ndeyeodha chaiyo uye inofanira kungoodherwa vaparidzi vanenge vaiodha zvakananga. (Ona Mirayiridzo Yokuodha Mabhuku eWatch Tower, chikamu 3.)

◼ Muna April naMay, dzimwezve Horo dzoUmambo 10 dzakatsaurirwa muZimbabwe, zvichiita kuti dzose dzomugore rebasa ra2001 dzisvike ku34.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Unoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? (Turakiti Nha. 26)—chiRungu, chiShona, Zulu

Watch Tower Publications Index 1986-2000—chiRungu

◼ Makaseti eVhidhiyo Matsva Aripo:

The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 1—Mutauro Wemasaini wokuAmerica

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe