RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/01 p. 6
  • “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Ngwarira Nguva Dzose Kudzidzisa Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 5/01 p. 6

“Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”

1 Wakambofunga kuti ndima yako inogara ichishandwa zvokuti hamuchina vamwe vanhu vakaita semakwai vasaramo here? Zvimwe wakafunga kuti: ‘Ndinoziva kuti vanhu vacho vachaita sei. Nei ndichifanira kuramba ndichidzokera kune vaya vasingafariri?’ Ichokwadi kuti ndima dzakawanda dzinogara dzichishandwa. Zvisinei, izvozvo zvinofanira kuonekwa nenzira yakanaka, kwete yakaipa. Nei? Cherechedza zvikonzero zvina zviri pasi apa.

2 Minyengetero Yedu Yave Ichipindurwa: Jesu akati: “Zvechokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Ruka 10:2) Takateterera Jehovha kuti awedzere kutibatsira kwemakumi emakore. Munzvimbo dzakawanda, zvino tava nevashandi vokuwedzera vanodiwa, uye tiri kushanda ndima yose kakawanda zvikuru. Hatifadzwi here nokuti Jehovha akapindura minyengetero yedu?

3 Kutsungirira Kunobereka Zvibereko Zvakanaka: Kunyange mundima dzinogaroshandwa, vanhu vari kubvuma shoko roUmambo uye vari kusvika pakuziva chokwadi. Naizvozvo, tinofanira kuramba tichishanya tashanyazve tiine tariro yokuwana vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka. (Isa. 6:8-11) Sezvakaita vadzidzi vaJesu vepakuvamba, “rambai muchienda” kune vanhu vomundima yenyu yamakagoverwa, muchiedza kuvaita kuti vafarire Umambo hwaMwari.—Mat. 10:6, 7.

4 MuPortugal ungano dzakawanda dzinoshanda ndima dzadzo dzose vhiki yoga yoga, asi dzichiri kuwana vanhu vakaita semakwai. Pane imwe hanzvadzi ine maonero akanaka kwazvo. Inoti: “Ndisati ndaenda mubasa mangwanani oga oga, ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuwana mumwe munhu anofarira kudzidza Bhaibheri.” Rimwe zuva yakaronga kudzidza nevashandi vomune imwe shopu munogadzirwa bvudzi. Zvisinei, gare gare, munhu mumwe chete ndiye akazoramba achidzidza. Munhu wacho akati: “Vamwe havafariri, asi ini ndinofarira.” Mumwedzi miviri akanga ava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvake pachake zviviri. Munguva pfupi shure kwaizvozvo akabhabhatidzwa, uye gare gare akapinda mubasa roupiyona!

5 Basa Riri Kuitwa: Mashoko akanaka ari kuparidzwa, sokufanotaura kwakaita Jesu. (Mat. 24:14) Kunyange munzvimbo dzine vanhu vasinga“di ku[t]inzwa,” vari kunyeverwa nenzira yebasa rokuparidza. Tinotarisira kuti vamwe havagamuchiri kana kuti vanotoshora chokwadi. Asi vakadaro vanofanira kunyeverwa zvakanaka nezvokutonga kwaJehovha kuri kuuya.—Ezek. 2:4, 5; 3:7, 8, 19.

6 Hatisati Tapedza: Hazvisi zvedu kusarudza kuti ndirini patinofanira kurega basa rokuparidza. Jehovha anonyatsoziva kuti ndirini parinofanira kuguma. Anoziva kana pane vanhu mundima yedu vachabvuma mashoko akanaka. Nhasi, vamwe vanhu vanoti havafariri, asi kuchinja kukuru kunoitika muupenyu hwavo—kurasikirwa nemabasa, kurwara kwakakomba, kufirwa nomudiwa—kungaita kuti vagamuchire zvikuru pane imwe nguva. Nemhaka yokufungira zvakaipa kana kuti nemhaka yokungova vakabatikana zvikuru kuti vateerere, vanhu vakawanda havana kumbonzwa chaizvoizvo zvatinoparidza. Kushanya kwoushamwari kwatinoramba tichiita kungavaita kuti vaone uye vateerere.

7 Vaya vakakura mumakore achangopfuura uye iye zvino vane mhuri dzavo pachavo vari kukoshesa upenyu zvikuru uye vari kubvunza mibvunzo inogona kupindurwa neShoko raMwari chete. Vamwe amai vechiduku vakakoka Zvapupu zviviri mumusha mavo ndokuti; “Pandaiva musikana muduku, ndakanga ndisingambonzwisisi chikonzero nei amai vangu vaidzinga Zvapupu vobva vazviudza kuti vakanga vasingafariri, nepo zvazvaingoda kwaiva kutaura nezveBhaibheri. Ipapo ndakafunga kuti pandaizokura, ndaroorwa, uye ndava nomusha wangu pachangu, ndaizokumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvipinde ndokunditsanangurira Bhaibheri.” Izvozvo ndozvavakaita, zvikafadza Zvapupu zvaivashanyira.

8 Ungabudirira Zvikuru Here? Nguva dzose havangavi vanhu vatinoshanyira vanoita kuti zviite sezvakaoma kugaroshanda mundima. Dzimwe nguva tisu pachedu. Tinotanga tiine pfungwa dzisiri idzo here? Izvozvo zvingachinja maitiro edu uye zvimwe inzwi redu pamwe chete nechitarisiko chechiso chedu. Ratidza mafungiro akanaka uye chiso chinofara. Edza masvikiro matsva. Siyanisa mharidzo yako, uye vavarira kuinatsiridza. Zvimwe ungachinja mubvunzo wako wokutanga kana kuti ungashandisa rugwaro rwakasiyana mukukurukurirana kwacho. Bvunza dzimwe hama nehanzvadzi zvadzakaona zvichibudirira pakushanda ndima yacho. Shanda ndima yacho uine vaparidzi nemapiyona vakasiyana-siyana, uye cherechedza chinoita kuti ushumiri hwavo hubudirire.

9 Basa rokuparidza Umambo rine tendero nechikomborero zvaJehovha, uye kuriita kunoratidza kuda kwatinomuita iye nevavakidzani vedu. (Mat. 22:37-39) Saka ngatiitei basa redu kusvika rapera, tisinganeti nokushanda mundima nguva nenguva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe