“Kudyara Mbeu yoUmambo” Muvanhu Vatinogaroendesera Magazini
Zvinhu zvakawanda zvinogona kuitwa nokugaroendesa magazini. (1) Kushanya nguva dzose vhiki mbiri dzoga dzoga kunokuita kuti ugone kutanga kushamwaridzana nomunhu anofarira. (2) Unoita kuti nguva dzose munhu iyeye arambe achiwana mashoko anoponesa upenyu ari muNharireyomurindi neMukai! (3) Kubva pane zvamunokurukurirana ungabatsira munhu wacho kuti apange chokwadi cheMagwaro, chinogona kuita kuti muzodzidza Bhaibheri.—1 Pet. 2:2.
Matangiro Aungaita Kwokugara Uchiendesa Magazini: Pose apo mumwe munhu anofarira magazini, tsanangura kuti nyaya dzakasiyana nedzimwe dzinobuda mumagazini imwe neimwe uye kuti uchafara kuuya nawo vhiki mbiri dzoga dzoga. Wabvapo, nyora zita nekero zvomunhu wacho, musi wawashanya, misi yemagazini agoverwa, nyaya yakurukurwa, uye nhau dzanyanya kufadza munhu wacho.
Unogona kutanga kugara uchiendesera magazini vanhu vashomanana chete. Ipapo shanda kuti uwedzere vamwe vaunogovera magazini. Sezvo vaunogara uchiendesera magazini ako vanowanda, unogona kuvaronga maererano nekwavanogara kuitira kuti zvive nyore kuona vose. Chengeta chinyorwa chakanyatsonaka chemagazini akagoverwa pakushanya kwoga kwoga uye kuti rini. Wedzera mashoko anotaura zvamakakurukurirana uye okupfuurira kwauchaita kukudza kufarira chokwadi kwomunhu wacho pauchashanyazve.
Kudzokerazve: Paunogamuchira magazini itsva, verenga nyaya dzose. Tsvaka pfungwa ichafadza munhu oga oga pane vaunogara uchiendesera magazini. Ipapo paunodzoka, ungati: “Pandaiverenga nyaya iyi, ndakakufungai uye ndakafunga nezvokunakidzwa kwamaizoitwa nayo.” Vaparidzi vemazera ose vanogona kunakidzwa nokugara vachiendesa magazini. Kunyange mwana muduku angati: “Ndafara kukuonaizve. Magazini enyu achangobva kubudiswa eNharireyomurindi neMukai! auya. Ndinofunga kuti muchafarira nyaya iyi inoti . . . ”
Ita kuti ade kuziva nyaya dzinotevera nokumuratidza bhokisi rakanzi “Zviri Mumagazini Yedu Inotevera.” Nyaya padzinobuda dzichitevedzana, ratidza izvozvo uye kurudzira muverengi kuti asarega kuverenga chikamu chayo chero chipi zvacho. Usakanganwa kuti nguva yoga yoga yaunounzira magazini munhu waunogara uchiendesera magazini, ingaverengwa sokudzokerazve. Uye kupfuura zvose, yeuka kuti vavariro yedu ndeyokuita kuti kushanya uku kuzova zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.
Shanyira Vanhu Vaunogara Uchiendesera Magazini Nguva Dzose: Unogona kuona vanhu vako vose vaunoendesera magazini chero panguva ipi zvayo inoita—pamangwanani ezuva romukati mevhiki, mumasikati makuru, pakuvamba mumanheru, kana kuti pakupera kwevhiki wapedzera nguva mubasa repaimba neimba. Kana usingakwanisi kuona vanhu vose vaunogara uchiendesera magazini nemhaka yokurwara kana kuti uri pazororo, kumbira mumwe muparidzi ari mumhuri yako kana muungano kuti akuendesere magazini acho. Nokuita kudaro, vaya vaunogara uchiendesera magazini havazokundikani kuwana magazini avo panguva.
Imwe nzira yokudyara nayo mbeu yoUmambo ndeyokuenda neNharireyomurindi neMukai! nguva dzose kuvanhu vose vaunogara uchiendesera magazini. Sezvaunovadzidzisa chokwadi cheMagwaro, vangawana pfungwa yeshoko roUmambo vopedzisira vava kubereka zvibereko pamwe chete newe.—Mat. 13:8, 23.