Une Ndima Yako Here?
1. Ndima yako woga chii?
1 Ndima yako woga ndeiya yawakapiwa. Inogona kunge iri pedyo newe kuitira kuti ukwanise kusvikako nokukurumidza woparidza uri woga kana kuti nomumwe muparidzi. Kunyange zvazvo zvichibatsira kutsigira urongwa hweungano hwokuparidza seboka pazvinenge zvichiita, kuva nendima yako yokuti ushande pane imwe nguva kungabatsira kuti unyatsoparidza, zvikurukuru muungano dzine ndima yakakura.—Mab. 10:42.
2. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira kana ukava nendima yako woga?
2 Kubatsira Kwazvinoita: Vamwe vakaona zvichiwedzera kuvabatsira kuti vaparidze mundima yavo iri pedyo nokubasa kwavo panguva yokumbozorora vachidya masikati kana kuti vachangopedza basa. Vamwe vakanakidzwa nokushanda pamwe chete semhuri munzvimbo yekwavanogara kweawa imwe chete kana kuti maviri Chidzidzo Chebhuku Cheungano chisati chatanga. Saka vanhu vaunoona vaunozodzokerazve kunoona uye kunodzidza navo Bhaibheri, vachange vari pedyo, zvichizoita kuti uchengetedze nguva nemari. Nokuti zvakawanda zvingaitwa munguva pfupi, kuva nendima yako woga kungabatsira vamwe kuti vatore upiyona hwebetsero nguva nenguva kana kutova mapiyona enguva dzose. Uyezve, kushanda mundima yako woga uye kuzivana navanasaimba kungabatsira kuti vavimbe newe uye kuti tichinje mharidzo dzedu kuti dzienderane nezvinovanetsa, zvichizoita kuti ushumiri hwedu hunyanye kubatsira.
3. Chii chakaitika kune mumwe piyona akazviwanira ndima yokushanda?
3 Mumwe piyona akakurudzirwa nomutariri wedunhu kuti azviwanire ndima yake oga, anoti: “Ndakabvuma kushandisa zano iri uye nokukurumidza ndakashamwaridzana navanasaimba vari mundima yangu. Ndakachinja nguva yangu yokushanya kuti ienderane navo. Nemhaka yeizvi, vanhu vandinodzokerazve vakawedzera kubva pa35 kusvika ku80 pamwedzi, uye ndinodzidza Bhaibheri nevanhu vanomwe.”
4. Ungawana sei ndima yako woga uye ungaishanda sei?
4 Maitirwo Azvo: Kana uchida kukumbira ndima, taura nomutariri wendima. Inzwa wakasununguka kukumbira mumwe muparidzi kuti ashande newe, uye nyora vaya vanenge vasiri pamba. Unofanira kuedza kushanda ndima yako yose mumwedzi mina. Kana zvakakuomera, ungakumbira Mutariri wenyu weChidzidzo Chebhuku Cheungano kana vamwe kuti vakubatsire. Panopera mwedzi mina, ungadzorera ndima yawakapedza kana kuti ungakumbira kuti uishande zvakare. Zvisinei, haufaniri kuchengeta ndima imwe chete zvachose asi idzorere kuitira kuti vamwe vaikumbirewo. Kana uri muungano ine ndima diki, uye zvisingaiti kuti uve nendima yako woga, zvichida ungakumbira kupiwa chikamu chendima nomutariri wenyu wechidzidzo chebhuku.
5. Chii chinodiwa kuti tiite basa redu rokuparidza?
5 Basa redu rokuparidza “munyika yose inogarwa” rakaoma. (Mat. 24:14) Zvinotoda kunyatsoronga kuti basa iri riitwe. Pakushanda neboka kwatinoita, tikawedzerawo kushanda ndima yedu toga, zvinogona kutibatsira kuti tiudze mashoko akanaka kune vanhu vakawanda sevatinokwanisa.